Shona

Kabyle: New Testament

Genesis

33

1Zvino Jakove wakasimudza meso ake, akaona, zvino tarira, Esau achiuya nevarume mazana mana vanaye. Akagovera vana kuna Reya nekuna Rakeri nekuvarandakadzi vaviri.
2Zvino wakaisa varandaka­dzi nevana vavo mberi, naRea nevana vake shure, naRakeri naJosefa pakupe­dzisira.
3Iye pachake akapfuura mberi kwavo, akakotamira pavhu kanomwe kusvikira asvika pedo nemukuru wake.
4Esau ndokumhanyira kunomuchingamidza, akamumbundikira, aka­wira pamutsipa wake, ndokumutsvoda; ndokuchema.
5Zvino wakasimudza meso ake akaona vakadzi nevana, akati: Ndivana ani ava vaunavo? Iye ndokuti: Vana Mwari vaakapa muranda wenyu nenyasha dzake.
6Varandakadzi ndokuswedera, ivo nevana vavo, vakakotama.
7NaRea nevana vake vakaswedera, vakakotama; pashure Josefa naRakeri vakaswedera, vakakotama.
8Ndokuti: Wakanangei neboka iri rose randasangana naro? Iye ndokuti: Kuti ndiwane nyasha pameso paishe wangu.
9Esau ndokuti: Ndine zvizhinji, munin'ina wangu, zvaunazvo ngazvive zvako.
10Jakove ndokuti: Kwete! Kana ikozvino ndawana hangu nyasha pameso enyu, gamuchirai chipo changu kubva paruoko rwangu; nekuti naizvozvo ndaona chiso chenyu sechiso chaMwari, mukafara neni.
11Gamuchirai henyu chipo changu chinouiswa kwamuri; nekuti Mwari wakandipa nenyasha, uye ndine zvose. Akamugwaririra, kusvikira agamuchira.
12Ndokuti: Ngatisimuke tifambe, uye ndichakutungamirira.
13Asi wakati kwaari: Ishe wangu unoziva kuti vana vachiri vatete, uye kuti makwai nemombe zvandinazvo zvi­noyamwisa; kana vakazvitinha nesimba zuva rimwe, boka rose richafa.
14Ishe wangu ngaapinde hake mberi kwemura­nda wake; ini ndichanyatsosesedza sezvazvinogona kufamba basa riri pamberi pangu, nemafambiro evana, kudzimara ndasvika kuna ishe wangu paSeiri.
15Esau ndokuti: Zvino ngandisiye kwauri vamwe vanhu vaneni. Iye akati: Nekuda kwei izvi? Ngandiwane nyasha pameso aishe wangu.
16Esau ndokudzoka zuva iroro, akae­nda Seiri.
17Zvino Jakove wakapfuurira akaenda Sukoti, akazvivakira imba, akaitira zvipfuwo zvake matanga ane matenga; naizvozvo wakayumidza zita renzvimbo iyo kuti Sukoti.
18Jakove ndokusvika akachengetedzeka ku­guta reShekemu, riri panyika yeKanani, pakubva kwake paPadhanaramu; aka­dzika matende ake pamberi peguta.
19Akatenga chikamu chenyika paakanga adzika tende rake kuvana vaHamori, baba vaShekemu, nemakobiri zana emari.
20Ndokumisapo aritari, akaritumidza kuti Eri-Erohe-Isiraeri.