Shona

Kabyle: New Testament

Genesis

13

1Zvino Abhuramu wakakwira kubva Egipita, iye nemukadzi wake nezvose zvaakange anazvo, naRo­ti anaye, vakaenda kuchamhembe.
2Zvino Abhuramu wakange akafuma kwazvo pazvipfuwo, pasirivha, nepandarama.
3Zvino wakafamba nzendo dzake kubva kuchamhembe kusvi­kira paBheteri, panzvimbo paiva netende rake pakutanga, pakati peBheteri neAi;
4kunzvimbo yearitari yaakange aitapo pakutanga; Abhuramu ndokudana zita raJehovha ipapo.
5NaRotiwo, waifamba naAbhuramu, wakange ane makwai, nenzombe, nematende.
6Nyika ikakonewa kuvatakura kuti vagare pamwe; nekuti fuma yavo yakange iri zhinji; zvekuti vakange vasingagoni kugara pamwe.
7Zvino pakava nemakakatamwa pakati pevafudzi vezvipfuwo zvaAbhuramu nevafudzi vezvipfuwo zvaRoti. Zvino nenguva iyo vaKanani nevaPerezi vaigara panyika iyo.
8Abhuramu ndokuti kuna Roti: Makakatamwa ngaarege kuvapo, ndinokukumbira, pakati pangu newe, nepakati pevafudzi vangu nevafudzi vako, nekuti tiri hama.
9Nyika yose haizi pamberi pako here? Paradzana hako neni; kana ukaenda kuruboshwe, ndichaenda kurudyi; kana ukaenda kurudyi ini ndichae­nda kuruboshwe.
10Roti ndokusimudza meso ake, akaona rose bani reJoridhani kuti rakadiridzwa zvakanaka rose, Jehovha asati aparadza Sodhoma neGomora; rakaita semunda waJehovha, senyika yeEgipita, kana achiinda Zoari.
11Roti akazvisarudzira bani rose reJoridhani; Roti ndokuenda kumabvazuva; ndokuzvipa­radzanisa umwe kubva kune umwe.
12Abhuramu wakagara munyika yeKanani, Roti ndokugara pamaguta emapani, akadzika tende pedo neSodhoma.
13Asi vanhu veSodhoma vaiva vakaipa, uye vatadzi pamberi paJehovha zvikuru.
14Jehovha ndokuti kuna Abhuramu Roti aparadzana naye: Simudza hako meso ako ipapo paugere, utarire kumaodzanyemba nekuchamhembe, nekumabvazuva, nekuma­virira;
15nekuti nyika yose yaunoona ndichaipa kwauri nekumbeu yako kusvikira rinhi narinhi.
16Uye ndichaita mbeu yako seguruva renyika, kuti kana kune munhu anogona kuverenga guruva renyika, nembeu yako ingaverengwawo.
17Simuka, famba uchigura nyika paurefu hwayo, nepaupamhi hwayo, nekuti ndichaipa kwauri.
18Abhuramu ndokubvisa tende, akasvika ndoku­gara pamiti yemiouki* yeMamure, iri muHebhuroni, akavakirapo Jehovha aritari.