1Zvino Dhina mwanasikana waRea, waakaberekera Jakove, akabuda kunoona vakunda venyika iyoyo.
2Uye Shekemu mwanakomana waHamori muHivhi, muchinda wenyika, wakamuona; akamutora, akarara naye, akamufumura.
3Mweya wake ndokunamatira panaDhina, mukunda waJakove, ndokuda musikana, akataura kumoyo wemusikana.
4Zvino Shekemu ndokutaura kuna baba vake Hamori achiti: Nditorerei musikana uyo ave mukadzi wangu.
5Zvino Jakove wakanzwa kuti akasvibisa Dhina mukunda wake; zvino vanakomana vake vakange vari kuzvipfuwo zvake kusango, Jakove ndokunyarara kusvikira vauya.
6Hamori baba vaShekemu vakabuda vakaenda kuna Jakove kunotaurirana naye.
7Vakati vachinzwa izvozvo vanakomana vaJakove vakauya vachibva kusango; zvino varume ava vakazarirwa kwazvo, vakatsamwa zvikuru nekuti wakange aita upenzi pakati pevaIsiraeri nekurara nemukunda waJakove; chinhu chisingafaniri kuitwa saizvozvo.
8Zvino Hamori wakataurirana navo achiti: Shekemu mwanakomana wangu, moyo wake unodokwairira mukunda wenyu; domupai henyu iye ave mukadzi wake.
9Uye waniranai nesu, tipei vakunda venyu, mugozvitorera vakunda vedu.
10Uye garai henyu nesu, nyika ichava pamberi penyu; garai mutengeserane, mupfuwe mairi.
11Shekemu ndokuti kuna baba vemusikana nekuhanzvadzi dzake, Ngandiwane nyasha pameso enyu; uye chamuchareva kwandiri, ndichakupai.
12Pamhidzirai zvikuru kwandiri roora nechipo; uye ndichapa sezvamuchareva kwandiri; asi ndipei musikana ave mukadzi wangu.
13Vanakomana vaJakove ndokupindura Shekemu naHamori baba vake, neunyengeri, vakati, nekuti wakasvibisa hanzvadzi yavo Dhina,
14ndokuti kwavari: Hatingagoni kuita chinhu ichi, kupa hanzvadzi yedu munhu une ganda repamberi, nekuti chinyadzo kwatiri.
15Asi nechinhu ichi tingatenderana nemwi, kana mukava sesu, kuti murume umwe neumwe wekwenyu adzingiswe,
16zvino tichakupai vakunda vedu, nesu vakunda venyu tizvitorere; uye tichagara nemwi tive rudzi rumwe.
17Asi kana musingatitereri mukadzingiswa, tichatora mukunda wedu tiende.
18Mashoko avo akava akanaka pameso aHamori, nepameso aShekemu, mwanakomana waHamori.
19Jaya harina kunonoka kuita chinhu ichi, nekuti waifarira mukunda waJakove; uye waikudzwa kupfuura imba yose yababa vake.
20Zvino Hamori wakasvika, naShekemu mwanakomana wake, kusuwo reguta ravo, ndokutaurirana nevanhu veguta ravo vachiti:
21Varume ava vane rugare nesu; naizvozvo ngavagare munyika, vagotengeseranamo; nekuti nyika, tarirai, yakafara pamberi pavo; vakunda vavo tichavatora vave vakadzi vedu, nevakunda vedu tichavapa ivo.
22Asi pachinhu ichi chete varume vachatenderana nesu, kugara nesu, nekuva serudzi rumwe, kuti murume wose wedu adzingiswa, sezvavakadzingiswa ivo.
23Ko mombe dzavo, nenhumbi dzavo, nezvipfuwo zvavo zvose hazvichavi zvedu here? Ngatitenderane navo koga, vagogara nesu.
24Zvino vakateerera Hamori naShekemu mwanakomana wake, vose vaibuda pasuwo reguta rake, ndokudzingiswa, murume umwe neumwe, vose vaibuda pasuwo reguta rake.
25Zvino zvakaitika nezuva retatu vachiri pakurwadziwa, vanakomana vaviri vaJakobho, Simioni naRevhi, hanzvadzi dzaDhina, vakatora umwe neumwe munondo wake, vakanyangira guta, ndokuuraya varume vose.
26Ndokuuraya Hamori naShekemu mwanakomana wake, nekwakapinza kwemunondo, vakabudisa Dhina mumba maShekemu, vakabuda.
27Vanakomana vaJakove vakauya pamusoro pevakauraiwa, vakapamba guta, nekuti vakange vasvibisa hanzvadzi yavo.
28Vakatora makwai avo nemombe dzavo nemadhongi avo nezvaiva muguta nezvaiva kusango;
29nefuma yavo yose, nevana vavo vaduku vose, nevakadzi vavo vakavatapa vakapamba, nezvinhu zvose zvaiva mudzimba.
30Jakove ndokuti kuna Simioni naRevhi: Manditambudza, nekundinhuwisa pakati pevagari vemunyika ino, pakati pevaKanani nevaPerezi; ini ndiri mushoma pauwandu, vachandiunganira, vagondirova; ndichaparara ini neimba yangu.
31Ivo ndokuti: Aite hanzvadzi yedu sechifeve here?