1Zvino upenyu hwaSara hwaiva makore zana nemakumi maviri nemanomwe; ndiwo makore eupenyu hwaSara.
2Sara akafa paKiriyati-Abha ndiro Hebhuroni panyika yeKanani. Abhurahamu ndokuuya ndokuchema Sara nekumuririra.
3Zvino Abhurahamu wakasimuka pachiso chewakafa wake, akataura kuvana vaHeti, achiti:
4Ndiri mutorwa nemweni kwamuri, ndipei nzvimbo yangu yekuviga pakati penyu, ive nzvimbo yangu, kuti ndivige wakafa wangu abve pachiso changu.
5Zvino vana vaHeti vakapindura Abhurahamu, vachiti kwaari:
6Tinzwei, ishe wedu, muri muchinda waMwari pakati pedu; vigai wakafa wenyu paguva rakanaka pakati pemakuva edu; hakuna pakati pedu ungakunyimai guva rake kuti muvige wakafa wenyu.
7Zvino Abhurahamu wakasimuka ndokukotamira vanhu venyika iyo, ivo vana vaHeti,
8ndokutaurirana navo achiti: Kana chiri chido chenyu kuti ndivige wakafa wangu abve pachiso changu, ndinzwei, mundikumbirire kuna Efuroni mwanakomana waZohari,
9kuti andipe bako reMakapera raanaro, riri pamagumo emunda wake, andipe iroro nemutengo wose, ive nzvimbo yangu yekuviga pakati penyu.
10Zvino Efuroni wakange agere pakati pevana vaHeti, uye Efuroni muHeti wakapindura Abhurahamu munzeve dzevana vaHeti, nedzevose vaipinda pasuwo reguta rake, achiti:
11Kwete, ishe wangu, ndinzwei; munda ndinokupai, nebako riri mauri ndinoripa kwamuri; pamberi pemeso evana vevanhu vangu ndinoripa kwamuri; vigai wakafa wenyu.
12Abhurahamu ndokukotamira pasi pamberi pevanhu venyika iyo.
13Zvino wakataura kuna Efuroni munzeve dzevanhu venyika iyo achiti: Asi kana uri iwe, donditeerera hako; ndichakupa mari yemunda; ugamuchire kwandiri, kuti ndivige wakafa wangupo.
14Efuroni ndokupindura Abhurahamu achiti kwaari:
15Ishe wangu, nditeererei; munda ndewe mashekeri esirivha mazana mana, chii ichocho pakati pangu nemwi? Naizvozvo vigai wakafa wenyu.
16Abhurahamu ndokuteerera Efuroni. Zvino Abhurahamu wakayerera Efuroni mashekeri esirivha aakareva munzeve dzevana vaHeti, mashekeri esirivha mazana mana, anoshandiswa kutenga kuvatengesi.
17Naizvozvo munda waEfuroni, wakange uri paMakapera pakatarisana neMamure, munda nebako rakange ririmo, nemiti yose yakange iri mumunda neyakange iri pamiganhu yose yakapoteredza zvikasimbiswa,
18kuna Abhurahamu kuva zvake pamberi pemeso evana vaHeti, pamberi pavose vaipinda pasuwo reguta rake.
19Zvino shure kweizvi Abhurahamu wakaviga Sara mukadzi wake mubako remunda weMakapera pakatarisana neMamure, ndiro Hebhuroni panyika yeKanani.
20Zvino munda nebako raivamo zvakasimbisiwa kuna Abhurahamu kuva zvake zvekuvoga vakafa kubva kuvanakomana vaHeti