Shona

Kabyle: New Testament

Judges

1

1Zvino Joshua wakati afa, vana vaIsiraeri vakabvunza Jehovha, vakati, Ndianiko kwatiri anofanira kutanga kundorwa navaKanani?
2Jehovha akati, Judha ndiye unofanira kuenda; tarirai ndakaisa nyika iyi mumaoko ake.
3Zvino Judha akati kuna Simioni mukuru wake, Hendei tose kumugove wangu, tirwe navaKanani, neni ndigoenda newe kumugove wako. Ipapo Simioni akaenda naye.
4Zvino Judha akaenda, Jehovha akaisa vaKanani navaPerizi mumaoko ake, vakauraya muBhezeki varume vavo vane zviuru zvine gumi.
5Vakawana Adhoni-bhezeki muBhezeki, vakarwa naye, vakauraya vaKanani navaPerizi.
6Asi Adhoni-bhezeki wakatiza; vakamutevera, vakamubata, ndokumugura magumwe ake namagumwe amakumbo ake.
7Ipapo Adhoni-bhezeki akati, Madzimambo ana makumi manomwe, akanga akagurwa magumwe awo namagumwe amakumbo awo, ainonga zvokudya zvawo pasi petafura yangu; sezvandakaita ini, Mwari wakanditsivawo. Vakaenda naye Jerusaremu, akafirapo.
8Zvino vana vaJudha vakandorwa neJerusaremu, vakarikunda, vakavauraya neminondo inopinza, vakapisa guta nomoto.
9Pashure vana vaJudha vakaburuka vakandorwa navaKanani, vakanga vagere panyika yamakomo, nezasi nokumapani.
10Zvino vaJudha vakandorwa navaKanani vakanga vagere Hebhuroni (zvino zita reHebhuroni kare raiva Kiriati-abha); vakaparadza Sheshai, naAhimani, naTarimani.
11Vakabvapo, vakandorwa navanhu vakanga vagere Dhebhiri. (Zvino zita reDhebhiri kare raiva Kiriati-seferi).
12Karebhu akati, Munhu unorwa neKiriati-seferi, akarikunda, ndichamupa mukunda wangu Akisa, ave mukadzi wake.
13Ipapo Otinieri, mwanakomana waKenazi, munin'ina waKarebhu, akarikunda; iye akamupa mukunda wake Akisa, akava mukadzi wake.
14Zvino iye wakati achisvika kwaari, akamukurudzira kuti akumbire munda kuna baba vake; zvino iye akaburuka pambongoro yake, Karebhu akati kwaari, Unoreveiko?
15Akati, Ndipei chipo; zvamakandiisa kunyika yezasi, ndipeiwo matsime emvura. Akamupa matsime okumusoro namatsime ezasi.
16Zvino vana vomuKeni, mukarabwa waMozisi, vakabuda paguta remichindwe, vakakwira pamwechete navana vaJudha kurenje raJudha, riri zasi kweAradhi; vakandogara navanhu voko.
17Judha akaenda naSimioni mukuru wake, vakakunda vaKanani vakanga vagere Zefati; vakariparadza chose. Guta iro rikazotumidzwa Homa.
18VaJudha ndokukundawo Gaza nenyika yaro neAshikeroni nenyika yaro, neEkironi nenyika yaro.
19Jehovha akava naJudha akadzinga vanhu vakanga vagere panyika yamakomo; asi wakange asingagoni kudzinga vakanga vagere mumupata, nekuti ivo vakanga vane ngoro dzamatare.
20Vakapa Karebi Hebhuroni sezvakanga zvataurwa naMozisi, akadzingapo vana vaAnaki vatatu.
21Asi vana vaBhenjamini havana kudzinga vaJebhusi vakanga vagere Jerusaremu; asi vaJebhusi vakagara Jerusaremu pamwechete navana vaBhenjamini kusvikira nhasi.
22Veimba yaJosefa naivo vakakwira vakandorwa neBheti-eri, Jehovha akava navo.
23Veimba yaJosefa vakandoshora Bheti-eri. (Zvino zita reguta iri pakutanga raiva Ruzi.)
24Nharirire dzikaona munhu achibuda muguta, dzikati kwaari, Dotiratidza hako pano paguta, tigokuitira zvakanaka.
25Akavaratidza panopindwa napo paguta, vakakunda guta neminondo inopinza; asi vakatendera munhu uyo nemhuri yake yose kuenda hake.
26Zvino munhu uyo akaenda kunyika yavaHeti, akandovaka guta rake, akaritumidza zita rinonzi Ruzi; ndiro zita raro kusvikira nhasi.
27Manase haana kudzinga vanhu vakanga vagere Bheti-sheani, nemisha yaro, kana veTaanaki, nemisha yaro, kana vakanga vagere Dhori, nemisha yaro; kana vakanga vagere Ibhireami, nemisha yaro, kana vakanga vagere Megidho, nemisha yaro; asi vaKanani vakaramba vachida kugara panyika iyo.
28Zvino vaIsiraeri vakati vasimba, vakabatisa vaKanani basa rechibharo, havana kuvadzinga chose.
29Efuremu haana kudzinga vaKanani vakanga vagere Gezeri; asi vaKanani vakagara Gezeri pakati pavo.
30Zebhuruni haana kudzinga vanhu vakanga vagere Kitironi, kana vakanga vagere Naharori; asi vaKanani vakagara pakati pavo, vakava vabati vechibharo.
31Asheri haana kudzinga vanhu vakanga vagere Ako, kana vakanga vagere Zidhoni, kana Akirabhi, kana Akisibhi, kana Heribha, kana Afiki, kana Rehobi;
32asi vaAsheri vakagara pakati pavaKanani, vakanga vagere munyika iyo; nekuti havana kuvadzinga.
33Nafutari haana kudzinga vanhu vakanga vagere Bheti-shemeshi, kana vakanga vagere Bheti-anati; asi vakagara pakati pavaKanani, vakanga vagere panyika iyo; asi vakanga vagere Bhetishemeshi neBheti-anati vakava vabati vechibharo.
34VaAmori vakasundira vana vaDhani kunyika yamakomo, nekuti havana kuvatendera kuburukira kumupata;
35asi vaAmori vakaramba vachida kugara mugomo reHeresi, muAjaroni nomuShaaribhimu, kunyange zvakadaro ruoko rwaveimba yaJosefa rwakakunda, vakava vabati vechibharo.
36Muganhu wavaAmori wakabva pamukwidzwa weAkirabhimu, kubva padombo, uchikwira.