Shona

Korean

Psalms

25

1Jehovha, ndinosimudzira moyo wangu kwamuri.
1(다윗의 시) 여호와여, 나의 영혼이 주를 우러러 보나이다
2Mwari wangu, ndinovimba nemi, Ngandirege kunyadziswa; Vavengi vangu ngavarege kundikunda.
2나의 하나님이여, 내가 주께 의지하였사오니 나로 부끄럽지 않게하시고 나의 원수로 나를 이기어 개가를 부르지 못하게 하소서
3Zvirokwazvo, hapana munhu anokumirirai anganyadziswa; Vachanyadziswa ndivo vanonyengera pasina chinhu.
3주를 바라는 자는 수치를 당하지 아니하려니와 무고히 속이는 자는 수치를 당하리이다
4Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha; Ndidzidzisei nzira dzenyu.
4여호와여, 주의 도를 내게 보이시고 주의 길을 내게 가르치소서
5Ndiperekedzei muchokwadi yenyu, mundidzidzise; nekuti ndimi Mwari muponesi wangu; Ndinokutarirai zuva rose.
5주의 진리로 나를 지도하시고 교훈하소서 주는 내 구원의 하나님이시니 내가 종일 주를 바라나이다
6Rangarirai, Jehovha, nyasha yenyu huru nounyoro bwenyu, nekuti zvaivapo kare nakare.
6여호와여, 주의 긍휼하심과 인자하심이 영원부터 있었사오니 주여, 이것을 기억하옵소서
7Regai kurangarira zvivi zvohuduku hwangu, nokudarika kwangu; Mundirangarire nounyoro bwenyu, Nokuda kokunaka kwenyu,
7여호와여, 내 소시의 죄와 허물을 기억지 마시고 주의 인자하심을 따라 나를 기억하시되 주의 선하심을 인하여 하옵소서
8Jehovha. akanaka, akarurama; Saka acharaira vatadzi panzira.
8여호와는 선하시고 정직하시니 그러므로 그 도로 죄인을 교훈하시리로다
9Achaperekedza vanyoro munezvakarurama; Achadzidzisa vanyoro nzira yake.
9온유한 자를 공의로 지도하심이여 온유한 자에게 그 도를 가르치시리로다
10Nzira dzose dzaJehovha ndedzounyoro nechokwadi Kunavanochengeta sungano yake nezvipupuriro zvake.
10여호와의 모든 길은 그 언약과 증거를 지키는 자에게 인자와 진리로다
11Nokuda kwezita renyu, Jehovha, Kangamwirai zvakaipa zvangu, nekuti zvikuru.
11여호와여, 나의 죄악이 중대하오니 주의 이름을 인하여 사하소서
12Munhu ndoupiko anotya Jehovha? Ndiye waachadzidzisa nzira yaanofanira kusanangura.
12여호와를 경외하는 자 누구뇨 ? 그 택할 길을 저에게 가르치시리로다
13Mweya wake uchagara zvakanaka; Uye vana vake vachagara nhaka yenyika.
13저의 영혼은 평안히 거하고 그 자손은 땅을 상속하리로다
14Zvakavanzwa zvaJehovha ndezvavanomutya; Achavaratidza sungano yake.
14여호와의 친밀함이 경외하는 자에게 있음이여 그 언약을 저희에게 보이시리로다
15Meso angu anoramba achitarira kuna Jehovha, nekuti anobvisa tsoka dzangu pamumbure.
15내 눈이 항상 여호와를 앙망함은 내 발을 그물에서 벗어나게 하실 것임이로다
16Ringirai kwandiri, mundinzwire nyasha, nekuti ndiri ndoga, ndinotambudzika.
16주여, 나는 외롭고 괴롭사오니 내게 돌이키사 나를 긍휼히 여기소서
17matambudziko omoyo wangu awanda kwazvo; Haiwa, ndibudisei panjodzi dzangu.
17내 마음의 근심이 많사오니 나를 곤난에서 끌어 내소서
18Tarirai kutambudzika kwangu nokurwadziwa kwangu; Mundikangamwire zvivi zvangu zvose.
18나의 곤고와 환난을 보시고 내 모든 죄를 사하소서
19Tarirai vavengi vangu, nekuti vazhinji; Vanondivenga nehasha dzembengo.
19내 원수를 보소서 저희가 많고 나를 심히 미워함이니이다
20Chengetai mweya wangu mundirwire; Ndirege kunyadziswa, nekuti ndinovimba nemi.
20내 영혼을 지켜 나를 구원하소서 내가 주께 피하오니 수치를 당치 말게 하소서
21Kusanyengera nokururama ngazvindichengete, nekuti ndinokumirirai.
21내가 주를 바라오니 성실과 정직으로 나를 보호하소서
22dzikunurai Isiraeri, imwi Mwari, Panjodzi dzake dzose.
22하나님이여, 이스라엘을 그 모든 환난에서 구속하소서