1Zvino Abhuramu paakange ava nemakore makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe, Jehovha wakaonekera kuna Abhuramu, ndokuti kwaari: Ndini Mwari Wemasimbaose, famba pamberi pangu, uve wakarurama.
2Zvino ndichaita sungano yangu pakati pangu newe, ndigokuwanza zvikurusa.
3Abhuramu ndokuwa nechiso chake, Mwari ndokutaura naye, achiti:
4Kana ndirini, tarira, sungano yangu inewe; uye uchava baba vendudzi zhinji-zhinji.
5Nezita rako harichazonzi Abhuramu, asi zita rako richava Abhurahamu; nekuti ndakuita baba vechaunga chendudzi.
6Ndichakuitawo ubereke zvikuru; uye ndichakuita ndudzi, nemadzimambo achabuda kwauri.
7Uye ndichasimbisa sungano yangu pakati pangu newe, nembeu yako inokutevera pamazera ayo, kuti ive sungano isingaperi, kuti ndive Mwari kwauri nekumbeu yako inokutevera.
8Zvino ndichapa kwauri nekumbeu yako inokutevera nyika yauri mweni mairi, nyika yose yeKanani, ive yako nekusingaperi; uye ndichava Mwari wavo.
9Mwari akatiwo kuna Abhurahamu: Naizvozvo iwe uchachengeta sungano yangu, nembeu yako inokutevera pamazera ayo ose.
10Ndiyo sungano yangu, yamuchachengeta pakati pangu nemwi nembeu yako inokutevera; chirume chose pamuri chinofanira kudzingiswa.
11Zvino muchadzingisa nyama yechikanda chenyu chepamberi; uye chichava chiratidzo chesungano pakati pangu nemwi.
12Uye mwanakomana wemazuva masere uchadzingiswa pakati penyu, chirume chose pamazera enyu, unozvarwa mumba, neunotengwa nemari kumutorwa upi neupi, usiri wembeu yako.
13Wakazvarwa mumba mako newakatengwa nemari yako unofanira kudzingiswa. Uye sungano yangu ichava panyama yenyu, ive sungano yekusingaperi.
14Zvino chirume chisina kudzingiswa, chine nyama yechikanda chepamberi isina kudzingiswa, mweya uyo unofanira kugurwa kubva pavanhu vekwake, wadarika sungano yangu.
15Mwari ndokuti kuna Abhurahamu: Sarai mukadzi wako, usadana zita rake kuti Sarai, nekuti Sarai ndiro zita rake.
16Zvino ndichamuropafadza, ndigokupawo mwanakomana kwaari; ndichamuropafadza agova ndudzi, madzimambo evanhu achabva maari.
17Abhurahamu ndokuwa nechiso chake, ndokuseka, ndokuti mumoyo make: Une makore zana ungaberekerwa here? Ko naSara wava nemakore makumi mapfumbamwe achabereka here?
18Abhurahamu ndokuti kuna Mwari: Dai Ishimaeri achirarama pamberi penyu!
19Zvino Mwari wakati kwaari: Kwete, Sara mukadzi wako uchakuberekera mwanakomana; uye uchadana zita rake kuti Isaka; uye ndichamisa sungano yangu naye, ive sungano yekusingaperi pambeu yake inomutevera.
20Kana zviri zvaIshimaeri, ndakunzwawo; tarira, ndamuropafadza, uye ndichamuita abereke, nekumuwanza zvikurusa; uchabereka madzishe gumi nemaviri, uye ndichamuita rudzi rukuru.
21Asi sungano yangu ndichaimisa naIsaka, Sara waachakuberekera nenguva ino makei.
22Zvino wakapedza kutaura naye, Mwari ndokukwira achibva kuna Abhurahamu.
23Abhurahamu ndokutora Ishimaeri mwanakomana wake nevose vakazvarwa mumba make, nevose vakatengwa nemari yake, chirume chose pakati peveimba yaAbhurahamu, akadzingisa zvikanda zvavo zvepamberi nemusi iwoyo, Mwari sezvaataura kwaari.
24Zvino Abhurahamu waiva nemakore makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe paakadzingiswa panyama yechikanda chepamberi yake.
25Nalshimaeri, mwanakomana wake waiva nemakore gumi nematatu paakadzingiswa nyama yechikanda chepamberi yake.
26Nemusi iwoyo Abhurahamu wakadzingiswa pamwe naIshimaeri mwanakomana wake.
27Nevarume vose veimba yake, vakazvarirwa mumba nevakatengwa nemari kumutorwa, vakadzingiswa pamwe naye.