1Zvino Isaka wakadana Jakove, ndokumuropafadza, ndokumuraira ndokuti kwaari: Usawana mukadzi kuvakunda veKanani.
2Simuka uende Padhani-Aramu, kuimba yaBhetueri baba vamai vako, uye uzviwanire ikoko mukadzi kubva kuvakunda vaRabhani, hanzvadzi yamai vako.
3Zvino Mwari Wemasimbaose ngaakuropafadze, akuberekese vana, nekukuwanza, kuti uve chaunga chendudzi;
4agoparopafadzo yaAbhurahamu, kwauri nekumbeu yako pamwe newe; kuti ugare nhaka yenyika maugere uri mutorwa, Mwari yaakapa Abhurahamu.
5Isaka ndokuendesa Jakove, iye ndokuenda Padhani-Aramu kuna Rabhani mwanakomana waBhetueri, muSiriya, hanzvadzi yaRabheka, mai vaJakove naEsau.
6Zvino Esau wakaona kuti Isaka waropafadza Jakove, akamuendesa Padhani-Aramu kunozvitorera ikoko mukadzi, pakumuropafadza kwake wakamuraira achiti: Usatora mukadzi kuvakunda veKanani;
7uye kuti Jakove wakateerera baba vake namai vake, akaenda Padhani-Aramu.
8Esau ndokuona kuti vakunda veKanani vaiva vakaipa pameso aIsaka baba vake.
9Naizvozvo Esau wakaenda kuna Ishimaeri, akazvitorera Maharati mukunda walshimaeri, mwanakomana waAbhurahamu, hanzvadzi yaNebhayoti ave mukadzi wake pamusoro pevakadzi vaaiva navo.
10Zvino Jakove wakabuda paBheerishebha, ndokuenda akananga Harani.
11Zvino wakasvika panzvimbo, akavatapo usiku, nekuti zuva rakange ravira. Ndokutora ibwe pamabwe enzvimbo iyo, akaita mutsamhiro, ndokurara panzvimbo iyo.
12Zvino wakarota, uye tarira, danhiko rakange ramiswa panyika, musoro waro uchibata matenga, zvino tarira, vatumwa vaMwari vachikwira nekuburuka pariri.
13Zvino tarira, Jehovha amire pamusoro paro, akati: Ndini Jehovha Mwari waAbhurahamu baba vako naMwari waIsaka; nyika yauvete pairi ndichakupa iyo, nembeu yako;
14uye mbeu yako ichaita seguruva renyika; zvino uchapararira kumavirazuva nekumabvazuva, nokumaodzanyemba nekuchamhembe; uye mauri nemumbeu yako dzimba dzose dzepanyika dzicharopafadzwa.
15Zvino tarira, ndinewe, uye ndichakuchengeta kwese kwaunoenda, nekukudzosera kunyika ino; nekuti handingakusii kusvikira ndaita izvo zvandataura kwauri.
16Zvino Jakobho wakapepuka pahope dzake, ndokuti: Zvirokwazvo Jehovha uri panzvimbo ino, asi ini ndanga ndisingazivi.
17Zvino wakatya, ndokuti: Nzvimbo ino inotyisa zvakadii! Haisi chimwe chinhu kunze kweimba yaMwari, iri isuwo rekudenga.
18Jakove ndokumuka mangwanani-ngwanani, ndokutora ibwe raakange aita mutsamhiro, akarimisa kuva mbiru, ndokudira mafuta pamusoro pepamusoro paro.
19Zvino wakatumidza zita renzvimbo iyo Bheteri, asi zita reguta pakutanga rainzi Ruzi.
20Jakove ndokupika mhiko achiti: Kana Mwari akava neni, akandichengeta panzira yandinoenda, uye akandipa chikafu chekudya, nezvipfeko zvekupfeka;
21uye ndidzokere nerugare kuimba yababa vangu, ipapo Jehovha uchava Mwari wangu,
22neiri ibwe randakamisa rikava mbiru richava imba yaMwari; nezvose zvamuchandipa, zvirokwazvo ndichapa chegumi chazvo kwamuri.