Shona

Norwegian

Proverbs

10

1Zvirevo zvaSoromoni. Mwanakomana, akachenjera, anofadza baba; Asi mwanakomana benzi anoshuwisa mai vake.
2fuma yakawanikwa nezvakaipa haibatsiri chinhu; Asi kururama kunorwira parufu.
3Jehovha haangatenderi mweya wowakarurama kuti unzwe nzara; Asi kupanga kwavakaipa unokusundira kure.
4Anobata noruoko rusine hanya, achava murombo; Asi ruoko rweasina usimbe runofumisa.
5Anounganidza muzhezha, ndiye mwanakomana wakachenjera; Asi anovata hope mukukohwa, mwanakomana anonyadzisa.
6Mikomborero iri pamusoro wowakarurama; Asi muromo wowakaipa unovanza kumanikidza.
7Kuyeukwa kowakarurama kunovigira kuropafadzwa, Asi zita rowakaipa richaora.
8Ane moyo wakachenjera, achagamuchira mirairo; Asi ane miromo youpenzi achawisirwa pasi.
9Anofamba zvakarurama, anofamba zvakasimba; Asi anominamisa nzira dzake, achazikamwa.
10Anochonya neziso rake, anouyisa madambudzo; Asi ane miromo youpenzi, achawisirwa pasi.
11Muromo wowakarurama itsime roupenyu; Asi muromo wowakaipa unovanza kumanikidza.
12Mbengo dzinomutsa kukakavara; Asi rudo runofukidza kudarika kose.
13Pamiromo yeane njere panowanikwa uchenjeri; Asi shamhu yakafanira musana woanoshaiwa njere.
14Vakachenjera vanozvichengetera zivo; Asi muromo webenzi uri pedo nokuparadzwa.
15fuma yomufumi ndiro guta rake rakasimba; Zvinoparadza varombo ndihwo urombo hwavo.
16Zvaakabatira zvinoisa wakarurama kuupenyu; Zvakawanikwa nowakaipa zvinoisa kuzvivi.
17Anoteerera kurairirwa, ari panzira youpenyu; Asi anoramba kurairwa, anotsausa vamwe.
18Anovanza kuvenga, ane miromo yenhema; Ana makuhwa, ibenzi.
19Kudarika hakungakoni pamunhu anamashoko mazhinji; Asi anodzora miromo yake, ano huchenjeri.
20Rurimi rwowakarurama rwakafanana nesirivha yakasarurwa; moyo wowakaipa haubatsiri chinhu.
21Miromo yowakarurama inosimbisa vazhinji; Asi mapenzi anofa nokushaiwa zivo.
22Kuropafadza kwaJehovha ndiko kunofumisa; Kutambura pabasa hakuwedzeri chinhu.
23Benzi rinoti kuita zvakaipa kutamba; Ndizvo zvinoitawo uchenjeri kuno ane njere.
24Zvinotyiwa nowakaipa, ndizvo zvichamuwira; Asi wakarurama achapiwa zvaanoda.
25Kana chamupupuri chapfuura, wakaipa haachipo; Asi wakarurama ane nheyo dzisingaperi.
26Sezvinoita vhininga pameno, noutsi pameso, Ndizvo zvakaita simbe kuna vanomutuma.
27Kutya Jehovha kunowedzera mazuva; Asi makore owakaipa achatapudzwa.
28Tariro yavakarurama mufaro; Asi kutarira kwavakaipa kuchaparadzwa.
29Nzira yaJehovha inhare kunowakarurama; Asi ndiko kuparadzwa kuna vanoita zvakaipa.
30Wakarurama haangatongozununguswi nokusingaperi; Asi vakaipa havangarambi vagere panyika.
31Muromo wowakarurama unobudisa uchenjeri; Asi rurimi rune nhema ruchabviswa.
32Miromo yowakarurama inoziva zvinofadza; Asi muromo wowakaipa unotaura zvine nhema.