1Zvino Jakove wakasimudza meso ake, akaona, zvino tarira, Esau achiuya nevarume mazana mana vanaye. Akagovera vana kuna Reya nekuna Rakeri nekuvarandakadzi vaviri.
2Zvino wakaisa varandakadzi nevana vavo mberi, naRea nevana vake shure, naRakeri naJosefa pakupedzisira.
3Iye pachake akapfuura mberi kwavo, akakotamira pavhu kanomwe kusvikira asvika pedo nemukuru wake.
4Esau ndokumhanyira kunomuchingamidza, akamumbundikira, akawira pamutsipa wake, ndokumutsvoda; ndokuchema.
5Zvino wakasimudza meso ake akaona vakadzi nevana, akati: Ndivana ani ava vaunavo? Iye ndokuti: Vana Mwari vaakapa muranda wenyu nenyasha dzake.
6Varandakadzi ndokuswedera, ivo nevana vavo, vakakotama.
7NaRea nevana vake vakaswedera, vakakotama; pashure Josefa naRakeri vakaswedera, vakakotama.
8Ndokuti: Wakanangei neboka iri rose randasangana naro? Iye ndokuti: Kuti ndiwane nyasha pameso paishe wangu.
9Esau ndokuti: Ndine zvizhinji, munin'ina wangu, zvaunazvo ngazvive zvako.
10Jakove ndokuti: Kwete! Kana ikozvino ndawana hangu nyasha pameso enyu, gamuchirai chipo changu kubva paruoko rwangu; nekuti naizvozvo ndaona chiso chenyu sechiso chaMwari, mukafara neni.
11Gamuchirai henyu chipo changu chinouiswa kwamuri; nekuti Mwari wakandipa nenyasha, uye ndine zvose. Akamugwaririra, kusvikira agamuchira.
12Ndokuti: Ngatisimuke tifambe, uye ndichakutungamirira.
13Asi wakati kwaari: Ishe wangu unoziva kuti vana vachiri vatete, uye kuti makwai nemombe zvandinazvo zvinoyamwisa; kana vakazvitinha nesimba zuva rimwe, boka rose richafa.
14Ishe wangu ngaapinde hake mberi kwemuranda wake; ini ndichanyatsosesedza sezvazvinogona kufamba basa riri pamberi pangu, nemafambiro evana, kudzimara ndasvika kuna ishe wangu paSeiri.
15Esau ndokuti: Zvino ngandisiye kwauri vamwe vanhu vaneni. Iye akati: Nekuda kwei izvi? Ngandiwane nyasha pameso aishe wangu.
16Esau ndokudzoka zuva iroro, akaenda Seiri.
17Zvino Jakove wakapfuurira akaenda Sukoti, akazvivakira imba, akaitira zvipfuwo zvake matanga ane matenga; naizvozvo wakayumidza zita renzvimbo iyo kuti Sukoti.
18Jakove ndokusvika akachengetedzeka kuguta reShekemu, riri panyika yeKanani, pakubva kwake paPadhanaramu; akadzika matende ake pamberi peguta.
19Akatenga chikamu chenyika paakanga adzika tende rake kuvana vaHamori, baba vaShekemu, nemakobiri zana emari.
20Ndokumisapo aritari, akaritumidza kuti Eri-Erohe-Isiraeri.