Shona

Korean

Job

9

1Ipapo Jobho akapindura, akati,
1욥이 대답하여 가로되
2Zvirokwazvo ndinoziva kuti ndizvo. Nekuti munhu angava akarurama pamberi paMwari seiko?
2내가 진실로 그 일이 그런 줄을 알거니와 인생이 어찌 하나님 앞에 의로우랴
3Kana iye akada kuita nharo naye, Haangagoni kumupindura shoko rimwe pamashoko ane zviuru.
3사람이 하나님과 쟁변하려 할지라도 천 마디에 한 마디도 대답하지 못하리라
4Iye anomoyo wakangwara, une simba guru; Ndianiko akamuomesera moyo wake, akazofara?
4하나님은 마음이 지혜로우시고 힘이 강하시니 스스로 강퍅히 하여 그를 거역하고 형통한 자가 누구이랴
5Iye anobvisa makomo, iwo asingazvizivi, Kana achiashandura pakutsamwa kwake.
5그가 진노하심으로 산을 무너뜨리시며 옮기실지라도 산이 깨닫지 못하며
6Iye anozunungusa nyika ikabva panzvimbo yayo, Mbiru dzayo dzinodengenyeka.
6그가 땅을 움직여 그 자리에서 미신즉 그 기둥이 흔들리며
7Iye anoraira zuva, rikarega kubuda; Iye anodzitira nyeredzi.
7그가 해를 명하여 뜨지 못하게 하시며 별들을 봉하시며
8Iye oga anotatamura denga, Anotsika pamusoro pamafungu
8그가 홀로 하늘을 펴시며 바다 물결을 밟으시며
9Iye anoita nyeredzi dzeAkituro, nedzeOrinoni, nedzeChimutanhatu, Namakamuri enyasi.
9북두성과 삼성과 묘성과 남방의 밀실을 만드셨으며
10Iye anoita zvinhu zvikuru zvisinganzverwi, Izvo zvinhu zvinoshamisa, zvisingagoni kuverengwa.
10측량할 수 없는 큰 일을, 셀 수 없는 기이한 일을 행하시느니라
11Tarira, anopfuura pedo neni, ndisingamuoni; Anopfuurawo hake, asi handimuoni.
11그가 내 앞으로 지나시나 내가 보지 못하며 그가 내 앞에서 나아 가시나 내가 깨닫지 못하느니라
12Tarira, anotora hake, ndiani angamudzivisa? Ndiani angati kwaari, Unoiteiko?
12하나님이 빼앗으시면 누가 막을 수 있으며 무엇을 하시나이까 ? 누가 물을 수 있으랴
13Mwari haangadzori kutsamwa kwake; Vabatsiri vaRahabhi vakakotamira pasi pake.
13하나님이 진노를 돌이키지 아니하시나니 라합을 돕는 자들이 그 아래 굴복하겠거든
14Ko zvino ini ndichamupindura seiko, Nditsaure mashoko angu ndiite nharo naye?
14하물며 내가 감히 대답하겠으며 무슨 말을 택하여 더불어 변론하랴
15Kunyange ndaiva akarurama handizaimupindura; Ndaikumbira nyasha kumutongi wangu.
15가령 내가 의로울지라도 감히 대답하지 못하고 나를 심판하실 그에게 간구하였을 뿐이며
16Kana ndichinge ndadana, akandipindura, Kunyange zvakadaro handizaitenda kuti akanzwa inzwi rangu.
16가령 내가 그를 부르므로 그가 내게 대답하셨을지라도 내 음성을 들으셨다고는 내가 믿지 아니하리라
17Nekuti anondiputsa nedutu remhepo, Anowanza mavanga angu ndisine mhosva hangu.
17그가 폭풍으로 나를 꺾으시고 까닭없이 내 상처를 많게 하시며
18Handitenderi kutema mweya wangu, Asi anondizadza nezvinovava.
18나로 숨을 쉬지 못하게 하시며 괴로움으로 내게 채우시는구나
19Kana riri simba guru, tarira, iye anaro! Kana iri mhosva inotongwa, ndiani achanditarira nguva?
19힘으로 말하면 그가 강하시고 심판으로 말하면 누가 그를 호출 하겠느냐 ?
20Kunyange ndaiva akarurama hangu, muromo wangu umene uchandipa mhaka; Kunyange ndaiva akakwana, iye aiti handina kururama.
20가령 내가 의로울지라도 내 입이 나를 정죄하리니 가령 내가 순전할지라도 나의 패괴함을 증거하리라
21Ndakakwana hangu, handizvirangariri; Ndinozvidza upenyu hwangu.
21나는 순전하다마는 내가 나를 돌아보지 아니하고 내 생명을 천히 여기는구나
22Zvose zvakafanana hazvo; saka ndinoti, Iye anoparadza vakarurama navakaipa vose.
22일이 다 일반이라 그러므로 나는 말하기를 하나님이 순전한 자나 악한 자나 멸망시키신다 하나니
23Kana nyatwa ichinge yauraya nokukurumidza, Iye achaseka njodzi yavasina mhosva.
23홀연히 재앙이 내려 도륙될 때에 무죄한 자의 고난을 그가 비웃으시리라
24Nyika yakaiswa mumaoko avakaipa; Iye anofukidza meso avatongi vayo; Kana asiri iye, zvino ndianiko?
24세상이 악인의 손에 붙이웠고 재판관의 얼굴도 가리워졌나니 그렇게 되게 한 이가 그가 아니시면 누구이뇨 ?
25Zvino mazuva angu anokurumidza kupfuura mumhanyi; Anotiza asina kuona zvakanaka.
25나의 날이 체부보다 빠르니 달려가므로 복을 볼 수 없구나
26Apfuura sezvikepe zvinomhanyisa; Segondo rinokurumidzira chiurawa.
26그 지나가는 것이 빠른 배 같고 움킬 것에 날아 내리는 독수리와도 같구나
27Kana ndikati, Ndichakangamwa kunyunyuta kwangu, Ndicharega chiso changu chinopunyaira, ndifare hangu.
27가령 내가 말하기를 내 원통함을 잊고 얼굴 빛을 고쳐 즐거운 모양을 하자 할지라도
28Ndinotya njodzi dzangu dzose, Ndinoziva kuti hamungati handine mhosva.
28오히려 내 모든 고통을 두려워하오니 주께서 나를 무죄히 여기지 않으실 줄을 아나이다
29Ndichapiwa mhosva; Zvino ndinotamburireiko zvisina maturo?
29내가 정죄하심을 입을진대 어찌 헛되이 수고하리이까 ?
30Kana ndikangura nemvura yechando, Ndikachenesa maoko angu kwazvo;
30내가 눈녹은 물로 몸을 씻고 잿물로 손을 깨끗이 할지라도
31Kunyange zvakadaro imwi mungandinyudza mumatope, Nenguvo dzangu dzichandisema.
31주께서 나를 개천에 빠지게 하시리니 내 옷이라도 나를 싫어하리이다
32Nekuti iye haazi munhu akafanana neni, kuti ndimupindure, Kuti tikwirirane pakutonga.
32하나님은 나처럼 사람이 아니신즉 내가 그에게 대답함도 불가하고 대질하여 재판할 수도 없고
33Hakuna mununuri pakati pedu, Ungatibata tose noruoko rwake.
33양척 사이에 손을 얹을 판결자도 없구나
34Ngaabvise shamhu yake kwandiri, hasha dzake dzirege kundityisa;
34주께서 그 막대기를 내게서 떠나게 하시고 그 위엄으로 나를 두렵게 하지 아니하시기를 원하노라
35Ipapo ndaitaura, ndisingamutyi, nekuti handizakadaro hangu.
35그리하시면 내가 두려움 없이 말하리라 나는 본래 그런 자가 아니니라