1Anoda kurairirwa, anoda zivo; Asi anovenga kurairwa ibenzi.
2Munhu akanaka achawana nyasha kuna Jehovha, Asi achapa mhosva munhu ana mano akaipa.
3Munhu haangasimbiswi nezvakaipa; Asi mudzi wowakarurama haungazununguswi.
4Mukadzi anoshingairira zvakanaka, ikorona yomurume wake; Asi anonyadzisa, wakaita sezvakaora pamafupa ake.
5Mifungo yowakarurama yakarurama; Asi mano avakaipa anonyengedzera.
6Mashoko avakaipa ndookuvandira ropa; Asi muromo wavakarurama uchavarwira.
7Vanhu vakaipa vanotsindikirwa, havachipo; Asi imba yavakarurama icharamba imire.
8Munhu acharumbidzwa zvakaenzana nouchenjeri hwake; Asi ane moyo akatsauka, achazvidzwa.
9Munhu anoninipiswa, ane muranda hake, Anopfuura anozvikudza, asina zvokudya.
10Akarurama ane hanya noupenyu bwechipfuwo chake; Asi tsitsi dzowakaipa ihasha.
11Anorima munda wake, achava nezvokudya zvizhinji; Asi anotevera zvisina maturo, anoshaiwa njere.
12Akaipa anopanga zvaangapamba kuna vakashata; Asi mudzi wavakaipa unotunga.
13Pakudarika kwemiromo panomusungo wavakaipa; Asi akarurama achabuda panhamo
14Munhu achagutiswa nezvakanaka zvinobva pazvibereko zvomuromo wake; Uye munhu achadzoserwa zvaakaita namaoko ake.
15Nzira yebenzi yakanaka pakuona kwake; Asi akachenjera anoteerera kana achirairwa.
16Kutsamwa kwebenzi kunozikamwa pakarepo; Asi akachenjera anovanza kunyadziswa kwake
17munhu anoreva zvokwadi anoparidza zvakarurama; Asi chapupu chenhema chinoparidza kunyengedzera.
18Mumwe ariko anotaura nokusarangarira zvinobaya somunondo; Asi rurimi rwowakachenjera runoporesa.
19Muromo wezvokwadi uchasimbiswa nokusingaperi; Asi rurimi rune nhema runongogara chinguva chiduku.
20Kunyengedzera kuri mumoyo yavanofunga mano akaipa, Asi vanorairira zvorugare vanomufaro.
21Akarurama haangatongowirwi nechakaipa; Asi vakaipa vachazadzwa nezvakashata.
22Miromo, ine nhema, inonyangadza Jehovha; Asi vanoita nokutendeka vanomufadza.
23Munhu akachenjera anovanza zivo; Asi moyo yamapenzi inoparidza upenzi.
24Ruoko rwavasine usimbe ruchabata ushe; Asi vane usimbe vachabatiswa chibharo.
25Kutambudzika pamoyo womunhu kunouremedza; Asi shoko nyoro rinoufadza.
26Akarurama anoperekedza wokwake zvakanaka; Asi nzira yowakaipa inovarashisa.
27Simbe haibati mhuka yayamutsa, Asi kusava neusimbe ifuma yomunhu.
28Panzira yakarurama ndipo panoupenyu; Kwainoenda hakuna rufu.