1Zvino Sarai mukadzi waAbhuramu, waiva asingamuberekeri vana; uye waiva nemurandakadzi, muEgipita, zita rake riri Hagari.
2Sarai ndokuti kuna Abhuramu: Tarira zvino, Jehovha wakandikonesa pakubereka, pinda hako kumurandakadzi wangu, zvimwe ndingawana vana naye. Abhuramu ndokuteerera shoko raSarai.
3Zvino Sarai mukadzi waAbhuramu wakatora Hagari muEgipita murandakadzi wake, pakupera kwemakore gumi Abhuramu agere panyika yeKanani, ndokumupa kuna Abhuramu murume wake kuti ave mukadzi wake.
4Zvino wakapinda kuna Hagari, iye ndokutora mimba. Zvino wakati aona kuti wava nemimba, vatenzikadzi vake vakashoreka pameso ake.
5Zvino Sarai wakati kuna Abhuramu: Kukanganiswa kwangu kuri pamusoro pako. Ndini ndakapa murandakadzi wangu pachipfuva chako, zvino paakaona kuti wava nemimba, ndinoshoreka pameso ake. Jehovha ngaatonge pakati pangu newe.
6Asi Abhuramu wakati kuna Sarai: Tarira, murandakadzi wako uri paruoko rwako. Muitire zvakanaka pameso ako. Zvino Sarai wakamuomesera, akatiza pachiso chake.
7Mutumwa waJehovha akamuwana pachitubu chemvura murenje, pachutubu chiri panzira inoenda kuShuri.
8Zvino wakati: Hagari, murandakadzi waSarai, unobvepi, uye unoendepi? Iye ndokuti: Ndinotiza pachiso chaSarai vatenzikadzi vangu.
9Mutumwa waJehovha ndokuti kwaari: Dzokera kuna vatenzikadzi vako, ugozvininipisa pasi pemaoko avo.
10Mutumwa waJehovha ndokuti kwaari: Ndichawanza zvikuru mbeu yako kuti isaverengwa nekuwanda.
11Mutumwa waJehovha akatiwo kwaari: Tarira, une mimba, uye uchabereka mwanakomana, ugotumidza zita rake kuti Ishimaeri, nekuti Jehovha wanzwa kutambudzika kwako.
12Iye uchava mbizi yemunhu, ruoko rwake rwucharwisa munhu wose, neruoko rwemunhu wose rwuchamurwisa; uye uchagara pamberi pechiso chehama dzake dzose.
13Zvino akatumidza zita raJehovha wakataurirana naye kuti: Imwi Mwari wekuona. Nekuti wakati: Pano neni ndamutarisa here iye unondiona?
14Naizvozvo chitubu chakanzi Bheeriahiroi; tarira, chiri pakati peKadheshi neBheredhi.
15Hagari ndokuberekera Abhuramu mwanakomana; Abhuramu ndokutumidza zita remwanakomana wake, Hagari waakabereka kuti: Ishimaeri.
16Abhuramu waiva nemakore makumi masere nematanhatu, Hagari paakaberekera Abhuramu Ishimaeri.