Shona

Norwegian

Genesis

13

1Zvino Abhuramu wakakwira kubva Egipita, iye nemukadzi wake nezvose zvaakange anazvo, naRo­ti anaye, vakaenda kuchamhembe.
1Så drog Abram fra Egypten op til sydlandet med sin hustru og alt det han eide, og Lot var med ham.
2Zvino Abhuramu wakange akafuma kwazvo pazvipfuwo, pasirivha, nepandarama.
2Og Abram var meget rik på buskap og på sølv og gull.
3Zvino wakafamba nzendo dzake kubva kuchamhembe kusvi­kira paBheteri, panzvimbo paiva netende rake pakutanga, pakati peBheteri neAi;
3Og han drog i dagsreiser fra sydlandet, til han kom til Betel, til det sted hvor hans telt før hadde vært, mellem Betel og Ai,
4kunzvimbo yearitari yaakange aitapo pakutanga; Abhuramu ndokudana zita raJehovha ipapo.
4der hvor det alter var som han hadde bygget første gang han var der; og der påkalte Abram Herrens navn.
5NaRotiwo, waifamba naAbhuramu, wakange ane makwai, nenzombe, nematende.
5Men også Lot, som drog med Abram, hadde småfe og storfe og telt.
6Nyika ikakonewa kuvatakura kuti vagare pamwe; nekuti fuma yavo yakange iri zhinji; zvekuti vakange vasingagoni kugara pamwe.
6Og landet kunde ikke rumme dem, så de kunde bo sammen; for deres eiendom var for stor til at de kunde bo sammen.
7Zvino pakava nemakakatamwa pakati pevafudzi vezvipfuwo zvaAbhuramu nevafudzi vezvipfuwo zvaRoti. Zvino nenguva iyo vaKanani nevaPerezi vaigara panyika iyo.
7Så blev det trette mellem Abrams hyrder og Lots hyrder; og kana'anittene og ferisittene bodde dengang i landet.
8Abhuramu ndokuti kuna Roti: Makakatamwa ngaarege kuvapo, ndinokukumbira, pakati pangu newe, nepakati pevafudzi vangu nevafudzi vako, nekuti tiri hama.
8Da sa Abram til Lot: Kjære, la det ikke være trette mellem mig og dig og mellem mine hyrder og dine hyrder! Vi er jo brødre.
9Nyika yose haizi pamberi pako here? Paradzana hako neni; kana ukaenda kuruboshwe, ndichaenda kurudyi; kana ukaenda kurudyi ini ndichae­nda kuruboshwe.
9Ligger ikke hele landet åpent for dig? Skill dig heller fra mig! Drar du til venstre, vil jeg dra til høire, og drar du til høire, vil jeg dra til venstre.
10Roti ndokusimudza meso ake, akaona rose bani reJoridhani kuti rakadiridzwa zvakanaka rose, Jehovha asati aparadza Sodhoma neGomora; rakaita semunda waJehovha, senyika yeEgipita, kana achiinda Zoari.
10Da så Lot ut over landet, og han så at hele Jordan-sletten like til Soar overalt var rik på vann, som Herrens have, som Egyptens land - det var før Herren hadde ødelagt Sodoma og Gomorra.
11Roti akazvisarudzira bani rose reJoridhani; Roti ndokuenda kumabvazuva; ndokuzvipa­radzanisa umwe kubva kune umwe.
11Og Lot valgte for sig hele Jordan-sletten. Så drog Lot østover, og de skiltes fra hverandre.
12Abhuramu wakagara munyika yeKanani, Roti ndokugara pamaguta emapani, akadzika tende pedo neSodhoma.
12Abram blev boende i Kana'ans land, og Lot bodde i byene på sletten og drog med sine telt like bort til Sodoma.
13Asi vanhu veSodhoma vaiva vakaipa, uye vatadzi pamberi paJehovha zvikuru.
13Men mennene i Sodoma var onde og syndet storlig mot Herren.
14Jehovha ndokuti kuna Abhuramu Roti aparadzana naye: Simudza hako meso ako ipapo paugere, utarire kumaodzanyemba nekuchamhembe, nekumabvazuva, nekuma­virira;
14Og Herren sa til Abram efterat Lot hadde skilt sig fra ham: Løft dine øine og se fra det sted hvor du står, mot nord og mot syd og mot øst og mot vest!
15nekuti nyika yose yaunoona ndichaipa kwauri nekumbeu yako kusvikira rinhi narinhi.
15For hele det land du ser, vil jeg gi dig og din ætt til evig tid.
16Uye ndichaita mbeu yako seguruva renyika, kuti kana kune munhu anogona kuverenga guruva renyika, nembeu yako ingaverengwawo.
16Og jeg vil la din ætt bli som støvet på jorden; kan nogen telle støvet på jorden, så skal også din ætt kunne telles.
17Simuka, famba uchigura nyika paurefu hwayo, nepaupamhi hwayo, nekuti ndichaipa kwauri.
17Stå op, og dra gjennem landet så langt og så bredt som det er! For dig vil jeg gi det.
18Abhuramu ndokubvisa tende, akasvika ndoku­gara pamiti yemiouki* yeMamure, iri muHebhuroni, akavakirapo Jehovha aritari.
18Og Abram flyttet sine telt og kom til Mamres terebinte-lund i Hebron; der bosatte han sig, og han bygget der et alter for Herren.