Shona

Kabyle: New Testament

Genesis

28

1Zvino Isaka wakadana Jakove, ndokumuropafadza, ndokumuraira ndokuti kwaari: Usawana mukadzi kuva­kunda veKanani.
2Simuka uende Padhani-Aramu, kuimba yaBhetueri baba vamai vako, uye uzviwanire ikoko mukadzi kubva kuvaku­nda vaRabhani, hanzvadzi yamai vako.
3Zvino Mwari Wemasimbaose ngaakuropafa­dze, akuberekese vana, nekukuwanza, kuti uve chaunga chendudzi;
4agopa­ropafadzo yaAbhurahamu, kwauri nekumbeu yako pamwe newe; kuti ugare nhaka yenyika maugere uri mutorwa, Mwari yaakapa Abhurahamu.
5Isaka ndokuendesa Jakove, iye ndokuenda Padhani-Aramu kuna Rabhani mwanako­mana waBhetueri, muSiriya, hanzvadzi yaRabheka, mai vaJakove naEsau.
6Zvino Esau wakaona kuti Isaka waropafadza Jakove, akamue­ndesa Padhani-Aramu kunozvitorera ikoko mukadzi, pakumuropafadza kwake wakamuraira achiti: Usatora mukadzi kuvakunda veKanani;
7uye kuti Jakove wakateerera baba vake namai vake, akaenda Padhani-Aramu.
8Esau ndokuona kuti vakunda veKanani vaiva vakaipa pameso aIsaka baba vake.
9Naizvozvo Esau wakaenda kuna Ishimaeri, akazvitorera Maharati muku­nda walshimaeri, mwanakomana waAbhurahamu, hanzvadzi yaNebhayoti ave mukadzi wake pamusoro pevakadzi vaaiva navo.
10Zvino Jakove wakabuda paBheeri­shebha, ndokuenda akananga Harani.
11Zvino wakasvika panzvimbo, akavatapo usiku, nekuti zuva rakange ravira. Ndokutora ibwe pamabwe enzvimbo iyo, akaita mutsamhiro, ndokurara panzvimbo iyo.
12Zvino wakarota, uye tarira, danhiko rakange rami­swa panyika, musoro waro uchibata matenga, zvino tarira, vatumwa vaMwari va­chikwira nekuburuka pariri.
13Zvino tarira, Je­hovha amire pamusoro paro, akati: Ndini Jehovha Mwari waAbhurahamu baba vako naMwari waIsaka; nyika yauvete pairi ndichakupa iyo, nembeu yako;
14uye mbeu yako ichaita seguruva renyika; zvino uchapararira kumavirazuva nekumabvazuva, nokumaodzanyemba nekuchamhembe; uye mauri nemumbeu yako dzimba dzose dzepanyika dzicharopafadzwa.
15Zvino tarira, ndi­newe, uye ndichakuchengeta kwese kwaunoenda, nekukudzosera kunyika ino; ne­kuti handingakusii kusvikira ndaita izvo zvandataura kwauri.
16Zvino Jako­bho wakapepuka pahope dzake, ndokuti: Zvirokwazvo Jehovha uri panzvimbo ino, asi ini ndanga ndisingazivi.
17Zvino wakatya, ndokuti: Nzvimbo ino inotyisa zvakadii! Haisi chimwe chinhu kunze kweimba yaMwari, iri isuwo rekudenga.
18Jakove ndokumuka mangwanani-ngwanani, ndokutora ibwe raakange aita mutsamhiro, akari­misa kuva mbiru, ndokudira mafuta pamusoro pepamusoro paro.
19Zvino wakatumidza zita renzvimbo iyo Bheteri, asi zita reguta pakutanga rainzi Ruzi.
20Jakove ndokupika mhiko achiti: Kana Mwari akava neni, akandichengeta panzira yandinoenda, uye akandipa chikafu chekudya, nezvipfeko zvekupfeka;
21uye ndidzokere nerugare kuimba yababa vangu, ipapo Jehovha uchava Mwari wangu,
22neiri ibwe randakamisa rikava mbiru richava imba yaMwari; nezvose zvamuchandipa, zvirokwazvo ndicha­pa chegumi chazvo kwamuri.