Shona

Korean

Job

1

1Kwakanga kuno munhu panyika yeUzi, ainzi Jobho; munhu uyu aka­nga akakwana, akarurama, aitya Mwari achinzvenga zvakaipa
1우스 땅에 욥이라 이름하는 사람이 있었는데 그 사람은 순전하고 정직하여 하나님을 경외하며 악에서 떠난 자더라
2Iye wakabereke­rwa vanakomana vanomwe navakunda vatatu.
2그 소생은 남자가 일곱이요, 여자가 셋이며
3Uye fuma yake yakasvika ma­kwai ane zviuru zvinomwe, nemakamera zviuru zvitatu, nemombe dzakaringana majoko ana mazana mashanu, namakadzi embongoro ana mazana mashanu, nava­nhu vazhinji paimba yake; naizvozvo munhu uyu akanga ari mukuru pakati pavana vamabvazuva.
3그 소유물은 양이 칠천이요, 약대가 삼천이요, 소가 오백 겨리요, 암 나귀가 오백이며, 종도 많이 있었으니 이 사람은 동방 사람 중에 가장 큰 자라
4Vanakomana vake vaisienda ku­ndoita mutambo paimba yomumwe no­mumwe wavo pazuva rake; vaituma kundodana hanzvadzi dzavo nhatu kuzo­dya nokumwa navo.
4그 아들들이 자기 생일이면 각각 자기의 집에서 잔치를 베풀고 그 누이 셋도 청하여 함께 먹고 마시므로
5Zvino kana ma­zuva okutamba kwavo apera Jobho ai­tuma nhume kuvadana vanatswe, zvino iye ndokumuka mangwanani, ndokupisa zvipiriso zvinopiswa zvaivaringanira vose; nekuti Jobho wakati, Zvimwe vanakomana vangu vakatadza, vaka­shora Mwari pamoyo yavo; Jobho aisidaro nguva dzose.
5그 잔치 날이 지나면 욥이 그들을 불러다가 성결케 하되 아침에 일어나서 그들의 명수대로 번제를 드렸으니 이는 욥이 말하기를 `혹시 내 아들들이 죄를 범하여 마음으로 하나님을 배반하였을까' 함이라 욥의 행사가 항상 이러하였더라
6Zvino rimwe zuva vanakomana va­Mwari vakati vachindomira pamberi pa­Jehovha, Satani akasvikawo pakati pavo.
6하루는 하나님의 아들들이 와서 여호와 앞에 섰고 사단도 그들 가운데 왔는지라
7Jehovha akati kuna Satani, Wabve­piko? Satani akapindura Jehovha, akati, Ndabva pakupota-pota nenyika, napaku­famba-famba pairi.
7여호와께서 사단에게 이르시되 네가 어디서 왔느냐 ? 사단이 여호와께 대답하여 가로되 `땅에 두루 돌아 여기 저기 다녀 왔나이다'
8Jehovha akati kuna Satani, Wache­rekedza muranda wangu Jobho here? Nekuti hakuna munhu akafanana naye panyika, munhu akakwana, akarurama, anotya Mwari, achinzvenga zvakaipa.
8여호와께서 사단에게 이르시되 네가 내 종 욥을 유의하여 보았느냐 ? 그와 같이 순전하고 정직하여 하나님을 경외하며 악에서 떠난 자가 세상에 없느니라
9Ipapo Satani akapindura Jehovha, akati, Jobho anotya Mwari pasina here?
9사단이 여호와께 대답하여 가로되 `욥이 어찌 까닭 없이 하나님을 경외하리이까 ?
10Hamuna kumupoteredza here noru­mhanda, iye neimba yake, nezvose zvaa­nazvo, pamativi ose? Makaropafadza ma­basa amaoko ake, uye fuma yake yakawanda panyika.
10그와 그 집과 그 모든 소유물을 산울로 두르심이 아니니이까 ? 주께서 그 손으로 하는 바를 복되게 하사 그 소유물로 땅에 널리게 하셨음이니이다
11Asi tambanudzai henyu ruoko rwenyu, zvino, murove zvose zvaanazvo, ipapo iye achakushorai pachena.
11이제 주의 손을 펴서 그의 모든 소유물을 치소서 그리하시면 정녕 대면하여 주를 욕하리이다'
12Jehovha akati kuna Satani, Ta­rira, zvose zvaanazvo zviri paruoko rwako; asi usatambanudzira ruoko rwako kwaari. Naizvozvo Satani akabva pa­mberi paJehovha.
12여호와께서 사단에게 이르시되 내가 그의 소유물을 다 네 손에 붙이노라 오직 그의 몸에는 네 손을 대지 말지니라 ! 사단이 곧 여호와 앞에서 물러가니라
13Zvino rimwe zuva vanakomana vake navanasikana vake vakati vachidya nokumwa waini paimba yomukuru wavo,
13하루는 욥의 자녀들이 그 맏형의 집에서 식물을 먹으며 포도주를 마실 때에
14nhume ikasvika kuna Jobho, ikati, Mombe dzakanga dzichirima, nembo­ngoro dzichichera kurutivi rwadzo,
14사자가 욥에게 와서 고하되 `소는 밭을 갈고 나귀는 그 곁에서 풀을 먹는데
15vaSabea vakadziwira, ndokudzitora, navafudziwo vakavauraya neminondo inopinza; ini ndoga ndakapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.
15스바 사람이 갑자기 이르러 그것들을 빼앗고 칼로 종을 죽였나이다 나만 홀로 피한고로 주인께 고하러 왔나이다'
16Iye akati achitaura, mumwe aka­svikawo, akati, Moto waMwari waka­bva kudenga, ukapisa makwai navafudzi, ukavapedza; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.
16그가 아직 말할 때에 또 한 사람이 와서 고하되 `하나님의 불이 하늘에서 내려와서 양과 종을 살라버렸나이다 나만 홀로 피한고로 주인께 고하러 왔나이다'
17Iye akati achitaura, mumwe aka­svikawo, akati, VaKaradhea vakaita ma­poka matatu, vakawira makamera, vakamatora, navafudziwo vakavauraya neminondo inopinza; ini ndoga ndapuku­nyuka, ndauya kuzokuudzai.
17그가 아직 말할 때에 또 한 사람이 와서 고하되 `갈대아 사람이 세 떼를 지어 갑자기 약대에게 달려들어 그것을 빼앗으며 칼로 종을 죽였나이다 나만 홀로 피한고로 주인께 고하러 왔나이다'
18Iye akati achitaura, mumwe aka­svikawo, akati, Vanakomana venyu navanasikana venyu vakanga vachidya nokumwa waini mumba momukuru wavo,
18그가 아직 말할 때에 또 한 사람이 와서 고하되 `주인의 자녀들이 그 맏형의 집에서 식물을 먹으며 포도주를 마시더니
19dutu guru ndokubva kurutivi rwerenje, ndokurova pamusoro pavana, vakafa; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.
19거친 들에서 대풍이 와서 집 네 모퉁이를 치매 그 소년들 위에 무너지므로 그들이 죽었나이다 나만 홀로 피한고로 주인께 고하러 왔나이다' 한지라
20Ipapo Jobho akasimuka, akabva­rura nguvo yake, akaveura vhudzi rake akazviwisira pasi, akanamata,
20욥이 일어나 겉옷을 찢고 머리털을 밀고 땅에 엎드려 경배하며
21akati, Ndakabuda mumimba mamai vangu ndiri musvi, ndichadzokerapo ndiri musvi; Jehovha wakapa, Jehovha waka­tora, zita raJehovha ngarikudzwe.
21가로되 `내가 모태에서 적신이 나왔사온즉 또한 적신이 그리로 돌아가올지라 주신 자도 여호와시요 취하신 자도 여호와시오니 여호와의 이름이 찬송을 받으실지니이다 !' 하고
22pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza, haana kuti Mwari akaita noupenzi.
22이 모든 일에 욥이 범죄하지 아니하고 하나님을 향하여 어리석게 원망 하지 아니하니라