1Mwanakomana akachenjera anoteerera kuraira kwababa vake; Asi mudadiri haanzwi kana achitukwa.
2Munhu achadya zvakanaka zvinobva pazvibereko zvomuromo wake; Asi vanoita nokunyengedzera vanofarira kumanikidza.
3Anorindira muromo wake, anochengeta hupenyu hwake; Asi anoshamisa miromo yake, achaparadzwa.
4Mweya wesimbe unopanga, asi unoshaiwa; Asi mweya yavasina usimbe ichakodzwa.
5Akarurama anovenga nhema; Asi akaipa, anonyangadza, achanyadziswa.
6Kururama kunochengeta akarurama pakufamba kwake; Asi kuipa kunowisira mutadzi pasi.
7Mumwe ariko anozviti ndiri mufumi, kunyange asina chinhu; Mumwe ariko unozviti ndiri murombo, asi ane fuma zhinji.
8Rudzikunuro rwoupenyu hwomunhu ifuma yake; Asi murombo haanzwi kutyityidzira.
9Chiedza chavakarurama chinopenya kwazvo; asi mwenje wavakaipa uchadzimwa.
10Kuzvikudza kunongouyisa kukakavara; Asi uchenjeri huri kuna vanotenda kurairirwa.
11fuma, yakawanikwa nokukurumidza, ichatapudzwa; Asi anounganidza noruoko, zvichawedzerwa kwaari.
12Tariro kana ichinonoka, inoodza moyo; Asi kana chapangwa chosvika, ndiwo muti woupenyu.
13Anozvidza Shoko, asungwa naro; Asi anotya murayiro, achapiwa mubayiro.
14Kudzidzisa kowakachenjera itsime roupenyu; Kuti munhu apukunyuke pamisungo yorufu.
15Njere dzakanaka dzinouyisa kufarirwa navanhu; Asi nzira yavatadzi ihukutu.
16Mumwe nomumwe, akangwara, anoita nokuziva, Asi benzi rinokusha upenzi hwarwo.
17Nhume yakaipa inowira munjodzi; Asi munyai anotendwa anoporesa.
18Urombo nokunyadziswa ndiwo mubayiro woanoramba kurairirwa; Asi anoteerera kurairwa achakudzwa.
19Kana zvinodikamwa zvaitwa, zvinozipa pamweya; Asi mapenzi anonyangadzwa kana achisiyana nezvakashata.
20Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; Asi shamwari yamapenzi uchashatiswa.
21Zvakaipa zvichatevera vatadzi; Asi vakarurama vacharipirwa nezvakanaka.
22Munhu, akanaka, achasiira vana vavana vake nhaka; Asi fuma yomutadzi inochengeterwa akarurama.
23Munda womurombo ane zvokudya zvizhinji; Asi mumwe ariko anoparadzwa nokuda kokusarurama.
24Anorega shamhu anovenga mwanakomana wake; Asi anomuda, anomuranga zvakanaka.
25Akarurama anodya kusvikira agutisa mweya wake; Asi dumbu rowakaipa richashaiwa.