1Zvino vatumwa vaviri vakasvika Sodhomua madekwanai. Uye Roti wakangae agere pasuwo reSodhoma. Roti ndokuvaona, ndokusimuka kunovachingamidza, akakotamira pasi nechiso chake;
2ndokuti: Tarirai zvino, madzishe angu, chitsaukirai henyu mumba memuranda wenyu, mugare usiku, uye mushambe tsoka dzenyu, mugofumira moenda rwendo rwenyu. Zvino vakati: Kwete asi tichagara panzira usiku hwose.
3Zvino wakavagombedzera zvikuru kusvikira vatendeukira kwaari ndokupinda mimba make; iye ndokuvaitira mabiko, ndokuvabikira chingwa chisina mbiriso, ndokubva vadya.
4Zvino vasati vavata, varume veguta, varume veSodhoma, vakakomba imba, kubva kumuduku kusvikira kumukuru, vanhu vose vachibva kumugumo.
5Zvino vakadana Roti ndokuti kwaari: Varipi varume vasvika kwauri usiku huno? Vabudisire kwatiri kuti tivazive.
6Roti ndokubudira kwavari kumusuwo, ndokuvhara musuwo shure kwake.
7Ndokuti: Ndinokukumbirai, hama dzangu, musaita zvakaipa.
8Tarirai zvino, ndine vakunda vaviri vasina kumboziva murume, ndinokumbirisa, regai ndivabudisire kwamuri, mugoita kwavari sezvakanakira meso enyu; asi kuvarume ava, musaita chinhu, nekuti ndizvo zvavakapindira mumumvuri wedenga reimba rangu.
9Asi vakati: Suduruka! Vakatizve: Uyu woga wakauya kuva mweni, zvino unoda kuva mutongi here? Ikozvino tichaita zvakaipa kwauri kupfuura ivo. Vakamanikidza zvikuru murume Roti, vakaswedera kuputsa gonhi.
10Asi varume vakatambanudza maoko avo, vakakwevera Roti mumba mavari, ndokupfiga gonhi.
11Ndokurova varume vaiva pamusuwo weimba neupofu, kubva kumuduku kusvikira kumukuru, vakaneta nekutsvaka musuwo.
12Varume ndokuti kuna Roti: Uchine vana ani pano? Mukwasha, nevanakomana vako, nevakunda vako, newose waunaye muguta, mubudise panzvimbo ino.
13Nekuti tichaparadza nzvimbo ino, nekuti kuchema kwavo kukuru pamberi pechiso chaJehovha; zvino Jehovha watituma kuiparadza.
14Zvino Roti wakabuda, ndokutaura nevakwasha vake, vaizowana vakunda vake, ndokuti: Simukai mubude munzvimbo ino; nekuti Jehovha uchaparadza guta. Asi vakaita seunoita musara pameso evakwasha vake.
15Zvino utonga huchitsvuka, vatumwa vakakurumidzisa Roti vachiti: Simuka, tota mukadzi wako nevakunda vako vaviri vari pano, zvimwe ungaparadzwa mukurangwa kweguta.
16Asi achiri kunonoka, varume vakabata ruoko rwake, neruoko rwemukadzi wake, neruoko rwevakunda vake vaviri; Jehovha achimuitira tsitsi; ndokumubudisa, vakamuisa kunze kweguta.
17Zvino zvakaitika vavabudisa kunze, kuti wakati: Tiza nekuda kweupenyu hwako, usacheuka shure kwako, kana kumira pabani rose, tizira kugomo, zvimwe ungaparadzwa.
18Roti ndokuti kwavari: Zvisadaro Ishe wangu.
19Tarirai zvino, muranda wenyu wakawana nyasha pameso enyu, uye makurisa tsitsi dzenyu dzamaira kwandiri, pakuponesa upenyu hwangu; asi handigoni kutizira kugomo, zvimwe zvakaipa zvingandinamatira ndikafa.
20Tarirai zvino, guta iri riri pedo kutizira kwariri; uye iduku. ndinokumbira nditizire kwariri (harizi duku here?) Mweya wangu ugorarama.
21Zvino wakati kwaari: Tarira, ndagamuchira chiso chako pachinhu ichi, kuti ndisaparadza guta iri rawareva.
22Kurumidza, tizirako, nekuti handigoni kuita chinhu kusvikira wasvikapo. Naizvozvo zita reguta rakanzi Zoari.
23Zuva rakange rabuda panyika Roti paakasvika paZoari.
24Zvino Jehovha wakanaisa pamusoro peSodhoma nepamusoro peGomora sarufa nemoto, zvichibva kunaJehovha kumatenga.
25Zvino wakaparadza maguta iwawo, nebani rose, nevagari vose vemaguta, nezvaitunga pavhu.
26Asi mukadzi wake wakacheuka ari shure kwake, akava mbiru yemunyu.
27Zvino Abhurahamu wakafumira kunzvimbo kwaakamira pamberi paJehovha.
28Zvino wakatarira kurutivi rweSodhoma neGomora nekunyika yose yebani, akaona, zvino tarira, utsi hwenyika iyo huchikwira seutsi hwechoto.
29Zvino zvakaitika Mwari paakaparadza maguta ebani, kuti Mwari wakarangarira Abhurahamu, akabudisa Roti pakati pekuparadzwa ikoko, nguva yaakaparadza maguta makanga muchigara Roti.
30Zvino Roti wakakwira achibuda muZoari, akagara mugomo, nevakunda vake vaviri pamwe naye; nekuti wakatya kugara muZoari; ndokugara, mubako, iye nevakunda vake vaviri.
31Zvino dangwe rakati kumuduku: Baba vedu vakwegura, uye hakuna murume panyika ino ungapinda kwatiri, nemutowo wenyika yose.
32Uya timwise baba vedu waini, tigovata navo kuti tichengete mbeu kubva kuna baba vedu.
33Vakamwisa baba vavo waini usiku ihwohwo, dangwe ndokupinda ndokuvata nababa vake; asi havana kuziva pakuvata kwake pasi kana pakumuka kwake.
34Zvino zvakaitika chifume kuti dangwe rakati kumuduku: Tarira, ndakavata nababa vangu usiku hwapfuura; ngativamwise waini usiku hunowo, ugopinda, vata navo kuti tichengete mbeu kubva kuna baba vedu.
35Vakamwisa baba vavo waini usiku ihwohwowo, muduku akasimuka, ndokuvata navo, asi havana kuziva pakuvata kwake pasi kana pakumuka kwake.
36Naizvozvo vakunda vaRoti vaviri vakava nemimba kuna baba vavo.
37Zvino dangwe rakabereka mwanakomana, akatumidza zita rake kuti Moabhu, ndiye baba vevaMoabhu kusvikira zuva rino.
38Nemuduku wakaberekawo mwanakomana, akatumidza zita rake kuti Bheniami; ndivo baba vevana vaAmoni kusvikira zuva rino.