Shona

Kabyle: New Testament

Genesis

32

1Zvino Jakove akaenda nenzira yake, vatumwa vaMwari ndoku­sangana naye.
2Zvino Jakove paakavaona wakati: Iyi ihondo yaMwari. Ndokutumidza zita renzvimbo iyo kuti Mahanaimi.
3Zvino Jakove wakatuma nhume mberi kwake kuna Esau mukoma wake, kunyika yeSeiri, nyika yekwaEdhomu.
4Ndokuvaraira achiti: Mutaure seizvi kuna ishe wangu Esau: Ndizvo zvinotaura muranda wenyu Jakove: NaRabhani ndanga ndichigara semutorwa, ndikarivara kusvikira ikozvino;
5uye ndine mombe nemadhongi, makwai, nevaranda nevarandakadzi; ndatumira kuzokumikidza kuna ishe wangu izvozvi, kuti ndiwane nyasha pameso enyu.
6Zvino nhume dzakadzoka kuna Jako­bho dzichiti: Takasvika kumukoma wenyu Esau; naiye unouya kuzokuchingamidzai nevarume mazana mana.
7Jakove ndokutya zvikuru, akatambu­dzika. Zvino wakaparadzanisa vanhu vaiva naye nemakwai nemombe nemaka­mera, kuita mapoka maviri;
8nekuti wakati: Kana Esau akasvika kune rimwe boka akarirova, boka rakasara richapukunyuka.
9Zvino Jakove wakati: Mwari wababa vangu Abhurahamu, naMwari wababa vangu Isaka, Jehovha makati kwandiri: Dzokera kunyika yekwako nekuhama dzako, ndigokuitira zvakanaka;
10handina kufanira nyasha dzenyu dzose nekutendeka kwe­nyu kose kwamakaitira muranda we­nyu; nekuti ndakayambuka Joridhani urwu netsvimbo yangu; zvino ndava mapoka maviri.
11Dondinunurai paruoko rwemukoma wangu, paruoko rwaEsau; nekuti ndinomutya, zvimwe asvike andirove, amai pamwe nevana.
12Uye imwi makati: Zvirokwazvo ndichakuitira zvakanaka, nekuita mbeu yako sejecha regungwa risingagoni kuverengwa nekuwa­nda.
13Zvino wakavatapo usiku ihwohwo; aka­tora pane zvakasvika muruoko rwake, chipo chaEsau mukoma wake,
14Nhunzvi dzembudzi ma­zana maviri nenhongo makumi maviri, nenhunzvi dzemakwai mazana maviri nemakondohwe makumi ma­viri,
15makamera anoyamwisa ma­kumi matatu nemhuru dzawo, mhou makumi mana, nehando gumi, makadzi embo­ngoro makumi maviri, nemadhongwana gumi.
16Zvino wakazvipa mumaoko evara­nda vake boka rimwe nerimwe riri roga, ndokuti kuvaranda vake: Yambukai mberi kwangu, musiye chinhambwe pakati peboka neboka.
17Zvino wakaraira we­kutanga achiti: Kana Esau mukoma wangu, akasangana newe, ndokukubvunza achiti: Uri waani? Uye unoende­pi? Uye ndezvani zviri pamberi pako?
18Ugoti: Ndezvemuranda wenyu Jakove, chipo chakatumirwa ishe wa­ngu Esau; tarirai, naiyewo amene uri kumashure kwedu;
19ndokuraira newechipiri ne­wechitatu nevose vaitevera mapoka achiti: Kana mukamuwana Esau, nenzira iyi mutaure kwaari;
20mutiwo: Tarirai, muranda wenyu Jakove uri mumashure medu. Nekuti akati: Ndichambomunyaradza nechipo chinofamba mberi kwangu, uye mumashure ndichaona chiso chake; zvimwe achagamuchira chiso changu.
21Naizvozvo chipo chakayambuka mberi kwake; asi iye wakarara usiku ihwohwo mumisasa.
22Zvino akamuka usiku ihwohwo, akatora vakadzi vake vaviri nevarandaka­dzi vake vaviri, navana vake vane gumi nomumwe, akayambuka zambuko reJakove.
23Akavatora, akavayambutsa parukova, akayambutsawo zvaakanga anazvo.
24Jakove ndokusiiwa oga; zvino murume wakatsutsurudzana naye kusvikira utonga huchitsvuka.
25Asi aona kuti haagoni kumukunda, wakabata pamhango yehudyu, hudyu ikasvogodoka achitsutsurudzana naye.
26Zvino akati: Ndirege ndiende nekuti utonga hwatsvuka. asi wakati: Handingakuregei muchienda musati mandiropafadza.
27Zvino akati: Zita rako ndiani? Ndokuti: Jako­bho.
28Akati, Zita rako harichazonzi Jakove, asi Isiraeri, nekuti wakarwa naMwari nevanhu, ukakunda.
29Jako­bho ndokubvunza akati: Ndiudzeiwo zita renyu. Iye ndokuti: Sei uchibvunza zita rangu? Akamuropafadza ipapo.
30Zvino Jakove wakatumidza zita renzvi­mbo iyo kuti Penieri; nekuti wakati: Ndaona Mwari chiso nachiso, uye upenyu hwangu hwaponeswa.
31Zvino zuva raka­mubudira opfuura paPenieri; akaka­mhina pahudyu yake.
32Naizvozvo vana vaIsiraeri havadyi runda rwehudyu riri pamhango yehudyu kusvikira zuva ranhasi; nekuti akabata mhango yehudyu yaJakove parunda rehudyu.