Shona

Kabyle: New Testament

Joshua

24

1Zvino Joshua akaunganidza marudzi ose avaIsiraeri paShekemu, akadana vakuru vaIsiraeri, navatungamiriri vavo, navatongi vavo, navatariri vavo; vakazviisa pamberi paMwari.
2Joshua akati kuvanhu vose, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Madzibaba enyu aigara kare mhiri koRwizi, iye Tera, baba vaAbhurahamu, naNahori, achishumira vamwe vamwari.
3lni ndikatora baba venyu Abhurahamu mhiri koRwizi, ndikamufambisa panyika yose yeKanani, ndikawanza vana vake, ndikamupa Isaka.
4Ndikapa Isaka Jakove naEsau; ndikapa Esau gomo reSeiri, rive rake; Jakove navana vake vakaburukira Egipita.
5Ndikatuma Mozisi naAroni, ndikatambudza Egipita, nezvandakaita pakati payo; pashure ndikakubudisai.
6Ndikabudisa madzibaba enyu paEgipita, mukasvika pagungwa; vaEgipita vakatevera madzibaba enyu vane ngoro uye navanhu vakatasva mabhiza kusvikira paGungwa Dzvuku.
7Zvino nguva yavakachema kuna Jehovha, akaisa rima pakati penyu navaEgipita, akauyisa gungwa pamusoro pavo, akavafukidza; meso enyu akaona zvandakaita
8Ndikakusvitsai kunyika yavaAmori, vakanga vagere mhiri kwaJoridhani; ivo vakarwa nemwi ndikavaisa mumaoko enyu, nyika yavo ikava yenyu, ndikavaparadza pamberi penyu.
9Zvino Bharaki mwanakomana waZipori, mambo waMoabhu, akasimuka, akarwa naIsiraeri, akatuma nhume kundodana Bharamu, mwanakomana waBheori, kuti amutuke.
10Asi ini ndakaramba kunzwa Bharamu, naizvozvo wakaramba achingokuropafadzai; naizvozvo ndakakurwirai paruoko rwake.
11Zvino makayambuka Joridhani, mukasvika paJeriko; varume veJeriko vakarwa nemi, vaiti: VaAmori, navaPerezi, navaKanani, navaHeti, navaGirigashi, navaHivhi, navaJebhusi; ndikavaisa mumaoko enyu.
12Ndikatuma pamberi penyu mago, akavadzinga pamberi penyu, iwo madzimambo maviri avaAmori; havana kudzingwa neminondo yenyu kana nouta bwenyu.
13Ndikakupai nyika yamusina kurima, namaguta amusina kuvaka, mamugere zvino; munodya minda yemizambiringa neyemiorivhi yamusina kusima.
14Naizvozvo ityai Jehovha, zvino, mumushumirei nomoyo wose nechokwadi, rashai vamwari vaishumirwa namadzibaba enyu mhiri koRwizi napaEgipita, imwi mushumire Jehovha.
15Kana muchiti zvakaipa kushumira Jehovha, zvitsaurirei nhasi wamunoda kushumira, kana vamwari vaishumirwa namadzibaba enyu mhiri koRwizi, kana vamwari vavaAmori vamugere munyika yavo; asi kana ndirini naveimba yangu tichashumira Jehovha.
16Ipapo vanhu vakapindura vakati, Mwari atibatsire, kuti tirege kurasha Jehovha tichishumira vamwe vamwari.
17nekuti Jehovha Mwari wedu, ndiye wakatibudisa panyika yeEgipita, isu namadzibaba edu, paimba youranda; ndiye wakaita zviratidzo zvikuru tichizviona, akatichengeta panzira yose yatakafamba nayo, napakati pendudzi dzose dzatakapfuura nokwadziri.
18Jehovha ndiye wakadzinga ndudzi dzose pamberi pedu, ivo vaAmori vakanga vagere munyika ino; naizvozvo nesuwo tichashumira Jehovha, nekuti ndiye Mwari wedu.
19Zvino Joshua akati kuvanhu, Hamungagoni kushumira Jehovha, nekuti ndiMwari mutsvene, ndiMwari une godo, haangakukangamwiriyi kudarika kwenyu nezvivi zvenyu.
20Kana mukarasha Jehovha, mukashumira vamwari vavatorwa, iye uchakushandukirai nokukuitirai zvakaipa, nokukuparadzai, ambokuitirai zvakanaka.
21Ipapo vanhu vakati kuna Joshua, Kwete, asi tichashumira Jehovha.
22Joshua akati kuvanhu, Munozvipupurira kuti makatsaura Jehovha kuti mumushumirei. Ivo vakati, Tiri zvapupu hedu.
23Naizvozvo zvino rashai vamwari vavatorwa vari pakati penyu murerekere moyo yenyu kuna Jehovha Mwari waIsiraeri.
24Vanhu vakati kuna Joshua, Jehovha Mwari wedu ndiye watichashumira, tichateerera inzwi rake.
25Naizvozvo Joshua akaita sungano navanhu musi iwoyo, akavasimbisira mutemo nomurayiro.
26Joshua akanyora mashoko iwayo mubhuku yomurayiro waMwari, akatora ibwe guru, akarimisa pasi pomuouki, wakange uri paimba tsvene yaJehovha.
27Joshua akati kuvanhu vose, Tarirai, ibwe iri richakupupurirai, nekuti rakanzwa mashoko ose atakataura naJehovha; naizvozvo richakupupurirai, kuti murege kuzoramba Mwari wenyu.
28Naizvozvo Joshua akaendisa vanhu, mumwe nomumwe akaenda kunhaka yake.
29Zvino shure kwaizvozvo Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha, wakafa, ava namakore ane zana negumi.
30Vakamuviga panyika yenhaka yake paTimunati-sera, panyika yamakomo yaEfuremu, nechokumusoro kwegomo reGaashi.
31VaIsiraeri vakashumira Jehovha mazuva ose aJoshua, namazuva ose avakuru vakanga vachiri vapenyu Joshua atofa, ivo vakanga vakaziva mabasa ose akanga aitirwa vaIsiraeri naJehovha.
32Mafupa aJosefa, akanga auya navana vaIsiraeri pakubuda kwavo Egipita, vakaaviga paShekemu, panzvimbo yenyika yakanga yatengwa naJakove kuvana vaHamori, baba vaShekemu, nezana remari; ikazova nhaka yavana vaJosefa.
33Zvino Ereazari, mwanakomana waAroni, akafa, vakamuviga muchikomo chomwanakomana wake Pinehasi, chaakanga apiwa munyika yamakomo yaEfuremu.