1Zvino zvakaitika kuti Isaka ava mutana, meso ake owonera madzedzerere, asingachaoni, wakadana Esau mwanakomana wake mukuru, ndokuti kwaari: Mwana wangu! Iye ndokuti kwaari: Tarirai ndiri pano.
2Akabva ati: Tarira zvino ndakwegura; handizivi zuva rekufa kwangu.
3Naizvozvo ikozvino, tora hako zvombo zvako, goba rako, neuta hwako, ugobuda kusango undivhimire nyama yemhuka,
4Ugondigadzirira chikafu chinonaka, sechandinoda, ugondivigira kuti ndidye, kuti mweya wangu ukuropafadze ndisati ndafa.
5Zvino Rabheka wakanzwa Isaka paakataura naEsau mwanakomana wake. Esau ndokuenda kusango kunovhima nyama yemhuka kuti auye nayo.
6Rabheka ndokutaura naJakove mwanakomana wake achiti: Tarira, ndanzwa baba vako vachitaura naEsau, mukoma wako, vachiti:
7Nditorere nyama yemhuka, ugondigadzirira chikafu chinoanaka kuti ndidye, ndigokuropafadza pamberi paJehovha ndisati ndafa.
8Naizvozvo ikozvino mwanakomana wangu, teerera inzwi rangu kune zvandinokuraira.
9Chidoenda ikozvino kuboka rezvipfuwo, unditorere kubva ipapo mbudzana mbiri dzakanaka dzembudzi, zvino ndichadzigadzira chikafu chinonaka chababa vako, sechavanoda;
10ugoenda nacho kuna baba vako vadye, uye kuti vakuropafadze rufu rwavo rasati rwasvika.
11Jakove ndokuti kuna Rabheka mai vake: Tarirai, Esau mukoma wangu, murume une mvere, asi ini ndiri murume wakatsetseka.
12Zvimwe baba vangu vachandipurudzira, ndokuva pameso avoseunovadadira, uye ndichazviuyisira rushambwa pachinzvimbo chekuropafadzwa.
13Mai vake ndokuti kwaari: Rushambwa rwako ngarwuve pamusoro pangu, mwanakomana wangu; teerera chete inzwi rangu, ugoenda unonditorera.
14Zvino wakaenda, akadzitora, akadziuisa kuna mai vake; mai vake ndokugadzira chikafu chinonaka sechaidikamwa nababa vake.
15Zvino Rabheka wakatora nguvo dzakanaka dzaEsau mwanakomana wake mukuru, dzaaiva nadzo mumba, ndokudzifukidza Jakove mwanakomana wake muduku;
16zvino zvikumba zvembudzana wakaisa pamaoko ake, nepakatsetseka pemutsipa wake.
17Zvino wakapa chikafu chinonaka nechingwa zvaakange agadzirira muruoko rwaJakove mwanakomana wake.
18Iye ndokuenda kuna baba vake akati: Baba vangu! Ivo ndokuti: Ndiri pano; ndiwe ani mwanakomana wangu?
19Jakove ndokuti kuna baba vake: Ndini Esau dangwe renyu; ndaita sezvamandiudza; mukai henyu mugare, mudye zvenyama yangu yemhuka, kuti mweya wenyu undiropafadze.
20Isaka ndokuti kumwanakomana wake: Sei waiwana nekukurumidza zvakadai mwanakomana wangu? Iye ndokuti: Nekuti Jehovha Mwari wenyu waiuisa pamberi pangu.
21Isaka ndokuti kuna Jakove: Swedera hako kuti ndikupurudzire, mwanakomana wangu, ndizive kuti uri mwanakomana wangu Esau amene, kana kwete.
22Jakove ndokuswedera kuna Isaka baba vake; ivo vakamupurudzira vakati: Inzwi inzwi raJakove, asi maoko maoko aEsau.
23Asi haana kumuziva nekuti maoko ake akanga ane mvere semaoko emukuru wake Esau; naizvozvo wakamuropafadza.
24Ndokuti: Ndiwe mwanakomana wangu Esau chaiye here? Iye ndokuti: Ndini.
25Zvino akati: Iswededze kwandiri kuti ndidye zvenyama yemhuka yemwanakomana wangu, kuti mweya wangu ukuropafadze. Iye ndokuswededza kwaari, zvino akadya; ndokumuvigira waini, ndokumwa.
26Zvino baba vake Isaka vakati kwaari: Chiswedera, unditsvode, mwanakomana wangu.
27Zvino wakaswedera, akamutsvoda; ndokunzwa munhuwi wenguvo dzake, ndokumuropafadzwa, zvino akati: Tarira, munhuwi wemwanakomana wangu, semunhuwi wesango Jehovha raakaropafadza.
28Naizvozvo Mwari ngaakupe zvedova rekumatenga, nekukora kwenyika, nezviyo zvakawanda newaini itsva.
29Vanhu ngavakushumire, nemarudzi ngaakufugamire. Iva ishe wehama dzako, nevanakomana vamai vako ngavakufugamire. vanokupa rushambwa ngavapiwe rushambwa, uye vanokuropafadza ngavaropafadzwe.
30Zvino zvakaitika Isaka paakangopedza kuropafadza Jakove, Jakove achangobuda pamberi palsaka baba vake, Esau mukoma wake wakasvika achibva pakuvhima kwake.
31Naiye wakagadzira chikafu chinonaka, akauya nacho kuna baba vake; akati kuna baba vake: Baba vangu ngavamuke, vadye zvenyama yemhuka yemwanakomana wavo, kuti mweya wenyu undiropafadze.
32Zvino Isaka baba vake vakati: Ndiwe ani? Iye ndokuti: Ndini mwanakomana wenyu, dangwe renyu Esau.
33Isaka ndokubvunda nekubvunda kukurusa, akati: Ko ndiani wavhima nyama yemhuka, akauya nayo kwandiri, ndikadya zvayo zvose usati wasvika? Zvino ndamuropafadza, hongu ucharopafadzwa.
34Zvino Esau wakati achinzwa mashoko ababa vake, akachema nekuchema kukuru kunorwadza zvikurusa, ndokuti kuna baba vake: Ndiropafadzei, iniwo, baba vangu!
35Zvino akati: Munin'ina wako wauya nekunyengedzera, akatora ropafadzo yako.
36Zvino akati: Imhaka yekuti vakatumidza zita rake Jakove here, kuti zvino wandinyengedzera kaviri aka; udangwe hwangu wakatora, zvino tarira, ikozvino wanditorera ropafadzo yangu. Ndokuti: Hamuna kundichengeterawo ropafadzo here?
37Isaka ndokupindura ndokuti kuna Esau: Tarira, ndamuita ishe wako, nehama dzake dzose ndapa kwaari vave varanda vake; ndamusimbisa nezviyo newaini; zvino chii chandingakuitira, mwanakomana wangu?
38Esau ndokuti kuna baba vake: Munongova neropafadzo imwe yoga here, baba vangu? Ndiropafadzei iniwo, baba vangu. Esau ndokusimudza inzwi rake ndokuchema.
39Zvino Isaka baba vake ndokupindura akati kwaari: Tarira, ugaro hwako huchava kure nekukora kwenyika,uye kure nedova rekudenga rinobva kumusoro.
40Uye nemunondo wako uchararama, uye uchashumira munin'ina wako. Asi zvichaitika pauchapukunyuka, kuti uchavhuna joko rake ribve pamutsipa wako.
41Zvino Esau wakavenga Jakove nekuda kweropafadzo baba vake yavakamuropafadza nayo. Esau ndokuti mumoyo make: Mazuva ekuchema baba vangu aswedera, zvino ndichauraya munin'ina wangu Jakove.
42Zvino mashoko awa aEsau mwanakomana wake mukuru akaudzwa Rabheka, ndokutuma kunodana Jakobho, mwanakomana wake muduku, ndokuti kwaari: Tarira, Esau mukoma wako unozvivaraidza pamusoro pako kuti akuuraye.
43Naizvozvo ikozvino, mwanakomana wangu, teerera inzwi rangu; simuka utizire kuna Rabhani hanzvadzi yangu kuHarani,
44ugare naye mazuva mashoma, kusvikira shungu dzemukoma wako dzaserera,
45kusvikira kutsamwa kwemukoma wako kwaserera kubva kwauri, uye akangamwe zvawamuitira; Ipapo ndichatuma kuzokutora kubva ikoko; nemhaka yei ndicharasikirwa nemwi muri vaviri nemusi mumwe?
46Rabheka ndokuti kuna Isaka: Ndanetswa neupenyu hwangu nekuda kwevakunda vaHeti; kana Jakove akatora mukadzi kuvakunda vaHeti, sevava, kuvakunda venyika ino, ndichararamirei?