1Ipapo Jobho akapindura, akati,
1욥이 대답하여 가로되
2Kunyange nanhasi ndinonyunyuta ndine shungu; Kurohwa kwangu kwakanyanya kukunda kugomera kwangu.
2내가 오늘도 혹독히 원망하니 받는 재앙이 탄식보다 중함이니라
3Haiwa! Dai ndaiziva kwandingamuwana, Kuti ndisvike ipo pachigaro chake.
3내가 어찌하면 하나님 발견할 곳을 알꼬 그리하면 그 보좌 앞에 나아가서
4Ndairondedzera mhaka yangu pamberi pake, Ndaizadza muromo wangu nenharo.
4그 앞에서 호소하며 변백할 말을 입에 채우고
5Ndaiziva mashoko aanopindura nawo, Ndainzwisisa zvaanondiudza.
5내게 대답하시는 말씀을 내가 알고 내게 이르시는 것을 내가 깨달으리라
6Angaita nharo neni nesimba rake guru here? Kwete; asi angandirangarira.
6그가 큰 권능을 가지시고 나로 더불어 다투실까 아니라 도리어 내 말을 들으시리라
7Apo akarurama angataurirana naye; Kuti ndisunungurwe nokusingaperi pamutongi wangu.
7거기서는 정직자가 그와 변론할 수 있은즉 내가 심판자에게서 영영히 벗어나리라
8Tarira, ndinopfuura mberi, asi haapo; Uuye shure, asi handimuoni;
8그런데 내가 앞으로 가도 그가 아니 계시고 뒤로 가도 보이지 아니하며
9Nokuruoko rworuboshwe, kana achibata, asi handigoni kumuona; Anozvivanza paruoko rworudyi, kuti ndirege kumuona.
9그가 왼편에서 일하시나 내가 만날 수 없고 그가 오른편으로 돌이키시나 뵈올 수 없구나
10nekuti iye anoziva nzira yandinofamba nayo; Kana akandiidza, ndichabuda ndakaita sendarama.
10나의 가는 길을 오직 그가 아시나니 그가 나를 단련하신 후에는 내가 정금 같이 나오리라
11Rutsoka rwangu rwakaramba ruchitsika paakatsika iye; Ndakarambira panzira yake, handina kutsauka.
11내 발이 그의 걸음을 바로 따랐으며 내가 그의 길을 지켜 치우치지 아니하였고
12Handina kubva pamurairo wemiromo yake; Ndakachengeta sefuma mashoko omuromo wake kupfuura mugove wangu.
12내가 그의 입술의 명령을 어기지 아니하고 일정한 음식보다 그 입의 말씀을 귀히 여겼구나
13Asi iye anorangarira chinhu chimwe, ndianiko angamudzora? Zvinoda moyo wake, ndizvo zvaanoita.
13그는 뜻이 일정하시니 누가 능히 돌이킬까 그 마음에 하고자 하시는 것이면 그것을 행하시나니
14Nekuti anoita zvandakatemerwa; Nezvinhu zvizhinji zvakadai zviri kwaari.
14그런즉 내게 작정하신 것을 이루실 것이라 이런 일이 그에게 많이 있느니라
15Saka ndinotambudzika pamberi pake; Kana ndichimufunga ndinomutya.
15그러므로 내가 그의 앞에서 떨며 이를 생각하고 그를 두려워하는구나
16Nekuti Mwari akatorera moyo wangu simba, waMasimbaose akandivhundusa.
16하나님이 나로 낙심케 하시며 전능자가 나로 두렵게 하시나니
17Nekuti handina kuparadzwa nekuda kwerima, Kana nokuda kwerima guru rakafukidza chiso changu.
17이는 어두움으로 나를 끊지 아니하셨고 흑암으로 내 얼굴을 가리우지 아니하셨음이니라