1Zvino zvakaitika shure kwezvinhu izvi kuti Mwari wakaedza Abhurahamu akati kwaari: Abhurahamu! Iye ndokuti: Tarirai, ndiri pano.
2Ndokuti: Zvino tora mwanakomana wako, wako umwe chete, waunoda, Isaka, uende kunyika yeMoria; umupe ave chibayiro chinopiswa pamusoro perimwe gomo randichakuudza.
3Abhurahamu ndokumuka mangwanani-ngwanani, akasungira chigara padhongi rake, akatora vaviri vemajaya ake naye, naIsaka mwanakomana wake. Zvino wakatsemura huni dzechibayiro chinopiswa, ndokusimuka, ndokuenda kunzvimbo Mwari yaakamuudza.
4Zvino nemusi wetatu Abhurahamu wakasimudza meso ake, akaona nzvimbo iri kure.
5Abhurahamu ndokuti kumajaya ake: Imwi chigarai henyu pano nembongoro, ini nemukomana tichienda uko nekunoshumira, tigodzoka kwamuri.
6Abhurahamu ndokutora huni dzechibayiro chinopiswa, akadzitakudza Isaka mwanakomana wake; ndokutora moto nebanga muruoko rwake, ndokuenda vari vaviri.
7Isaka ndokutaura naAbhurahamu baba vake akati: Baba vangu! Iye ndokuti: Ndiri pano, mwana wangu. ndokuti: Tarirai, moto nehuni, asi gwayana rechibayiro chinopiswa riripi?
8Abhurahamu ndokuti: Mwari uchazvipa gwayana rechibayiro chinopiswa, mwanakomana wangu; saizvozvo vakafamba vari vaviri pamwe.
9Zvino vakasvika panzvimbo Mwari yaakange avaudza; Abhurahamu ndokuvakapo aritari; ndokugadzira huni; ndokusunga Isaka mwanakomana wake, ndokumuisa paaritari pamusoro pehuni.
10Zvino Abhurahamu wakatambanudza ruoko rwake, ndokutora banga kuti abaye mwanakomana wake.
11Zvino mutumwa waJehovha wakadanidzira kwaari ari kumatenga akati: Abhurahamu! Abhurahamu! Iye ndokuti: Ndiri pano.
12Zvino wakati: Usaisa ruoko rwako pamukomana, kana kumuitira chinhu, nekuti ikozvino ndinoziva kuti unotya Mwari, sezvo usina kundinyima mwanakomana wako, wako umwe chete.
13Abhurahamu ndokusimudza meso ake, ndokutarira, ndokuona shure gondohwe rakange rakabatwa mufomwe nenyanga dzaro. Abhurahamu ndokunotora gondohwe riya, akaripisa chikava chibayiro panzvimbo yemwanakomana wake.
14Abhurahamu ndokutumidza zita renzvimbo iyo kuti Jehovha-jire; sezvo kuchinzi nanhasi, Pagomo raJehovha zvicharangarirwa.
15Zvino mutumwa waJehovha wakadanidzira kuna Abhurahamu rwechipiri, ari kumatenga,
16ndokuti: Ndakapika neni ndomene, ndizvo zvinoreva Jehovha, nekuti waita chinhi ichi, ukasanyima mwanakomana wako, wako umwe chete;
17ndichakuropafadza nekuropafadza, uye ndichawanza nekuwanza mbeu yako senyeredzi dzekumatenga, uye sejecha riri pamahombekombe egungwa; uye mbeu yako ichava varidzi vemasuwo evavengi vayo;
18nemumbeu yako ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa, nekuti wakateerera inzwi rangu.
19Zvino Abhurahamu wakadzokera kumajaya ake; ndokusimuka ndokuenda vose Bheerishebha; Abhurahamu ndokugara paBheerishebha.
20Zvino zvakaitika shure kwezvinhu izvi, kuti Abhurahamu wakaudzwa zvichinzi: Tarira, Mirika wakaberekerawo munin'ina wako Nahori vanakomana:
21Uzi dangwe rake, naBuzi munin'ina wake, naKemueri baba vaAramu,
22naKesedhi, naHazo, naPiradhashi, naJidhirafi, naBhetueri;
23Bhetueri ndokubereka Rabheka; ava vasere Mirika wakavakaberekera Nahori, munununa waAbhurahamu.
24Nemurongo wake, wezita rainzi Ruma, wakaberekawo Tebha, naGahami, naTahashi, naMaaka.