Shona

Norwegian

Proverbs

14

1Mukadzi mumwe nemumwe akachenjera anovaka imba yake; Asi benzi rinoiputsa namaoko aro.
2Anofamba nokururama kwake, anotya Jehovha; Asi wakatsauka panzira dzake, anomudzidza.
3Mumuromo webenzi mune shamhu yamanyawi; Asi miromo yavakachenjera inovachengeta.
4Kana pasina nzombe, chidyiro hachine chiro; Asi zvibereko zvizhinji zvinouya nesimba renzombe.
5Chapupu, chakatendeka, hachirevi nhema; Asi chapupu chenhema chinobudisa mashoko enhema.
6Mudadi anotsvaka uchenjeri, asi hahupo; Asi zivo haitani kuwanikwa navane njere.
7Ibva pamberi pebenzi, nekuti haungawani miromo yezivo kwaari.
8Uchenjeri hwomunhu akangwara ndiko kunzwisisa nzira yake; Asi hupenzi hwamapenzi hunonyengedzera.
9Chibayiro chezvivi chamapenzi chinodadira; Asi pakati pavakarurama panokufarirana.
10moyo mumwe nomumwe unoziva kutambudzika kwawo; Mweni haangagoverani nomufaro wawo.
11Imba yowakaipa ichaparadzwa; Asi tende rowakarurama richafara zvakanaka.
12Munhu anoona nzira achiti yakarurama; Asi kuguma kwayo inzira dzorufu.
13Kunyange munhu angaseka hake, moyo ungava neshungu; Kuguma komufaro ndiko kuchema.
14Ano moyo, anodzokera shure, achagutiswa nenzira dzake; Asi munhu akanaka achagutiswa nezvinobva maari.
15Asina mano anotenda mashoko ose; Asi akangwara anongwarira mafambiro ake.
16Akachenjera anotya zvakashata, achizvinzvenga; Asi benzi rinamanyawi, richizvitenda.
17Anokurumidza kutsamwa, achaita noupenzi; Uye munhu, anofunga mano akaipa, achavengwa.
18Vasina mano vanogara nhaka yohupenzi; Asi vakangwara vachadzikwa korona yezivo.
19Vakashata vanogwadama pamberi pavakanaka; Navakaipa pamasuwo avakarurama.
20Murombo anovengwa kunyange nowokwake; Asi shamwari dzavafumi izhinji.
21Anoshora wokwake, anotadza; Asi ane tsitsi navarombo, ane mufaro.
22Ko vanofunga zvakaipa havarashiki here? Asi nyasha nezvokwadi ndezvavanofunga zvakanaka
23Kubata kose kune batsiro; Asi kungotaura nemiromo kunobereka kushaiwa.
24Korona yavakachenjera ifuma yavo; Asi upenzi hwamapenzi upenzi zvahwo
25Chapupu chakatendeka chinoponesa mweya yavanhu; Asi anoreva nhema anonyengedzera.
26Pakutya Jehovha pane simbiso kwazvo Vana vowakadai vachava noutiziro.
27Kutya Jehovha itsime roupenyu; Kuti munhu apukunyuke pamisungo yorufu.
28Ukuru hwamambo hunoonekwa pakuwanda kwavanhu; Asi kuparadzwa kwashe kuri pakushaiwa vanhu.
29Ano moyo murefu ane njere kwazvo; Asi anokurumidza kutsamwa anowedzera upenzi.
30moyo wakagadzikana ndihwo upenyu hwomuviri; Asi godo rinoodza mafupa.
31Anomanikidza murombo, anozvidza Muiti wake; Asi ane tsitsi nomushaiwi, anomukudza.
32Akaipa anowiswa pasi mukutadza kwake; Asi akarurama ane tariro pakufa kwake.
33Uchenjeri hunogara pamoyo weane njere; Asi zviri mukati mamapenzi zvinozikamwa.
34Kururama kunokurisa rudzi; Asi zvivi zvinonyadzisa kurudzi rupi norupi.
35Mambo anofarira muranda, anoita nokuchenjera; Asi anonyadzisa achatsamwirwa naye.