1Zvino Abhurahamu wakabvapo akananga kunyika yekuchamhembe, ndokugara pakati peKadheshi neShuri, akava mutorwa muGerari.
2Abhurahamu ndokuti maererano naSara mukadzi wake: Ihanzvadzi yangu. Zvino Abhimereki mambo weGerari akatuma, ndokutora Sara.
3Asi Mwari wakauya kuna Abhimereki muchiroto usiku, ndokuti kwaari: Tarira, wakafa nekuda kwemukadzi wawatora; nekuti wakawanikwa kumurume.
4Asi Abhimereki wakange asina kuswedera kwaari. Naizvozvo wakati: Ishe, muchaurayawo rudzi rwakarurama here?
5Haana here kuti kwandiri: Ihanzvadzi yangu? Naiye amene haana here kuti: Ihanzvadzi yangu, here? Ndakaita izvozvo pakururama kwemoyo wangu, nepakuchena kwemaoko angu.
6Mwari ndokuti kwaari muchiroto: Hongu, ndinoziva kuti wakaita ichi pakururama kwemoyo wako; neniwo ndikakudzivisa kuti urege kunditadzira; naizvozvo handina kukutendera kumubata.
7Naizvozvo zvino dzosera mukadzi wemurume, nekuti muporofita; zvino uchakunyengeterera ugorarama; asi kana ukasamudzosera, ziva kuti uchafa zvirokwazvo, iwe nevose vako.
8Abhimereki ndokumuka mangwanani-ngwanani, ndokudana varanda vake vose, akataura mashoko awa ose munzeve dzavo; varume ndokutya zvikuru.
9Abhimereki ndokudana Abhurahamu ndokuti kwaari: Chii chawaita kwatiri? Uye chii chandakutadzira, kuti uuise pamusoro pangu nepamusoro peushe hwangu chivi chikuru? Waita kwandiri chisingafaniri kuitwa.
10Abhimereki ndokuti kuna Abhurahamu: Wanga uchiti kudii, zvawaita chinhu ichi?
11Abhurahamu ndokuti: Nekuti ndakafunga kuti: Zvirokwazvo kutya Mwari hakumo munzvimbo ino; uye vachandiuraya nekuda kwemukadzi wangu.
12Uyezve, zvirokwazvo ihanzvadzi yangu, mukunda wababa vangu, asi haazi mukunda wamai vangu; akazova mukadzi wangu.
13Zvino zvakaitika Mwari paakandidzungaidza kubva paimba yababa vangu, kuti ndakati kwaari: Hewu moyo wakanaka waunofanira kundiitira, panzvimbo dzose patichasvika, uti pamusoro pangu: Ihanzvadzi yangu.
14Abhimereki ndokutora makwai nemombe nevaranda nevarandakadzi, ndokupa kuna Abhurahamu, ndokumudzosera Sara mukadzi wake.
15Zvino Abhimereki wakati: Tarira, nyika yangu iri pamberi pako; gara pakanakira meso ako.
16Nekuna Sara wakati: Tarira, ndapa hanzvadzi yako makobiri esirivha ane chiuru chezana; tarira, chifukidziro chemeso ako kune vose vanewe; nevose, saizvozvo wakadzorwa.
17Zvino Abhurahamu wakanyengetera kuna Mwari; Mwari ndokuporesa Abhimereki nemukadzi wake nevarandakadzi vake kuti vabereke.
18Nekuti Jehovha wakange avhara zvizvaro zvose zveveimba yaAbhimereki nekuda kwaSara mukadzi waAbhurahamu.