Shona

Kabyle: New Testament

Genesis

18

1Zvino Jehovha wakaonekera kwaari pamiouki* yeMa­mure, ndokugara pamusuwo wetende pakupisa kwezuva;
2ndokusimudza meso ake akaona, zvino tarira, varume vatatu vamire pamberi pake; zvino paakavaona wakamhanya kunovachingamidza pamusuwo wetende, akakotamira pasi,
3ndokuti: Ishe wangu, kana zvino ndawana nya­sha pameso penyu, ndinokukumbirai, musapfuura pamura­nda wenyu.
4Ngakuuiswewo mvura shoma, mugoshambidza tsoka dzenyu, muzorore pasi pemuti.
5Zvino ndichauisa chi­medu chechingwa, mugonyaradza moyo yenyu, mugozopfuura, nekuti ndi­zvo zvamapfuurira nekumuranda wenyu. Ivo ndokuti: Ita saizvozvo sezvawataura
6Abhurahamu ndokukurumidza kupi­nda mutende kuna Sara, akati: Kurumi­dza ugadzire zviyero zvitatu zveupfu hwakatsetseka! Kanya, ubike zvingwa zviduku.
7Abhurahamu ndokumhanyira kumombe, akatora mhuru ine nyama yakapfava, yakanaka, akapa kujaya, ndokukurumidza kuigadzira.
8Zvino wakatora mukaka wakafa, nemukaka mumbishi, nemhuru yaakange agadzira, akazviisa pamberi pavo; akamira pedo navo munyasi memuti, ivo ndokudya.
9Ivo ndokuti kwaari: Uripi Sara mukadzi wako? Iye ndokuti: Tarirai, mutende.
10Zvino akati: Zvirokwazvo ndichadzoka nenguva iyi yeupenyu; zvino tarira, Sara mukadzi wako uchava nemwanakomana. Sarawo akazvinzwa ari pamusuwo wetende shure kwake.
11Zvino Abhurahamu naSara vakange vakwegura, vava nemakore mazhinji; kwakange kwaguma kuna Sara nemutowo wevakadzi.
12Naizvozvo Sara wakaseka mukati make achiti: Ndakwegura, ndingava nemufaro here, naishe wangu wachemberawo?
13Jehovha ndokuti kuna Abhurahamu: Sara wasekerei, achiti: Zvirokwazvo neni ndichabereka ndakwegura here?
14Kune chi­nhu chinorema kukunda Jehovha here? Nenguva yakatarwa, ndichadzoka kwauri, nenguva ino yeupenyu, uye Sara achava nemwanakomana.
15Sara ndokuramba achiti: Handina kuseka, nekuti waitya. Asi iye akati: Kwete asi waseka.
16Zvino varume vakasimuka kubva ipapo ndokutarira Sodhoma; Abhurahamu ndokuenda navo achivaperekedza.
17Zvino Jehovha akati: Ini ndicha­vanzira Abhurahamu zvandinoita here?
18Abhurahamu zvaachava zvirokwazvo rudzi rukuru rwune simba, nendudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa nemaari.
19Nekuti nda­kamuziva, kuti araire vana vake nei­mba yake vanomutevera, vagoche­ngeta nzira yaJehovha kuti vaite kururamisira nekutonga; kuti Jehovha auyise pamusoro paAbhurahamu izvo zvaakataura maererano naye.
20Jehovha ndokuti: Nekuti kuchema kweSodhoma neGomora kukuru, uye nekuti zvivi zvavo zvinorema zvikuru,
21ndichaburuka zvino ndigoona kana vakaita zvizere zvinoenderana nekuchema kwaro kwasvika kwandiri; asi kana zvisina kudaro, ndichazviziva.
22Zvino varume vakafuratira ipapo, va­kaenda vakananga Sodhoma; asi Abhurahamu wakange achakamira pamberi paJehovha.
23Zvino Abhurahamu wakaswedera, akati: Mu­chaparadzawo vakarurama pamwe ne­vakaipa here?
24Zvimwe varipo vakarurama makumi mashanu mukati meguta; muchaparadzawo mukasaregerera nzvimbo iyo nekuda kwevakarurama makumi mashanu varimo here?
25Ngazvive kure nemwi kuita chinhu chakadaro, kuuraya wakarurama pamwe newa­kaipa, kuti wakarurama ave sawakaipa; ngazvive kure nemwi. Mutongi wenyika yose haangaiti kururamisira here?
26Jehovha ndokuti: Kana ndikawana muSodhoma vakarurama ma­kumi mashanu mukati meguta, ipapo ndicharegerera nzvimbo yose nekuda kwavo.
27Zvino Abhurahamu wakapindura ndokuti: Tarirai zvino, ndatsunga kutaura naJehovha, ini guruva nedota.
28Zvimwe kuchashaikwa vashanu kuvakarurama makumi mashanu; muchaparadza guta rose nekuda kwevashanu here? Ndokuti: Handingariparadzi kana ndikawa­namo makumi mana nevashanu.
29Zvino wakataurazve naye akati: Zvimwe kuchawanikwamo makumi mana. Iye ndokuti: Handingazviiti nekuda kwamakumi mana.
30Akabva ati: Ndinokumbira Jehovha arege kunditsamwira, kana ndikataura. Zvi­mwe makumi matatu vachawanikwamo. Iye ndokuti: Handingazviiti kana ndikawanamo makumi matatu.
31Zvino akati: Tarira zvino, ndatsunga kutaura naJehovha; zvimwe kuchawanikwamo makumi maviri. Iye ndokuti: Handingari­paradzi nekuda kwemakumi maviri.
32Zvino wakati: Ndinokumbira Jehovha ngaarege kutsamwa, ndikataurazve ka­mwe; zvimwe kuchawanikwa gumi. Iye ndokuti, Handingariparadzi nekuda kwevane gumi.
33Zvino Jehovha wakabva apedza kutaura naAbhurahamu; naAbhurahamu akadzokera kunzvimbo yake.