Shona

Kabyle: New Testament

Genesis

21

1Zvino Jehovha wakashanyira Sara sezvaakange ataura; Jehovha ndokuita kuna Sara sezvaakange areva.
2Sara ndokuva nemimba, ndokuberekera Abhura­hamu mwanakomana pakukwegura kwake panguva yakatarwa Mwari yaakange areva kwaari.
3Zvino Abhurahamu wakatumidza zita remwanakomana wake, waakaberekerwa, Sara waakamuberekera kuti: Isaka.
4Abhurahamu ndokudzingisa mwanakomana wake Isaka ane mazuva masere, Mwari sezvaakamuraira.
5NaAbhurahamu wakange ane makore zana, Isaka mwanakomana wake paakamuberekerwa.
6Sara ndokuti: Mwari wandiita chiseko, wose uno­nzwa uchaseka neni.
7Zvino wakati: Ndiani waimboti kuna Abhurahamu: Sara achayamwisa vana? Nekuti ndamuberekera mwanakomana pakukwegura kwake.
8Mwanakomana ndokukura, ndokuru­murwa. Abhurahamu ndokuita mabiko makuru nemusi wekurumurwa kwalsaka.
9Zvino Sara wakaona mwanakomana waHagari, muEgipita, waakaberekera Abhurahamu, achiseka.
10Naizvozvo wakati kuna Abhurahamu: Dzinga mukadzi nhapwa uyu ne­mwanakomana wake, nekuti mwanako­mana wemukadzi nhapwa uyu haangavi mudyi wenhaka pamwe nemwanakomana wangu, pamwe naIsaka.
11Shoko iro rakava rakaipa kwazvo pameso paAbhurahamu, nekuda kwe­mwanakomana wake.
12Mwari ndokuti kuna Abhurahamu: Ngazvirege hazvo kuva zvakaipa pameso pako nekuda kwemukomana uye nekuda kwemukadzi nhapwa wako; pazvose Sara zvaataura kwauri, teerera kushoko rake, nekuti kuna Isaka ndiko kuchatumidzwa mbeu yako.
13Asi nemwa­nakomana wemukadzi nhapwa ndichamuita rudzi rukuru, nekuti imbeu yako.
14Abhurahamu ndokumuka mangwa­nani-ngwanani, akatora chingwa neguchu remvura, akapa kuna Hagari, akaisa pafudzi rake, nemwana, akamuendesa. Zvino wakaenda akadzungaira murenje reBheerishe­bha.
15Zvino mvura yakati yapera muguchu, ndokukanda mwana munyasi merimwe gwenzi.
16Ndokunogara pasi pakatarisana naye, chinhambwe chinenge chingasvika museve pakupotserwa; nekuti wakati: Ndi­rege kuona kufa kwemwana. Ndoku­gara pakatarisana naye, ndokusimudza inzwi rake ndokuchema.
17Zvino Mwari wakanzwa inzwi remuko­mana; mutumwa waMwari ndokudanidzira kuna Hagari kubva kudenga, ndokuti kwaari: Chii Hagari? Usatya, nekuti Mwari wanzwa inzwi remukomana apo paari.
18Simuka, simudza mukomana, umubate neruoko rwako, nekuti ndicha­muita rudzi rukuru.
19Mwari ndokusvinudza meso ake, zvino wakaona tsime remvura ndokuenda, ndokuzadza guchu nemvura, ndokumwisa mukomana.
20Zvino Mwari wakava nemukomana, akakura, ndokugara murenje, akava mufuri wemiseve.
21Zvino wakagara murenje reParani, mai vake ndokumutorera mukadzi kunyika yeEgipita.
22Zvino zvakaitika nenguva iyo kuti Abhimereki naPikori mukuru wehondo yake vakataura naAbhurahamu, vachiti: Mwari unewe pazvinhu zvose zvaunoita;
23Nai­zvozvo zvino ndipikire pano naMwari kuti haungandinyengeri ini kana mwana wangu kana mwana wemwana wangu; asi sezvandakakuitira tsitsi, uchaitawo kwandiri, nekunyika mawakagara uri mutorwa.
24Abhurahamu ndokuti: Ndichapika.
25Zvino Abhurahamu wakatsiura Abhime­reki nekuda kwetsime remvura varanda vaAbhimereki ravakange vatora nesimba.
26Abhimereki ndokuti: Handizivi wakaita chinhu ichi, newe hauna kundiudza, handina kumbozvinzwa, asi nhasi.
27Abhurahamu ndokutora makwai nenzo­mbe, akapa Abhimereki; uye va­kaita sungano vari vaviri.
28Abhurahamu akatsaura masheche manomwe emakwai.
29Abhimereki ndokuti kuna Abhurahamu: Masheche awa manomwe awatsaura chii?
30Iye ndokuti: Nekuti uchagamuchira paruoko rwangu masheche awa mano­mwe, kuti ave uchapupu kwandiri, kuti ndaka­chera tsime iri.
31Naizvozvo wakatumidza nzvimbo iyo kuti Bheerishebha, nekuti ndipo pavakapika vari vaviri.
32Naizvozvo vakaita sungano paBheeri­shebha. Abhimereki ndokusimuka, naPikori mukuru wehondo yake, ndokudzokera ku­nyika yevaFirisitia.
33Abhurahamu ndoku­sima mutamarisiki* paBheerishe­bha, ndokudanapo zita raJehovha Mwari wekusingaperi.
34Abhurahamu akagara ari mutorwa panyika yavaFirisitia mazuva mazhinji.