1Zvino rimwe zuvazve vanakomana vaMwari vakati vachindomira pamberi paJehovha, Satani akasvikawo pakati pavo, akamira pamberi paJehovha.
1또 하루는 하나님의 아들들이 와서 여호와 앞에 서고 사단도 그들 가운데 와서 여호와 앞에 서니
2Jehovha akati kuna Satani, Wabvepiko? Satani akapindura Jehovha, akati, Ndabva pakupota-pota nenyika, napakufamba-famba pairi.
2여호와께서 사단에게 이르시되 네가 어디서 왔느냐 ? 사단이 여호와께 대답하여 가로되 `땅에 두루 돌아 여기 저기 다녀 왔나이다'
3Jehovha akati kuna Satani, Wacherekedza muranda wangu Jobho here? nekuti hakuna munhu akafanana naye panyika, munhu akakwana, akarurama, anotya Mwari, achinzvenga zvakaipa; nazvino anorambira pakururama kwake, kunyange iwe wakandikurudzira kuti ndimuparadze asine mhaka.
3여호와께서 사단에게 이르시되 네가 내 종 욥을 유의하여 보았느냐 ? 그와 같이 순전하고 정직하여 하나님을 경외하며 악에서 떠난 자가 세상에 없느니라 네가 나를 격동하여 까닭없이 그를 치게 하였어도 그가 오히려 자기의 순전을 굳게 지켰느니라
4Satani akapindura Jehovha, akati, Ganda rinotsihwa neganda, zvose zvaanazvo munhu angazviisira upenyu hwake.
4사단이 여호와께 대답하여 가로되 `가죽으로 가죽을 바꾸오니 사람이 그 모든 소유물로 자기의 생명을 바꾸올지라
5Asi tambanudzai ruoko rwenyu zvino, murove mafupa ake nenyama yake, ipapo achakushorai pachena.
5이제 주의 손을 펴서 그의 뼈와 살을 치소서 그리하시면 정녕 대면하여 주를 욕하리이다'
6Jehovha akati kuna Satani, Tarira, iye ari paruoko rwako; asi koga urege upenyu hwake.
6여호와께서 사단에게 이르시되 내가 그를 네 손에 붙이노라 오직 그의 생명은 해하지 말지니라 !
7Naizvozvo Satani akabva pamberi paJehovha, akarova Jobho namaronda akaipa, kubva patsoka dzake kusvikira pamusoro wake.
7사단이 이에 여호와 앞에서 물러가서 욥을 쳐서 그 발바닥에서 정수리까지 악창이 나게 한지라
8Jobho akatora chaenga akazvikwenya nacho; akagara pasi pakati pamadota.
8욥이 재 가운데 앉아서 기와 조각을 가져다가 몸을 긁고 있더니
9Ipapo mukadzi wake akati kwaari, Ucharambira nazvino pakururama kwako here? Shora Mwari, ufe hako.
9그 아내가 그에게 이르되 `당신이 그래도 자기의 순전을 굳게 지키느뇨 하나님을 욕하고 죽으라'
10Asi iye akati kwaari, Iwe unotaura sezvinotaura mumwe wavakadzi matununu. Tingagamuchira zvakanakacheteparuoko rwaMwari, tikasagamuchira zvakaipawo here? Pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza nomuromo wake.
10그가 이르되 `그대의 말이 어리석은 여자 중 하나의 말 같도다 우리가 하나님께 복을 받았은즉 재앙도 받지 아니하겠느뇨' 하고 이 모든 일에 욥이 입술로 범죄치 아니하니라
11Zvino shamwari nhatu dzaJobho dzakati dzichinzwa zvakaipa zvose zvakanga zvamuwira, dzikauya mumwe nomumwe achibva kwake, dzaiti Erifazi muTemani, naBhiridhadhi muShuhi, naZofari muNamati; vakatenderana kundomunzwira tsitsi nokumunyaradza.
11때에 욥의 친구 세 사람이 그에게 이 모든 재앙이 임하였다 함을 듣고 각각 자기 처소에서부터 이르렀으니 곧 데만 사람 엘리바스와 수아 사람 빌닷과 나아마 사람 소발이라 그들이 욥을 조문하고 위로하려 하여 상약하고 오더니
12Zvino vakati vachitarira vachiri kure, vakasamuziva, vakachema kwazvo, mumwe nomumwe akabvarura nguvo yake, vakakushira guruva kudenga pamisoro yavo.
12눈을 들어 멀리 보매 그 욥인 줄 알기 어렵게 되었으므로 그들이 일제히 소리질러 울며 각각 자기의 겉옷을 찢고 하늘을 향하여 티끌을 날려 자기 머리에 뿌리고
13Ipapo vakagara pasi naye mazuva manomwe nousiku hunomwe; asi hakuna nomumwe akataura naye kunyange shoko rimwe; nekuti vakaona kuti njodzi yake yakanga iri huru kwazvo.
13칠일 칠야를 그와 함께 땅에 앉았으나 욥의 곤고함이 심함을 보는고로 그에게 한 말도 하는 자가 없었더라