Shona

Kabyle: New Testament

Job

31

1Ndakaita sungano nameso angu, Zvino ndingatarira musikana seiko?
2nekuti mugove waMwari unobva kumusoro ndeweiko, Nemhaka yowaMasimbaose inobva kudenga ndeyeiko?
3Ko haizi njodzi kuna vasina kururama here, Nokuparadzwa kuna vaiti vezvakaipa here?
4Ko iye haaoni nzira dzangu, Nokuverenga nhambwe dzangu dzose here?
5Kana ndichinge ndafamba nenzira isina maturo, Norutsoka rwangu rwamhanyira zvinonyengera;
6(Ngandiidzwe pachiyero chakarurama, Kuti Mwari azive kusanyengera kwangu;)
7Kana kutsika kwangu kuchinge kwatsauka panzira, Nomoyo wangu ukatevera meso angu, Kana gwapa richinge ranamatira pamaoko angu;
8Ipapo ini ndidzvare hangu, asi mumwe ngaadye; Zvibereko zvomunda wangu ngazvidzurwe.
9Kana moyo wangu uchinge wanyengerwa nomukadzi, kana ndavandira pamukova wowandaigara naye;
10Ipapo mukadzi wangu ngaakuyire mumwe, Navamwe ngavakotamire pamusoro pake.
11nekuti chinhu icho chivi chakashata, Zvirokwazvo, chinhu chakaipa chinofanira kurohwa navatongi.
12nekuti ndiwo moto unopedza kusvikira pakuparadza, Ungadzura zvibereko zvangu zvose.
13Kana ndichinge ndazvidza mhaka yomuranda wangu kana murandakadzi wangu, Panguva yavakaita nharo neni;
14Ndichaiteiko kana Mwari akasimuka? Kana akandivinga, ndingapindurei kwaari?
15Akandiita mudumbu ramai haazi iye akamuitawo here? Ko haazi mumwe akatiumba isu tose mudumbu ramai here?
16Kana ndichinge ndanyima varombo zvavakakumbira, Kana kushaisa meso echirikadzi;
17Kana ndichinge ndadya chimedu changu ndiri ndoga, Nherera ikasadyawo;
18(Kwete, kubva paujaya hwangu yakakurira kwandiri ndikaita sababa vayo, Ndaiva muperekedzi wayo kubva padumbu ramai vangu;)
19Kana ndichinge ndaona munhu achiparara nokushaiwa nguvo, Kana anoshaiwa asina chokufuka;
20Kana chiuno chake chisina kundivonga, Kana asina kudziyirwa nemvere dzamakwai angu;
21Kana ndichinge ndasimudzira nherera ruoko rwangu, nekuti ndakaona kuti ndichabatsirwa pasuwo;
22Ipapo fudzi rangu ngaribve pabendekete, Ruoko rwangu ngaruvhunike papfupa.
23nekuti njodzi inobva kuna Mwari yakandityisa, Ndakakoniwa kuita chinhu nokuda koumambo hwake.
24Kana ndichinge ndavimba nendarama ikava tariro yangu Ndikati kundarama yakaisvonaka, Ndinovimba newe.
25Kana ndichinge ndakafara nekuti fuma yangu yakanga yawanda, Uye nekuti ruoko rwangu rwakanga rwawana zvizhinji;
26Kana ndichinge ndatarisa zuva parinohwinya, Kana mwedzi uchifamba wakachena;
27moyo wangu ukanyengerwa pakavanda, Muromo wangu ukatsvoda ruoko rwangu;
28Nechinhu ichowo chaiva chaipa chinofanira kurohwa navatongi; nekuti ndinenge ndaramba Mwari ari kumusoro.
29Kana ndichinge ndafarira kuparadzwa komuvengi wangu, Kana kuzvikudza panguva yaakavingwa nezvakaipa;
30(Zvirokwazvo handina kutendera muromo wangu kutadza, Ndichikumbira nokupanjira kuti afe;)
31Kana vanhu vetende rangu vasina kutaura, vachiti, Ndianiko angawana munhu usina kugutiswa nenyama yake?
32Mweni haana kuvata vusiku panzira dzomumusha; Asi ndaizarurira mufambi mikova yangu;
33dai ndaifukidza kudarika kwangu saAdhamu, Ndichivanza zvakaipa zvangu pachipfuva changu;
34Zvandaitya vanhu vazhinji, Ndikavhunduswa nokushorwa namapoka avanhu, Ndikanyarara, ndikasabuda pamukova,
35Haiwa, dai ndaiva nomunhu anondinzwa! (Tarirai, ndicho chivoneso changu, waMasimbaose ngaandipindure;) dai ndaiva norugwaro rwakanyorwa nomudzivisi wangu!
36Zvirokwazvo, ndairutakura pafudzi rangu; Ndairudzika pamusoro wangu sekorona.
37Ndaimududzira kuwanda kwenhambwe dzangu; Ndaiswedera kwaari somuchinda.
38Kana munda wangu ukadanidzira kwandiri, uchindipa mhosva, Nemihoronga yawo ikachema yose;
39Kana ndichinge ndadya zvibereko zvawo ndisina kutenga, Kana ndichinge ndarashisa varidzi vawo upenyu hwavo;
40Ipapo hutumbambeva ngahumerepo panzvimbo yezviyo, Nesora panzvimbo yebhari. Mashoko aJobho apera.