1Zvino Abhurahamu wakange akwegura, ava nemazuva mazhinji kwazvo; naJehovha wakange aropafadza Abhurahamu pazvinhu zvose.
2Abhurahamu ndokuti kumuranda wake, mukurusa weimba yake, waitonga zvose zvaakange anazvo: Chimboisa chanza chako pasi pechidya changu,
3ndigokupikisa naJehovha, Mwari wekumatenga, naMwari wepasi, kuti haungatoreri mwanakomana wangu mukadzi kuvanasikana veKanani, vandinogara pakati pavo;
4asi uchaende kunyika yekwangu nekuhama dzekwangu, unotorera mukadzi mwanakomana wangu Isaka.
5Zvino muranda wakati kwaari: Zvimwe mukadzi ungasada kunditevera kunyika ino, zvino ndingadzosera zvirokwazvo mwanakomana wenyu kunyika kwamakabva here?
6Abhurahamu ndokuti kwaari: Chenjera kuti urege kudzosera mwanakomana wangu ikoko.
7Jehovha, Mwari wekumatenga, iye wakanditora paimba yababa vangu nemunyika yechizvarigo changu, iye wakataura neni, newakandipikira, achiti: Kumbeu yako, ndichapa nyika ino, ndiye achatuma mutumwa wake pamberi pako, kuti umutorere ikoko mukadzi mwanakomana wangu.
8Asi kana mukadzi asingatendi kukutevera, ipapo iwe uchasunungurwa pamhiko yangu iyi; chete usadzosera mwanakomana wangu ikoko.
9Muranda ndokuisa ruoko rwake pasi pechidya chaAbhurahama tenzi wake, ndokupika kwaari pamusoro penyaya iyi.
10Muranda ndokutora makamera gumi pamakamera atenzi wake, akaenda, nenhumbi dzose dzakanaka dzatenzi wake muruoko rwake, ndokusimuka ndokuenda Mesopotamia kuguta raNahori.
11Zvino wakafugamisa makamera kunze kweguta patsime remvura panguva yemadekwana, iri nguva vakadzi yavanobuda kunochera mvura.
12Zvino wakati: Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, ndibudiririsei henyu nhasi, muitire tsitsi tenzi wangu Abhurahamu.
13Tarirai, ndimire patsime remvura, uye vakunda vevanhu veguta vobuda kuzochera mvura.
14Zvino ngazviitike kuti musikana muduku wandichati kwaari: Ndirerekerewo chirongo chako ndimwe, ndokuti: Imwai, nemakamera enyu ndichaamwisa; ndiye wamakatsaurira muranda wenyu Isaka; uye neizvozvo ndichaziva kuti makaitira tenzi wangu tsitsi.
15Zvino zvakaitika asati apedza kutaura, kuti tarira, Rabheka wakabuda, wakaberekerwa Bhetueri, mwanakomana waMirika, mukadzi waNahori munin'ina waAbhurahamu, uye ane chirongo pafudzi rake.
16Zvino musikana uyu wakange akanaka kwazvo pakuonekera, mhandara isina murume wakambomuziva; ndokuburukira kutsime, ndokuzadza chirongo chake, ndokukwira.
17Zvino muranda wakamhanyira kunomuchingamidza, ndokuti: Dondipawo svimvura pachirongo chako ndimwe.
18Iye ndokuti: Imwai, ishe wangu; ndokukurumidza kutura chirongo chake paruoko rwake, ndokumumwisa.
19Zvino apedza kumumwisa wakati: Ndichachererawo makamera enyu kusvikira apedza kunwa.
20Zvino akakurumidza ndokudururira chirongo chake muchimwiro, ndokumhanyirazve kutsime kunochera, akacherera makamera ake ose.
21Zvino murume wakamutarisisa anyerere, kuti azive kana Jehovha amubudiririsa parwendo rwake kana kwete.
22Zvikaitika makamera apedza kumwa, kuti murume wakatora chindori chendarama chine uremu hwehafu yeshekeri, nezvishongo zviviri zvemaoko ake, uremu hwazvo hwaiva mashekeri gumi endarama;
23ndokuti: Uri mukunda waani? Ndiudze. Kumba kwababa vako kune nzvimbo yekuti tirare here?
24Iye ndokuti: Ndiri mukunda waBhetueri mwanakomana waMirika waakaberekera Nahori.
25Akatiwo kwaari: Zvose tinazvo uswa hwakaoma nechikafu chezvipfuwo chizhinji, nenzvimbo yekurara.
26Murume ndokukotamisa musoro wake, ndokushumira Jehovha.
27Zvino wakati: Ngaarumbidzwe Jehovha Mwari watenzi wangu Abhurahamu, usina kurega nyasha dzake nekutendeka kwake kuna tenzi wangu; ndiri ini, ndiri munzira, Jehovha wakanditungamirira kumba kwehama dzatenzi wangu.
28Zvino musikana wakamhanya, ndokunoudza imba yamai vake zvemashoko akadai.
29Zvino Rabheka waiva nehanzvadzi wezita rainzi Rabhani; Rabhani ndokumhanyira panze kumurume kutsime.
30Uye zvakaitika paakaona chindori nezvishongo pamaoko ehanzvadzi yake, anzwa mashoko aRabheka hanzvadzi yake, achiti: Ndizvo zvataura murume kwandiri, kuti wakaenda kumurume, zvino tarira, umire pamakamera patsime.
31Zvino akati: Pinda iwe wakaropafadzwa naJehovha; unomirirei kunze? nekuti ndagadzirira imba nenzvimbo yemakamera.
32Murume ndokuuya mumba, ndokusunungura makamera ndokupa makamera uswa hwakaoma nezvekudya zvezvipfuwo; nemvura yekushambidza tsoka dzake netsoka dzevarume vaiva naye.
33Zvino kwakagadzikwa pamberi pake kuti adye; asi iye akati: Handizodyi kusvikira ndataura shoko rangu. Iye ndokuti: Taura.
34Ndokuti: Ndiri muranda waAbhurahamu.
35Zvino Jehovha wakaropafadza tenzi wangu zvikuru; uye wava mukuru, wakamupawo makwai, nemombe, nesirivha, nendarama, nevarandarume nevarandakadzi, nemakamera, nemadhongi.
36NaSara mukadzi watenzi wangu wakaberekera tenzi wangu mwanakomana paakange akwegura; zvino wakapa kwaari zvose zvaanazvo.
37Zvino tenzi wangu wakandipikisa achiti: Usatorera mwanakomana wangu mukadzi kuvakunda vevaKanani, vemunyika yavo mandigere;
38asi uchaenda kuimba yababa vangu nekuhama dzangu unotorera mwanakomana wangu mukadzi.
39Zvino ndakati kuna tenzi wangu: Zvimwe mukadzi haanganditeveri.
40Iye ndokuti: Jehovha, wandinogarofamba pamberi pake, uchatuma mutumwa wake newe, uchabudiririsa nzira yako; uye uchatorera mwanakomana wangu mukadzi kuhama dzangu nekuimba yababa vangu.
41Ipapo uchasunungurwa pamhiko yangu kana wasvika kuhama dzangu, uye kana vasingakupi iye, uchasunungurwa pamhiko yangu.
42Zvino ndasvika nhasi kutsime, ndokuti: Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, kana muchibudiririsa nzira yangu, yandinofamba nayo;
43tarirai, ndimire patsime remvura; zvino ngazviitike kuti mhandara inobuda kuzochera mvura, uye ndikati kwaari: Ndipewo svimvura pachirongo chako, ndimwe;
44iye ndokuti kwandiri: Imwai nemwi, uye ndichacherera makamera enyuwo; ave ndiye mukadzi Jehovha waakatsaurira mwanakomana watenzi wangu.
45Zvino ndisati ndapedza kutaura mumoyo mangu, tarira, Rabheka wabuda ane chirongo chake pafudzi rake; ndokuburukira kutsime, ndokuchera. Zvino ndati kwaari: Dondipawo ndimwe.
46Iye ndokukurumidza, akatura chirongo paari ndokuti: Imwai, uye ndichamwisa makamera enyuwo; ini ndikamwa, akamwisa makamerawo.
47Zvino ndamubvunza ndokuti: Uri mukunda waani? Iye ndokuti: Mukunda waBhetueri, mwanakomana waNahori, Mirika waakamuberekera; zvino ndaisa chindori mumhino dzake, nezvishongo pamaoko ake.
48Ndokukotamisa musoro wangu, ndokushumira Jehovha, ndikakudza Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, iye wakanditungamirira panzira yakarurama, kuti mukunda wemunin'ina watenzi wangu ndimutorere mwanakomana wake.
49Ikozvino kana muchiitira tenzi wangu moyochena nekutendeka, ndiudzei; kana zvisakadaro, ndiudzei, kuti ndiende kuruoko rwerudyi kana kuruboshwe.
50Ipapo Rabhani naBhetueri vakapindura vakati: Chinhu ichi chinobva kuna Jehovha; hatigoni kutaura kwauri zvakaipa kana zvakanaka.
51Tarira, Rabheka uri pamberi pako, tora uende, uye ngaave mukadzi wake, Jehovha sezvakareva.
52Zvino zvakaitika, kuti muranda waAbhurahamu paakanzwa mashoko avo, wakakotamira pasi pamberi paJehovha.
53Muranda ndokubudisa zvishongo zvesirivha, nezvishongo zvendarama, nenguvo, akapa Rabheka, akapawo hanzvadzi yake namai vake nhumbi dzinokosha.
54Zvino vakadya vakamwa, iye nevarume vaiva naye, vakagara usiku hwose, vakamuka mangwanani, iye ndokuti: Regai ndiende kuna tenzi wangu.
55Asi hanzvadzi yake namai vake vakati: Musikana ngaagare nesu mazuva kana gumi, shure kweizvozvi ngaaende.
56Zvino wakati kwavari: Musandinonosa, Jehovha zvaakabudiririsa nzira yangu; regai ndiende kuti ndiende kuna tenzi wangu.
57Ivo ndokuti: Ngatidane musikana, tinzwe muromo wake.
58Zvino vakadana Rabheka, ndokuti kwaari: Uchaenda nemurume uyu here? Iye ndokuti: Ndichaenda.
59Zvino vakarega Rabheka hanzvadzi yavo achienda, nemureri wake, nemuranda waAbhurahamu nevarume vake.
60Zvino vakaropafadza Rabheka, vakati kwaari: Iwe, hanzvadzi yedu, uve zvuru zvemazana, mbeu yako ngaive varidzi vemasuwo evanoivenga.
61Zvino Rabheka wakasimuka nevasikana vake, vakatasva makamera, vakatevera murume uyo; muranda akatora Rabheka, akaenda.
62Zvino Isaka wakasvika achibva pamusuwo wetsime Rahayi-Royi; nekuti waigara kunyika yekuchamhembe.
63Zvino Isaka wakabuda kunorangarira kusango nenguva yemadekwani; ndokusimudza meso ake, akaona, tarira, makamera anouya.
64Zvino Rabheka wakasimudza meso ake; akati aona Isaka akazviwisa pakamera.
65Zvino wakati kumuranda: Ndiani murume uyu unofamba musango kuzotichingamidza? Muranda ndokuti: Nditenzi wangu. Iye ndokutora chifukidzo chechiso chake, akazvifukidza.
66Zvino muranda wakaudza Isaka zvinhu zvose zvaakange aita.
67Isaka akamuisa mutende ramai vake Sara, akatora Rabheka, akava mukadzi wake; akamuda. Isaka akanyaradzwa shure kwekufa kwamai vake.