1Zvino Jakove akaenda nenzira yake, vatumwa vaMwari ndokusangana naye.
2Zvino Jakove paakavaona wakati: Iyi ihondo yaMwari. Ndokutumidza zita renzvimbo iyo kuti Mahanaimi.
3Zvino Jakove wakatuma nhume mberi kwake kuna Esau mukoma wake, kunyika yeSeiri, nyika yekwaEdhomu.
4Ndokuvaraira achiti: Mutaure seizvi kuna ishe wangu Esau: Ndizvo zvinotaura muranda wenyu Jakove: NaRabhani ndanga ndichigara semutorwa, ndikarivara kusvikira ikozvino;
5uye ndine mombe nemadhongi, makwai, nevaranda nevarandakadzi; ndatumira kuzokumikidza kuna ishe wangu izvozvi, kuti ndiwane nyasha pameso enyu.
6Zvino nhume dzakadzoka kuna Jakobho dzichiti: Takasvika kumukoma wenyu Esau; naiye unouya kuzokuchingamidzai nevarume mazana mana.
7Jakove ndokutya zvikuru, akatambudzika. Zvino wakaparadzanisa vanhu vaiva naye nemakwai nemombe nemakamera, kuita mapoka maviri;
8nekuti wakati: Kana Esau akasvika kune rimwe boka akarirova, boka rakasara richapukunyuka.
9Zvino Jakove wakati: Mwari wababa vangu Abhurahamu, naMwari wababa vangu Isaka, Jehovha makati kwandiri: Dzokera kunyika yekwako nekuhama dzako, ndigokuitira zvakanaka;
10handina kufanira nyasha dzenyu dzose nekutendeka kwenyu kose kwamakaitira muranda wenyu; nekuti ndakayambuka Joridhani urwu netsvimbo yangu; zvino ndava mapoka maviri.
11Dondinunurai paruoko rwemukoma wangu, paruoko rwaEsau; nekuti ndinomutya, zvimwe asvike andirove, amai pamwe nevana.
12Uye imwi makati: Zvirokwazvo ndichakuitira zvakanaka, nekuita mbeu yako sejecha regungwa risingagoni kuverengwa nekuwanda.
13Zvino wakavatapo usiku ihwohwo; akatora pane zvakasvika muruoko rwake, chipo chaEsau mukoma wake,
14Nhunzvi dzembudzi mazana maviri nenhongo makumi maviri, nenhunzvi dzemakwai mazana maviri nemakondohwe makumi maviri,
15makamera anoyamwisa makumi matatu nemhuru dzawo, mhou makumi mana, nehando gumi, makadzi embongoro makumi maviri, nemadhongwana gumi.
16Zvino wakazvipa mumaoko evaranda vake boka rimwe nerimwe riri roga, ndokuti kuvaranda vake: Yambukai mberi kwangu, musiye chinhambwe pakati peboka neboka.
17Zvino wakaraira wekutanga achiti: Kana Esau mukoma wangu, akasangana newe, ndokukubvunza achiti: Uri waani? Uye unoendepi? Uye ndezvani zviri pamberi pako?
18Ugoti: Ndezvemuranda wenyu Jakove, chipo chakatumirwa ishe wangu Esau; tarirai, naiyewo amene uri kumashure kwedu;
19ndokuraira newechipiri newechitatu nevose vaitevera mapoka achiti: Kana mukamuwana Esau, nenzira iyi mutaure kwaari;
20mutiwo: Tarirai, muranda wenyu Jakove uri mumashure medu. Nekuti akati: Ndichambomunyaradza nechipo chinofamba mberi kwangu, uye mumashure ndichaona chiso chake; zvimwe achagamuchira chiso changu.
21Naizvozvo chipo chakayambuka mberi kwake; asi iye wakarara usiku ihwohwo mumisasa.
22Zvino akamuka usiku ihwohwo, akatora vakadzi vake vaviri nevarandakadzi vake vaviri, navana vake vane gumi nomumwe, akayambuka zambuko reJakove.
23Akavatora, akavayambutsa parukova, akayambutsawo zvaakanga anazvo.
24Jakove ndokusiiwa oga; zvino murume wakatsutsurudzana naye kusvikira utonga huchitsvuka.
25Asi aona kuti haagoni kumukunda, wakabata pamhango yehudyu, hudyu ikasvogodoka achitsutsurudzana naye.
26Zvino akati: Ndirege ndiende nekuti utonga hwatsvuka. asi wakati: Handingakuregei muchienda musati mandiropafadza.
27Zvino akati: Zita rako ndiani? Ndokuti: Jakobho.
28Akati, Zita rako harichazonzi Jakove, asi Isiraeri, nekuti wakarwa naMwari nevanhu, ukakunda.
29Jakobho ndokubvunza akati: Ndiudzeiwo zita renyu. Iye ndokuti: Sei uchibvunza zita rangu? Akamuropafadza ipapo.
30Zvino Jakove wakatumidza zita renzvimbo iyo kuti Penieri; nekuti wakati: Ndaona Mwari chiso nachiso, uye upenyu hwangu hwaponeswa.
31Zvino zuva rakamubudira opfuura paPenieri; akakamhina pahudyu yake.
32Naizvozvo vana vaIsiraeri havadyi runda rwehudyu riri pamhango yehudyu kusvikira zuva ranhasi; nekuti akabata mhango yehudyu yaJakove parunda rehudyu.