Shona

Norwegian

Proverbs

11

1Chiyero chinonyengedzera chi nonyangadza kuna Jehovha; Asi kurema kwakakwana kunomufadza.
2Kana kuzvikudza kuchisvika, kunyadziswa kwasvikawo; Asi uchenjeri huri kuna vanozvininipisa.
3Kusanyengedzera kwavakarurama kuchavatungamirira; Asi kusarurama kwavanonyengedzera kuchavaparadza.
4fuma haibatsiri chinhu nezuva rokutsamwa; Asi kururama kunorwira parufu.
5Kururama kowakakwana kucharuramisa nzira yake; Asi wakaipa uchawiswa nezvakaipa zvake.
6Kururama kwavakarurama kuchavarwira; Asi vanonyengedzera vachabatwa nezvakashata zvavo.
7Kana munhu wakaipa achifa, zvaanotarira zvichaparadzwa; Tariro yavakasimba inoparadzwa.
8Wakarurama anorwirwa pakutambudzika; Wakaipa anopinda pachigaro chake.
9Wakashata anoparadza wokwake nomuromo wake;
10Kana vakarurama vachipfuurira mberi zvakanaka, guta rinofara kwazvo; Kana vakaipa vachiparadzwa, kunopururudzwa.
11Nokuropafadzwa kwavakarurama guta rinokudzwa; Asi rinoputswa nemiromo yavakaipa.
12Anoninipisa wokwake anoshaiwa uchenjeri; Asi munhu ane njere anoramba anyerere.
13Anofamba ana makuhwa, anobudisa zvakavanda; Asi ano moyo wakatendeka, anofukidza mhaka.
14Kana vanhu vasingatungamirirwi nouchenjeri, vanoderera; Asi pavarairiri vazhinji ndipo panoruponeso.
15Wakazviita rubatso pamusoro pomutorwa, achaona nhamo nokuda kwazvo; Asi anovenga kuzviita rubatso, ndiye wakasimba.
16Mukadzi muuya anokudzwa; Vakasimba vanochengeta fuma dzavo.
17Munhu ane tsitsi, anoitira mweya wake zvakanaka; Asi asina tsitsi anotambudza nyama yake.
18Wakaipa anopiwa mubayiro wokunyengedzera; Asi anokusha kururama achawana mubayiro wazvokwadi.
19Kururama kwazvokwadi kunoisa kuupenyu; Asi anotevera zvakaipa, anovinga rufu rwake.
20Vane moyo yakatsauka vanonyangadza Jehovha; Asi vanofamba nenzira yakarurama vanomufadza.
21Zvirokwazvo, wakaipa haangakoni kurangwa; Asi vana vavakarurama vacharwirwa.
22Sezvakaita chindori chendarama mumhino dzenguruve, Ndizvo zvakaita mukadzi wakanaka kumeso asina kungwara.
23Zvinodikamwa navakarurama zvakanaka chete; Asi vakaipa vanomirirwa nokutsamwa.
24Mumwe ariko anoparadzira, achiwedzerwa; Uye ariko anonyima zvaakafanira kupa, asi zvinongomushaisa.
25Chipavhurire achakodzwa; Uye anodiridza achadiridzwawo.
26Unonyima zviyo, vanhu vachamutuka; Asi mikomborero ichava pamusoro woanozvitengesa.
27Anoshingairira zvinhu zvakanaka, anotsvaka zvinofadza; Asi anotsvaka zvakashata, achasvikirwawo nazvo.
28Anovimba nefuma yake, achawa; Asi vakarurama vachanaka seshizha nyoro.
29Anotambudza imba yake, achagara nhaka yemhepo; Benzi richava muranda woanomoyo wakachenjera.
30Zvibereko zvowakarurama muti womupenyu; Unobata mweya yavanhu ndiye wakachenjera.
31Tarirai, wakarurama achapiwa mubayiro panyika; Ndoda wakaipa nomutadzi!