1Zvino varume ava vatatu vakarega kupindura Jobho, nekuti akati ndakarurama hangu.
2Ipapo Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, weimba yaRami, akatsamwa kwazvo; akatsamwira Jobho kwazvo, nekuti akanga azviruramisa kupfuura Mwari.
3Akatsamwirawo kwazvo shamwari dzake nhatu, nekuti vakanga vashaiwa mhinduro, kunyange zvakadaro vakanga vapa havo Jobho mhosva.
4Zvino Erihu akanga amirira kutaura naJobho, nekuti ivo vaiva vakuru kwaari pazero.
5Zvino Erihu akati achiona kuti hapene mhinduro pamiromo yavanhu ava vatatu, iye akatsamwa kwazvo.
6Zvino Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi wakapindura, akati, Ini ndiri muduku, asi imwi mava vakuru kwazvo; Saka ndakazvidzora hangu, ndikatya kukuzivisai kufunga kwangu.
7Ndakati, Vana mazuva mazhinji ngavataure havo, Vana makore mazhinji ngavadzidzise vamwe uchenjeri.
8Asi mweya uripo pamunhu, Kufuridzira kowaMasimbaose kunovapa kunzwisisa.
9Havazi vakuru vakachenjera, Kana vatana vanonzwisisa kururamisira.
10Saka ndakati, Chindinzwai; Neniwo ndichakuzivisai kufunga kwangu.
11Tarirai, ndakambomirira mashoko Ndakateerera kuti ndinzwe nharo dzenyu, Nguva yamakatsvaka zvamungataura.
12Zvirokwazvo, ndakakucherekedzai, Asi tarirai, hakuna munhu akapwisa Jobho. Kana akapindura mashoko ake pakati penyu.
13Chenjerai, murege kuti, Takawana huchenjeri; Mwari ndiye angamukunda, asi munhu kwete.
14Nekuti haana kutaura mashoko ake kwandiri; Neni handingamupinduri iye nokutaura kwenyu.
15Vashamiswa, havachapinduri; Havachine shoko ravangataura.
16Ko ini ndingamirira, zvavasingatauri ivo, Zvavanoramba vamire, vasina chavangapindura here?
17Neniwo ndichapindura padzoro rangu, Neniwo ndichazivisa kufunga kwangu.
18Nekuti ndizere namashoko; Mweya, uri mukati mangu, unondimanikidza.
19Tarirai, mukati mangu makafanana newaini isina pokubuda napo; Zvakafanana nehombodo itsva dzinokaroparuka.
20Ndichataura, kuti ndiremudzwe, Ndichashamisa miromo yangu ndipindure.
21Ndirege hangu kutsaura munhu upi noupi; Uye handingatumidzi ani nani mazita anobata kumeso.
22Nekuti handizivi kutumidza mazita anobata kumeso; Zvimwe Muiti wangu angakurumidza kundibvisa.