Shona

Kabyle: New Testament

Genesis

15

1Shure kwezvinhu izvi shoko raJe­hovha rakauya kuna Abhuramu pachiratidzo richiti: Usatya Abhuramu, ndiri nhovo yako, nemu­bayiro wako mukuru-kuru.
2Abhuramu ndokuti: Ishe Jehovha, muchandipei? zvandoenda ndisina mwana; uchava mudyi wenhaka yeimba yangu ndiEriezeri weDhamasiko?
3Abhuramu ndokuti: Tarira, kwandiri hamuna kupa mbeu; uye tarira, uyo wakaponerwa mumba mangu ndiye achava mudyi we­nhaka yangu.
4Zvino tarira, shoko raJehovha kwaari rakati: Uyu haangavi mudyi we­nhaka wako; asi uyo uchabuda paura hwako, ndiye achava mudyi wenhaka wako.
5Zvino wakamubudisa panze akati: Zvino tarira kumatenga, ugoverenga nyere­dzi, kana ungagona kudziverenga. Ndokuti kwaari: Ndizvo zvichaita mbeu yako.
6Iye ndokutenda kuna Jehovha. Zvino akamuverengera izvi kuva kururama.
7Zvino wakati kwaari: Ndini Jehovha wa­kakubudisa paUri yevaKaradhea, ndikupe nyika iyi ive nhaka yako.
8Ndokubva akati: Ishe Jehovha, ndichaziva sei kuti ichava nhaka yangu?
9Zvino akati kwaari: Nditorere tsiru remakore matatu, nesheche yembudzi yemakore matatu, negondohwe remakore matatu, nenjiva, nemwana wehangaiwa.
10Akamutorera zvose izvi, akazvipamura nepakati, akagadzika rwumwe rutivi rwakatarisana nerwumwe; asi shiri haana kudzipamura.
11Zvino magora aka­burukira kuzvitunha, asi Abhuramu wakaa­dzinga.
12Zvino zuva rakati rovira, hope huru dzakawira pana Abhuramu; zvino tarira, kutya nerima guru zvakawira pamusoro pake.
13Zvino wakati kuna Abhuramu: Uzive kwazvo kuti mbeu yako ichava mutorwa munyika isiri yavo, uye vachavashandira, uye vachatambudzwa makore mazana mana.
14Asi rudzi rwavachashandira ndicharwutonga, uye pashure vachabuda nenhumbi zhinji.
15Asi iwe uchaenda kuna madzibaba ako nerugare, uchavigwa paku­kwegura kwakanaka.
16Zvino rudzi rwechina ru­chadzoka pano; nekuti kuipa kwevaAmori kuchigere kuzara.
17Zvino zvakaitika kuti zuva ravira, uye kwa­sviba, zvino tarira, choto chinopfungaira nemwenje unopfuta zvinopfuura pakati penhindi idzodzo.
18Nezuva iroro Jehovha wakaita sungano naAbhu­ramu achiti: Kumbeu yako ndapa nyika iyi, kubva parwizi rweEgipita kusvikira kurwizi rukuru, rwizi Yufuratesi.
19VaKeni nevaKenizi nevaKadhimoni
20nevaHeti nevaPerezi nevaRefaimi,
21nevaAmori nevaKanani nevaGiriga­shi nevaJebhusi.