1Zvino Jakove wakasimudza tsoka dzake, akaenda kunyika yevana vekumabvazuva.
2Zvino wakaona, tarira, tsime musango, zvino tarira ipapo, mapoka matatu emakwai avete pariri; nekuti patsime iri vaimwisa mapoka; paiva neibwe guru patsime iroro.
3Uye ndipapo paiungana mapoka ose; zvino vaikungurutsa ibwe kubva pamuromo wetsime, ndokumwisa makwai, vachidzosera ibwe pamuromo wetsime panzvimbo yaro.
4Jakove ndokuti kwavari: Hama dzangu, munobvepi? Ivo ndokuti: Tinobva kuHarani.
5Zvino wakati kwavari: Munoziva here Rabhani mwanakomana waNahori? Ivo ndokuti: Tinomuziva.
6Zvino wakati kwavari: Wakafara here? Ivo ndokuti: Wakafara; zvino tarira, Rakeri mukunda wake, unouya nemakwai.
7Zvino wakati: Tarirai, achiri masikati makuru, haisi nguva yekuti zvipfuwo zviunganidzwe; mwisai makwai, mugonoafudza.
8Zvino vakati: Hatingagoni kusvikira mapoka ose aunganidzwa, vagokungurusa ibwe pamuromo wetsime; ndipo patichamwisa makwai.
9Achiri kutaura navo, Rakeri wakasvika nemakwai ababa vake, nekuti waiva mufudzikadzi.
10Zvino zvakaitika Jakobho achiona Rakeri mukunda waRabhani hanzvadzi yamai vake nemakwai aRabhani hanzvadzi yamai vake, kuti Jakove wakaswedera, akakungurutsa ibwe kubva pamuromo wetsime, akamwisa makwai aRabhani, hanzvadzi yamai vake.
11Jakove ndokutsvoda Rakeri, akasimudza inzwi rake akabudisa misodzi.
12Jakove ndokuudza Rakeri kuti ihama yababa vake, uye kuti mwanakomana waRabheka, ndokumhanya, ndokuudza baba vake.
13Zvino zvakaitika Rabhani anzwa mashoko aJakove mwanakomana wehanzvadzi yake, kuti wakamhanya kunomuchingamidza, ndokumumbundikira, ndokumutsvoda, ndokumuisa mumba make. Jakove ndokuudza Rabhani zvinhu izvo zvose.
14Rabhani ndokuti kwaari: Zvirokwazvo uri pfupa rangu nenyama yangu. Akagara naye mwedzi wose.
15Zvino Rabhani wakati kuna Jakove: Nekuti uri hama yangu, ungandibatira pachena here? Ndiudze kuti mubayiro wako uchava chii.
16Zvino Rabhani wakange ane vakunda vaviri; zita remukuru rakange riri Rea, uye zita remuduku Rakeri.
17Rea wakange ane meso akaneta, asi Rakeri wakange akanaka kwazvo pachimiro nepachiso.
18Zvino Jakove wakada Rakeri. Ndokuti: Ndichakubatirai makore manomwe pamusoro paRakeri, mukunda wenyu muduku.
19Rabhani ndokuti: Zviri nani kuti ndimupe kwauri pakuti ndimupe umwe murume; gara neni.
20Jakove ndokubatira Rakeri makore manomwe; asi akava pameso ake semazuva mashoma, nekuda kwekumuda kwake.
21Jakove ndokuti kuna Rabhani: Ndipei mukadzi wangu, nekuti mazuva angu azadzisika, kuti ndipinde kwaari.
22Rabhani ndokuunganidza vanhu vose venzvimbo iyo, ndokuita mabiko.
23Zvino zvakaitika madekwani, kuti wakatora Rea, mukunda wake, ndokumuisa kwaari; iye ndokupinda kwaari.
24Rabhani ndokupa kumukunda wake Rea Ziripa murandakadzi wake, ave mushandiri wake.
25Zvino zvakaitika, kuti mangwanani, tarira, ndiRea; ndokuti kuna Rabhani: Chii ichi chamaita kwandiri? Handina kukubatirai pamusoro paRakeri here? Mandinyengedzererei?
26Rabhani ndokuti: Hakunzarwo panzvimbo yekwedu kupa munin'ina kutangira dangwe.
27Pedzisa vhiki yeuyu, tigokupa uyuwo pamusoro pebasa rauchabata nenizve mamwe makore manomwe.
28Jakove ndokuita saizvozvo, ndokuzadzisa vhiki yeuyu; ndokupa kwaari Rakeri, mukunda wake kuva mukadzi.
29Rabhani ndokupa kuna Rakeri Bhiriha murandakadzi wake, ave murandakadzi kwaari.
30Jakove ndokupindawo kuna Rakeri, ndokudawo Rakeri kupfuura Rea, ndokubata pamwe naye mamwe makore manomwezve.
31Kuzoti Jehovha aona kuti Rea waivengwa, wakazarura chibereko chake, asi Rakeri waiva mhanje.
32Rea ndokubata mimba, ndokubereka mwanakomana, ndokutumidza zita rake kuti Rubheni, nekuti wakati: Jehovha wakaona dambudziko rangu; naizvozvo ikozvino murume wangu uchandida.
33Akabata mimbazve, ndokubereka mwanakomana, ndokuti: Nekuti Jehovha wanzwa kuti ndinovengwa, naizvozvo wandipawo uyu; ndokutumidza zita rake kuti Simioni.
34Akabata mimbazve, ndokubereka mwanakomana, ndokuti: Ikozvino nguva ino murume wangu achazvibatanidza neni, nekuti ndamuberekera vanakomana vatatu; naizvozvo zita rake rakanzi Revhi.
35Zvino wakabata mimbazve, akabereka mwanakomana, ndokuti: Nenguva ino ndicharumbidza Jehovha; naizvozvo wakamutumidza zita rake kuti Judha; akamira kubereka.