Shona

Kabyle: New Testament

Genesis

31

1Zvino Jakove wakanzwa mashoko evanakomana vaRabhani vachiti: Jakove atora zvose zvababa vedu; nezvaiva zvababa vedu vachiita mbiri iyi.
2Jakove akaonawo chiso chaRabhani, zvino tarira, chakanga chisakaita kwaari sepakutanga.
3Jehovha ndokuti kuna Jakove: Dzokera kunyika yemadzibaba ako nekuhama dzako; ndigova newe.
4Zvino Jakove wakatuma ndokudanira Rakeri naRea kusango kuboka rake,
5ndokuti kwavari: Ndi­noona chiso chababa venyu kuti hachisa­kaita kwandiri sepakutanga; asi Mwari wababa vangu wange aneni.
6Zvino munoziva kuti nesimba rangu rose dakashandira baba venyu.
7Uye baba venyu vakandinyenge­dzera, vakashandura mubayiro wangu kagumi, asi Mwari haana kuvatendera kundiitira zvakaipa.
8Kana vakataura sezvizvi: Zvine mavara zvichava mubairo wako, ipapo boka rose rakabereka zvine mavara. Zvino vataura seizvi: Zvine mitsetse zvichava mubayiro wako, ipapo boka rose raka­bereka zvine mitsetse.
9Saizvozvo Mwari wakatora zvipfuwo zvababa venyu, akapa kwandiri.
10Zvino zvakaitika panguva iyo boka richitora mazamu, kuti ndakasimudza meso angu ndikaona muchiroto, zvino tarira, nhongo dzino­kwira boka, dzaiva nemitsetse, nemavara, nedzakaita pfumbu.
11Zvino mutumwa waMwari wakati kwandiri muchiroto: Jakove! Ndikati: Ndiri pano.
12Ndokuti: Simudza hako meso ako uone, nhongo dzose, dzinokwira boka, dzine mitsetse, dzine mavara, dzakaita pfumbu; nekuti ndaona zvose Rabhani zvaanoita kwauri.
13Ndini Mwari weBheteri, pawakazodza mbiru, pawakandipikira mhiko. Ikozvino, simuka, ubude munyika ino, udzo­kere kunyika yechizvarigo chako.
14Rakeri naRea ndokupindura vakati kwaari: Ko tichine mugove ne­nhaka kuimba yababa vedu here?
15Ko ha­tiverengwi sevatorwa kwavari here? nekuti vakatitengesa, uye vakapedzawo chose mari yedu.
16Nekuti fuma yose Mwari yaakato­rera baba vedu ndeyedu ne­vana vedu; naizvozvo ikozvino chose Mwari chaareva kwauri, chiite.
17Jakove ndokusimuka, ndokuta­svisa vana vake nevakadzi vake pama­kamera;
18ndokutinha zvipfuwo zvake zvose, nenhumbi dzake dzose dzaakange awana, zvipfuwo zvaakange anazvo, zvaakange awana paPa­dhanaramu, kuti aende kuna Isaka baba vake kunyika yeKanani.
19Zvino Rabhani wakange aenda kunoveura makwai ake, Rakeri ndokuba chifana­nidzo baba vake chavaiva nacho.
20Jakove akabva achiverevedza kuna Rabhani muSiriya, nekuti haana kumuzivisa kuti unotiza.
21Zvino wakatiza iye nezvose zvaakange anazvo, ndokusimuka, ndokuya­mbuka rwizi, ndokuringisa chiso chake kugomo reGi­riadhi.
22Zvino zvakaudzwa Rabhani nezuva retatu kuti Jakove watiza.
23Iye akatora hama dzake naye akadzingirirana naye rwendo rwemazuva manomwe, vaka­muwana mugomo reGiriadhi.
24Mwari ndokuuya kuna Rabhani muSiriya muchiroto usiku, ndokuti kwaari: Zvichenjerere, zvimwe ungataura kuna Jakove chakanaka kana chakaipa.
25Rabhani ndokuwana Jakove. Zvino Jakove wakange adzika tende rake mugomo; Ra­bhaniwo nehama dzake vakadzika matende avo mugomo reGiriadhi.
26Zvino Rabhani ndokuti kuna Jako­bho: Waitei, kuti waverevedza ndisingazivi, uchitora vakunda vangu nechisimba sevatapwa nemunondo?
27Watizirei pachivande, uchindiverevedza, usingandiudzi, kuti ndingadai ndakuoneka nemufaro nenziyo, nengoma nerudimhwa?
28Uye hauna kundi­tendera kutsvoda vanakomana va­ngu nevakunda vangu. Ikozvino waita sebe­nzi pakuita.
29Zviri pasimba reruoko rwangu kukuitirai zvakaipa; asi Mwari wababa vako wakataura neni usiku hwazuro achiti: Zvichenjerere kuti urege kutaura naJako­bho kana chakanaka kana chakaipa.
30Zvino ikozvino, kuenda waenda, nekuti ­wanga uchishuva zvikuru imba yababa vako; wabirei vamwari vangu?
31Jakove ndokupindura ndokuti kuna Rabhani: Nekuti ndakanga ndichitya, nekuti ndakati: Zvimwe munganditorera vakunda venyu nechisimba.
32Uyo wamunowana kwaari vamwari venyu ngaarege kurarama; zvino pamberi pehama dzedu, zviongororerei zvenyu zviri kwandiri, muzvitorere. Nekuti Jakove waka­nge asingazivi kuti Rakeri wakange aba.
33Rabhani ndokupinda mutende raJakove, nemutende raRea, nemutende revarandakadzi vaviri, asi haana kuzviwana. Zvino wakabuda mutende raRea, ndokupinda mutende raRakeri.
34Zvino Rakeri wakange atora zvifananidzo, akazviisa muchigaro chekamera, ndokugara pamusoro pazvo. Rabhani ndokubata-bata pose mute­nde, asi haana kuzviwana.
35Iye ndokuti kuna baba vake: Ngazirege kusafadza pameso paishe wangu kuti handigoni kusimuka pamberi penyu; nekuti mutowo wevakadzi uri kwandiri. Iye akatsvakisisa, asi haana kuwana zvifananidzo.
36Zvino Jakove wakatsamwa, ndokupikisana naRabhani; Jakove ndokupindura ndokuti kuna Rabhani: Kudarika kwangu chii, chivi changu chii, kuti mundidzingirire neshungu?
37Zvamabata-bata nhumbi dzangu dzose mawanei chenhumbi dzekumba kwenyu? Zviisei pano pamberi pehama dzangu nehama dzenyu kuti vato­nge pakati pedu isu vaviri.
38Makore awa makumi maviri ndinemwi; nhu­nzvi dzenyu dzemakwai nenhunzvi dzenyu dzembudzi hazvina kusvodza, nemakondobwe enyu emapoka handina kuadya.
39Zvakabvamburwa handina kuzviuisa kwamuri; ini ndakazviripa; pamaoko angu makazvireva, zvaka­biwa masikati kana zvakabiwa usiku.
40Masikati ndakapedzwa nezuva, neveta usiku; hope dzangu dzikatiza kumeso angu.
41Makore aya makumi maviri ndakange ndiri mumba menyu, ndakakushandirai makore gumi nemana nekuda kwevakunda venyu vaviri, nemakore matanhatu nekuda kwezvipfuwo zvenyu; mukashandura mubayiro wangu kagumi.
42Kunze kwekuti Mwari wababa vangu, Mwari waAbhurahamu, nekutya kwaIsaka, dai asaiva neni, zvi­rokwazvo ikozvino mungadai maindiendesa ndi­sina chinhu. Dambudziko rangu nebasa remaoko angu Mwari wakaona, akakutsiurai usiku hwazuro.
43Zvino Rabhani wakapi­ndura akati kuna Jakove: Vakunda vakunda vangu, nevanakomana vanakomana vangu, boka iboka rangu, nezvose zvaunoona ndezvangu; nekuvakunda vangu ndichaitei nhasi, kana kuvana vavo vavakazvara?
44Zvino ikozvino, ngatiite su­ngano, ini newe; chive uchapupu pakati pangu newe.
45Jakove ndokutora ibwe, akarimisa rikava mbiru.
46Jakove ndokuti kuhama dzake: Unganidzai mabwe. Zvino vakatora mabwe, vakaita murwi; vakadya ipapo pamusoro pemurwi.
47Rabhani ndokuutumidza Jegarisahadhuta; asi Jakove akautumi­dza Garidhi.
48Rabhani ndokuti: Murwi uyu uchapupu pakati pangu newe nhasi. Naizvozvo zita rawo rakanzi Garidhi,
49uye Mizipa, nekuti wakati: Jehovha ngaarinde pakati pangu newe, kana tisingaonani umwe neumwe.
50Kana ukatambudza vakunda vangu, uye kana ukawana vamwe vakadzi kunze kwevakunda vangu, hakuna munhu unesu, asi tarira, Mwari chapupu pakati pangu newe.
51Zvino Rabhani wakati kuna Jakove: Tarira murwi uyu, tarira mbiru iyi, yandakamisa pakati pangu newe.
52Murwi uyu ngauve chapupu, nembiru iyi ngaive chapupu, kuti ini handingapfuuri murwi uyu ndichienda kwauri, newe haungapfuuri murwi uyu nembiru uchiuya kwandiri kuti tiitirane zva­kaipa.
53Mwari waAbhurahamu, naMwari waNahori, Mwari wababa vavo, ngaato­nge pakati pedu. Jakove ndokupika neKutya kwababa vake Isaka.
54Jakove ndokubaya chibayiro mugomo, akadana hama dzake kuti vadye chingwa; vakadya chingwa, vakarara mugomo.
55Rabhani ndokumuka mangwanani-ngwani, ndokutsvoda vanakomana vake neva­kunda vake, ndokuvaropafadza; Rabhani ndokuenda, ndokudzokera kunzvimbo yake.