1Zvino zvakaitika mumazuva aAmuraferi mambo weShinari, Arioki mambo weErasari, Kedhoriraomeri mambo weEramu, naTidhari, mambo wemarudzi,
2kuti vakaita hondo naBhera mambo weSodhoma, naBherisha mambo weGomora, Shinabhi mambo weAdhamu, naShemebheri mambo weZebhoimi, namambo weBhera (rinova Zoari).
3Ava vose vakasangana mumupata weSidhimu unova Gungwa reMunyu.
4Makore gumi nemaviri vakashandira Kedhoriraomeri, asi vakamumukira negore regumi nematatu.
5Zvino mugore regumi nemana Kedhoriraomeri wakauya, nemadzimambo aiva naye, vakarova vaRefaimi paAshitoreti karinaimi, nevaZuzimi paHamu, nevaEmimi paShavhe-kiriataimi,
6nevaHori pagomo ravo Seiri, kusvikira paEriparani riri pedo nerenje.
7Zvino vakadzoka vakasvika Enimishipati rinova Kadheshi, ndokurova nyika yose yevaAmareki, nevaAmoriwo, vaigara paHazazoni-Tamari.
8Zvino kwakabuda mambo weSodhoma namambo weGomora, namambo weAdhamu namambo weZebhoimi, namambo weBhera rinova Zoari, vakabuda vakarongedza hondo kuzorwa navo pamupata weSidhimu,
9kuti varwe naKedhoriraomeri mambo weEramu, naTidhari, mambo wemarudzi, naAmuraferi mambo weShinari, naArioki, mambo weErasari; madzimambo mana akamirisana nemadzimambo mashanu.
10Zvino mupata weSidhimu waiva nemakomba ane tara, uye madzimambo eSodhoma neGomora akatiza, ndokuwiramo; uye vakasara vakatizira kugomo,
11ndokutora nhumbi dzose dzeSodhomu neGomora, nechikafu chavo chose, vakaenda.
12Zvino vakatora Roti, mwanakomana wemunin'ina waAbhuramu, waigara paSodhoma, nenhumbi dzake, ndokuenda.
13Zvino kwakauya wakange apukunyuka ndokuudza Abhuramu muHebheru, waigara pamiouki* yaMamure muAmori, munin'ina waEshikori nemunin'ina waAneri vakange vaita sungano naAbhuramu.
14Zvino Abhuramu wakati anzwa kuti hama yake yatapwa, akashongedza zvombo vakange vadzidziswa, vakazvarwa muimba yake, mazana matatu negumi nevasere, akavateverera kusvikira paDhani.
15Zvino wakazvikamura kurwa navo usiku, iye nevaranda vake, akavarova, akavateverera kusvikira paHobha, riri kurudyi rweDhamasiko.
16Zvino wakadzosa nhumbi dzose, naRotiwo hama yake nenhumbi dzake, nevakadziwo nevanhu.
17Mambo weSodhoma ndokubuda kunosangana naye adzoka pakuuraya Kedhoraomari nemadzimambo aiva naye pamupata weShavhe unova mupata wamambo.
18Merikizedheki mambo weSaremi ndokuuisa chingwa newaini; uye iye mupristi waMwari Wekumusoro-soro.
19Zvino wakamuropafadza akati: Ngaaropafadzwe Abhuramu naMwari Wekumusoro-soro, Muridzi wematenga nepasi.
20Uye ngaaropafadzwe Mwari Wekumusoro-soro, wakakumikidza vavengi vako mumaoko ako. Ndokumupa chegumi chezvose.
21Zvino mambo weSodhoma wakati kuna Abhuramu: Ndipe vanhu, ugozvitorera nhumbi.
22Abhuramu ndokuti kuna mambo weSodhoma: Ndasimudzira ruoko rwangu kuna Jehovha Mwari Wekumusoro-soro, muridzi wekumatenga nepasi,
23kuti handingatori kubva kurushinda kusvika kurukanda rweshangu pane chose chaunacho, kuti murege kuzoti: Ini ndakafumisa Abhuramu.
24Kunze kweizvo chete majaya zvaakadya, nemugove wevarume vakainda neni, vanaAneri, Eshikori, naMamure, ngavatore mugove wavo.