1Zvino Abhurahamu wakawanazve mukadzi, uye zita rake raiva Ketura.
2Ndokumuberekera Zimurami naJokishani naMedhani, naMidhiani, naIshibhaki, naShua.
3Jokishani ndokubereka Shebha naDhedhani. Zvino vanakomana vaDhedhani vaiva vaAshuri nevaRetushi nevaReumi.
4Zvino vanakomana vaMidhiani vaiva Efa naEferi naHanoki naAbhidha naEridha. Ava vose vaiva vana vaKetura.
5Abhurahamu ndokupa Isaka zvose zvaaiva nazvo.
6Asi kuvanakomana vevarongo Abhurahamu vaaiva navo, Abhurahamu wakapa zvipo; akavabvisa pana Isaka mwanakomana wake, iye achiri mupenyu, akavatuma kumabvazuva kunyika yekumabvazuva.
7Zvino awa mazuva emakore eupenyu hwaAbhurahamu aakararama, makore zana nemakumi manomwe nemashanu.
8Abhurahamu ndokupera, akafa pakukwegura kwakanaka, achembera agutsikana, akaunganidzwa pandudzi dzekwake.
9Zvino Isaka naIshimaeri vanakomana vake vakamuviga mubako reMakapera, mumunda waEfuroni mwanakomana waZohari muHeti, wakatarisana neMamure,
10munda Abhurahamu waakatenga kuvanakomana vaHeti; ndipo Abhurahamu paakavigwa pamwe naSara mukadzi wake.
11Zvino zvikaitika shure kwekufa kwaAbhurahamu, kuti Mwari wakaropafadza Isaka mwanakomana wake; Isaka ndokugara patsime reRahai-Royi.
12Zvino awa mazera alshimaeri mwanakomana waAbhurahamu, Hagari muEgipita, murandakadzi waSara, waakaberekera Abhurahamu.
13Uye awa mazita evanakomana vaIshimaeri nemazita avo zvichienderana nemazera avo; dangwe raIshimaeri raiva Nebhayoti, naKedhari naAdhibheri naMibhisami
14naMishima naDhurina naMasa,
15naHadhadhi naTema, Jeturi, Nafishi, naKedhema;
16ava vanakomana vaIshimaeri, uye awa mazita avo nemisha yavo uye nematende avo; machinda gumi nemaviri zvichienderana nendudzi dzavo.
17Uye awa makore eupenyu hwaIshimaeri, makore zana nemakumi matatu nemanomwe; akapera, akafa, akaunganidzwa pandudzi dzekwake.
18Zvino vakagara kubva paHavhira kusvikira paShuri nemberi kweEgipita, uchienda Asiria; akagara pamberi pechiso chehama dzake dzose.
19Zvino awa mazera alsaka mwanakomana waAbhurahamu; Abhurahamu wakabereka Isaka.
20Zvino Isaka wakange ane makore makumi mana pakuwana kwake Rabheka, mukunda waBhetueri, muSiriya, wePadhani-Aramu, hanzvadzi yaRabhani muSiriya, kuti ave mukadzi wake.
21Zvino Isaka wakanyengeterera mukadzi wake kuna Jehovha, nekuti wakange ari mhanje; Jehovha akanyengetereka naye, Rabheka mukadzi wake ndokuva nemimba.
22Zvino vana vakapipiridzana mukati make, iye ndokuti: Kana zvakadaro, sei ndakadai? Ndokunobvunza Jehovha.
23Jehovha ndokuti kwaari: Ndudzi mbiri dziri muchizvaro chako, ndudzi mbiri dzichaparadzana dzichibva muura hwako. Zvino rudzi rwuchasimba pane rwumwe rudzi, uye mukuru achashumira muduku.
24Zvino mazuva ake ekubereka akati azadziswa, tarira, mapatya muchizvaro chake.
25Wekutanga akabuda ari mutsvuku, wose akaita senguvo ine mvere; vakatumidza zita rake Esau.
26Zvino pashure munin'ina wake wakabuda, uye ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau; ndokutumidza zita rake Jakove. Zvino Isaka waiva nemakore makumi matanhatu pakuberekwa kwavo.
27Vakomana ndokukura; Esau ndokuva mudzimba wakachenjera, murume wesango; uye Jakove murume wakarurama, achigara mumatende.
28Isaka ndokuda Esau, nekuti waidya nyama yemhuka, asi Rabheka waida Jakove.
29Zvino Jakove wakange abika rupiza, Esau ndokusvika achibva kusango oziya;
30Esau ndokuti kuna Jakove: Dondiregawo ndiminye zvitsvuku izvo zvakatsvuka, nekuti ndoziya. Naizvozvo wakatumidzwa zita rinonzi Edhomu.
31Jakove ndokuti: Nditengesere nhasi udangwe hwako.
32Esau ndokuti: Tarira, ndodofa, zvino udangwe uchandibatsirei?
33Jakove ndokuti: Ndipikire nhasi. Iye ndokupika kwaari, ndokutengesa udangwe hwake kuna Jakobho.
34Jakove ndokupa Esau chingwa nerupiza; iye ndokudya nekumwa, ndokusimuka ndokuenda; Esau ndokuzvidza udangwe hwake saizvozvi.