1Zvino Jehovha wakashanyira Sara sezvaakange ataura; Jehovha ndokuita kuna Sara sezvaakange areva.
2Sara ndokuva nemimba, ndokuberekera Abhurahamu mwanakomana pakukwegura kwake panguva yakatarwa Mwari yaakange areva kwaari.
3Zvino Abhurahamu wakatumidza zita remwanakomana wake, waakaberekerwa, Sara waakamuberekera kuti: Isaka.
4Abhurahamu ndokudzingisa mwanakomana wake Isaka ane mazuva masere, Mwari sezvaakamuraira.
5NaAbhurahamu wakange ane makore zana, Isaka mwanakomana wake paakamuberekerwa.
6Sara ndokuti: Mwari wandiita chiseko, wose unonzwa uchaseka neni.
7Zvino wakati: Ndiani waimboti kuna Abhurahamu: Sara achayamwisa vana? Nekuti ndamuberekera mwanakomana pakukwegura kwake.
8Mwanakomana ndokukura, ndokurumurwa. Abhurahamu ndokuita mabiko makuru nemusi wekurumurwa kwalsaka.
9Zvino Sara wakaona mwanakomana waHagari, muEgipita, waakaberekera Abhurahamu, achiseka.
10Naizvozvo wakati kuna Abhurahamu: Dzinga mukadzi nhapwa uyu nemwanakomana wake, nekuti mwanakomana wemukadzi nhapwa uyu haangavi mudyi wenhaka pamwe nemwanakomana wangu, pamwe naIsaka.
11Shoko iro rakava rakaipa kwazvo pameso paAbhurahamu, nekuda kwemwanakomana wake.
12Mwari ndokuti kuna Abhurahamu: Ngazvirege hazvo kuva zvakaipa pameso pako nekuda kwemukomana uye nekuda kwemukadzi nhapwa wako; pazvose Sara zvaataura kwauri, teerera kushoko rake, nekuti kuna Isaka ndiko kuchatumidzwa mbeu yako.
13Asi nemwanakomana wemukadzi nhapwa ndichamuita rudzi rukuru, nekuti imbeu yako.
14Abhurahamu ndokumuka mangwanani-ngwanani, akatora chingwa neguchu remvura, akapa kuna Hagari, akaisa pafudzi rake, nemwana, akamuendesa. Zvino wakaenda akadzungaira murenje reBheerishebha.
15Zvino mvura yakati yapera muguchu, ndokukanda mwana munyasi merimwe gwenzi.
16Ndokunogara pasi pakatarisana naye, chinhambwe chinenge chingasvika museve pakupotserwa; nekuti wakati: Ndirege kuona kufa kwemwana. Ndokugara pakatarisana naye, ndokusimudza inzwi rake ndokuchema.
17Zvino Mwari wakanzwa inzwi remukomana; mutumwa waMwari ndokudanidzira kuna Hagari kubva kudenga, ndokuti kwaari: Chii Hagari? Usatya, nekuti Mwari wanzwa inzwi remukomana apo paari.
18Simuka, simudza mukomana, umubate neruoko rwako, nekuti ndichamuita rudzi rukuru.
19Mwari ndokusvinudza meso ake, zvino wakaona tsime remvura ndokuenda, ndokuzadza guchu nemvura, ndokumwisa mukomana.
20Zvino Mwari wakava nemukomana, akakura, ndokugara murenje, akava mufuri wemiseve.
21Zvino wakagara murenje reParani, mai vake ndokumutorera mukadzi kunyika yeEgipita.
22Zvino zvakaitika nenguva iyo kuti Abhimereki naPikori mukuru wehondo yake vakataura naAbhurahamu, vachiti: Mwari unewe pazvinhu zvose zvaunoita;
23Naizvozvo zvino ndipikire pano naMwari kuti haungandinyengeri ini kana mwana wangu kana mwana wemwana wangu; asi sezvandakakuitira tsitsi, uchaitawo kwandiri, nekunyika mawakagara uri mutorwa.
24Abhurahamu ndokuti: Ndichapika.
25Zvino Abhurahamu wakatsiura Abhimereki nekuda kwetsime remvura varanda vaAbhimereki ravakange vatora nesimba.
26Abhimereki ndokuti: Handizivi wakaita chinhu ichi, newe hauna kundiudza, handina kumbozvinzwa, asi nhasi.
27Abhurahamu ndokutora makwai nenzombe, akapa Abhimereki; uye vakaita sungano vari vaviri.
28Abhurahamu akatsaura masheche manomwe emakwai.
29Abhimereki ndokuti kuna Abhurahamu: Masheche awa manomwe awatsaura chii?
30Iye ndokuti: Nekuti uchagamuchira paruoko rwangu masheche awa manomwe, kuti ave uchapupu kwandiri, kuti ndakachera tsime iri.
31Naizvozvo wakatumidza nzvimbo iyo kuti Bheerishebha, nekuti ndipo pavakapika vari vaviri.
32Naizvozvo vakaita sungano paBheerishebha. Abhimereki ndokusimuka, naPikori mukuru wehondo yake, ndokudzokera kunyika yevaFirisitia.
33Abhurahamu ndokusima mutamarisiki* paBheerishebha, ndokudanapo zita raJehovha Mwari wekusingaperi.
34Abhurahamu akagara ari mutorwa panyika yavaFirisitia mazuva mazhinji.