Shona

Kabyle: New Testament

Genesis

16

1Zvino Sarai mukadzi waAbhuramu, waiva asingamuberekeri vana; uye waiva nemurandakadzi, muEgipita, zita rake riri Hagari.
2Sarai ndokuti kuna Abhuramu: Tarira zvino, Jehovha wakandikonesa pakubereka, pinda hako kumura­ndakadzi wangu, zvimwe ndingawana vana naye. Abhuramu ndokuteerera shoko raSarai.
3Zvino Sarai mukadzi waAbhuramu wakatora Hagari muEgipita mura­ndakadzi wake, pakupera kwemakore gumi Abhuramu agere panyika yeKanani, ndokumupa kuna Abhuramu murume wake kuti ave mukadzi wake.
4Zvino wakapinda kuna Hagari, iye ndokutora mimba. Zvino wakati aona kuti wava nemimba, vatenzikadzi vake vakashoreka pameso ake.
5Zvino Sarai wakati kuna Abhuramu: Kukanganiswa kwangu kuri pamu­soro pako. Ndini ndakapa murandakadzi wangu pachipfuva chako, zvino paakaona kuti wava nemimba, ndinoshoreka pameso ake. Jehovha ngaatonge pakati pangu newe.
6Asi Abhuramu wakati kuna Sarai: Ta­rira, murandakadzi wako uri paruoko rwako. Muitire zvakanaka pameso ako. Zvino Sa­rai wakamuomesera, akatiza pachiso chake.
7Mutumwa waJehovha akamuwana pachitubu chemvura murenje, pachutubu chiri panzira inoenda kuShuri.
8Zvino wakati: Hagari, murandakadzi waSarai, unobvepi, uye unoendepi? Iye ndokuti: Ndino­tiza pachiso chaSarai vatenzikadzi vangu.
9Mutumwa waJehovha ndokuti kwaari: Dzokera kuna vatenzikadzi vako, ugozvininipisa pasi pemaoko avo.
10Mutumwa waJehovha ndokuti kwaari: Ndichawanza zvikuru mbeu yako kuti isaverengwa nekuwanda.
11Mutumwa waJehovha akatiwo kwaari: Tarira, une mimba, uye uchabereka mwanakomana, ugotumidza zita rake kuti Ishimaeri, nekuti Jehovha wanzwa ku­tambudzika kwako.
12Iye uchava mbizi yemunhu, ruoko rwake rwucharwisa munhu wose, neruoko rwemunhu wose rwuchamurwisa; uye uchagara pamberi pechiso chehama dzake dzose.
13Zvino akatumidza zita raJehovha wa­kataurirana naye kuti: Imwi Mwari wekuona. Nekuti wakati: Pano neni ndamutarisa here iye unondiona?
14Naizvozvo chitubu chakanzi Bheeriahiroi; tarira, chiri pakati peKa­dheshi neBheredhi.
15Hagari ndokuberekera Abhuramu mwanakomana; Abhuramu ndokutumidza zita remwanakomana wake, Hagari waakabereka kuti: Ishimaeri.
16Abhu­ramu waiva nemakore makumi ma­sere nematanhatu, Hagari paakaberekera Abhuramu Ishimaeri.