1Zvino kwakava nenzara panyika; tisingaverengi nzara yekutanga yaivapo mazuva aAbhurahamu. Isaka ndokuenda kuna Abhimereki mambo wevaFirisitia, kuGerari.
2Jehovha ndokuonekera kwaari, ndokuti: Usaburukira kuEgipita, gara munyika yandichakuudza;
3gara semweni munyika ino; uye ndichava newe, ndigokuropafadza; nekuti kwauri nekumbeu yako ndichapa nyika idzi dzose; uye ndichasimbisa mhiko yandakapika kuna Abhurahamu baba vako.
4Zvino ndichawanza mbeu yako senyeredzi dzedenga; uye ndichapa kumbeu yako nyika idzi dzose; uye mumbeu yako marudzi ose enyika acharopafadzwa;
5nekuti Abhurahamu wakateerera inzwi rangu, akachengeta kuraira kwangu, mirairo yangu, zvimiso zvangu nemitemo yangu.
6Isaka ndokugara muGerari.
7Vanhu venyika iyoyo ndokumubvunza zvemukadzi wake. Iye ndokuti: Ihanzvadzi yangu; nekuti wakatya kuti: Mukadzi wangu. Zvimwe varume venyika ino vangandiuraya nekuda kwaRabheka, nekuti wakange akanaka pakutarisika.
8Zvino zvakaitika paakavapo nguva refu, kuti Abhimereki mambo wevaFirisitia, wakatarira nepahwindo, akaona, zvino tarira, Isaka achitamba naRabheka mukadzi wake.
9Abhimereki ndokudana Isaka ndokuti: Tarira, zvirokwazvo mukadzi wako; zvino wakataura sei uchiti: Ihanzvadzi yangu? Isaka ndokuti kwaari: Nekuti ndakati, zvimwe ndingafa nekuda kwake.
10Abhimereki ndokuti: Chii ichi chawaita kwatiri? Umwe wevanhu vedu zvanga zvakareruka kuti arare nemukadzi wako, newe ungadai wauisa mhosva pamusoro pedu.
11Abhimereki ndokuraira vanhu vose, achiti: Unobata munhu uyu kana mukadzi wake, achauraiwa zvirokwazvo.
12Zvino Isaka akadzvara munyika iyoyo, ndokuwana mugore iro zvine zana; Jehovha ndokumuropafadza.
13Zvino munhu uyu wakava mukuru, akaindirira mberi akakura kusvikira ava mukuru zvikuru.
14Uye waiva nefuma yemakwai nefuma yemombe nevaranda vazhinji; naizvozvo vaFirisitia vakamugodora.
15Zvino matsime ose varanda vababa vake avakange vachera pamazuva aAbhurahamu baba vake, vaFirisitia vakaadzivira, vakaafusira nevhu.
16Abhimereki ndokuti kuna Isaka: Ibva kwatiri, nekuti une simba kwazvo kupfuura isu.
17Isaka ndokubvapo, ndokudzika musasa wake mumupata weGerari, ndokugarapo.
18Isaka ndokucherazve matsime emvura, avakange vachera pamazuva aAbhurahamu baba vake, nekuti vaFirisitia vakange vaadzivira shure kwekufa kwaAbhurahamu. Ndokuatumidza mazita achitevera mazita baba vake avakange vaatumidza.
19Varanda vaIsaka ndokuchera mumupata, ndokuwanapo tsime remvura inotubuka.
20Vafudzi veGerari ndokukonana nevafudzi vaIsaka, vachiti: Mvura ndeyedu. Zvino akatumidza zita retsime kuti Eseki, nekuti vakakonana naye.
21Zvino vakachera rimwe tsime, vakakonaniranarozve; akatumidza zita raro Sitina.
22Zvino akabvapo, ndokuchera rimwe tsime, iroro havana kurikonanirana. Ndokutumidza zita raro Rehobhoti, akati: Nekuti ikozvino Jehovha watiitira nzvimbo, uye tichabereka panyika.
23Zvino wakakwira kubvapo kuenda Bheerishebha.
24Jehovha ndokuonekera kwaari usiku ihwohwo ndokuti: Ndini Mwari waAbhurahamu baba vako. Usatya nekuti ndinewe, uye ndichakuropafadza, nekuwanza mbeu yako nekuda kwaAbhurahamu muranda wangu.
25Zvino wakavaka aritari ipapo, ndokudana muzita raJehovha, ndokudzika tende rake ipapo, zvino ipapo varanda vaIsaka vakachera tsime.
26Zvino Abhimereki wakaenda kwaari achibva Gerari neshamwari yake Ahuzati naPikori mukuru wehondo yake.
27Isaka ndokuti kwavari: Mauyirei kwandiri, zvamunondivenga, uye makandidzinga kwamuri?
28Ivo ndokuti: Taona zvirokwazvo kuti Jehovha unewe. Naizvozvo tati: Zvino ngapave nemhiko pakati pedu, isu newe, uye ngatiite sungano newe,
29chokuti usatiitira zvakaipa, sezvo tisina kukubata, uye sezvo takakuitira zvakanaka chete, uye takuendesa murugare; iwe ikozvino uri muropafadzwa waJehovha.
30Iye ndokuvaitira mabiko, ndokudya ndokumwa.
31Zvino vakamuka mangwanani-ngwanani, vakapikirana; Isaka ndokuvarega vachienda, zvino vakabva kwaari nerugare.
32Zvino zvakaitika nemusi iwoyo, kuti varanda vaIsaka vakauya, ndokumuudza pamusoro petsime ravakange vachera, ndokuti kwaari: Tawana mvura.
33Zvino akaritumidza kuti Shebha; naizvozvo zita reguta ndiBheerishebha kusvikira zuva ranhasi.
34Zvino Esau wakati ava nemakore makumi mana akazvitorera kuva mukadzi Judhisi mukunda waBheeri muHeti naBhasimati mukunda waEroni muHeti.
35Ivavo vakava chishungurudzo chemoyo walsaka naRabheka.