Shona

Norwegian

Proverbs

9

1Uchenjeri hwakavaka imba yahwo; Hwakaveza mbiru dzahwo nomwe;
2Hwakabaya zvipfuwo zvahwo; Hwakavhenganisa waini yahwo; Hwakagadzirawo tafura yahwo.
3Hwakatuma varandakadzi vahwo; hunodanidzira pamitunhu yeguta, huchiti,
4Asina mano ngaatsaukire muno; Asina njere, hunoti kwaari,
5Uyai mudye chingwa changu, Mumwe waini yandakavhenganisa.
6Regai kusasvinuka murarame; Mufambe nenzira yenjere.
7Munhu, anoraira mudadiri anozvitsvakira kunyadziswa; Anotuka munhu wakaipa achasvibiswa.
8Usaraira mudadiri, kuti arege kukuvenga; Raira munhu wakachenjera, iye achakuda.
9Ipa wakachenjera dzidzo, ipapo iye achawedzerwa huchenjeri; Dzidzisa wakarurama, ipapo iye achawedzerwa zivo.
10Kuvamba kouchenjeri ndiko kutya Iehovha., Kuziva Mutsvene ndidzo njere.
11nekuti neni mazuva ako achaitwa mazhinji, Makore oupenyu hwako achawedzerwa.
12Kana wakachenjera, iwe, wakazvichenjerera hako; Kana uri mudadiri, iwe woga uchava nemhosva yazvo.
13Mukadzi benzi anopupira; Haana mano, haazivi chinhu.
14Anogara pamukova weimba yake, Pachigaro pamitunhu yeguta.
15Kuti adanidzire kuna vanopfuura napo, Ivo vanorurama nenzira dzavo, achiti,
16Ani naani asina mano, ngaatsaukire muno; Asine njere, mukadzi anoti kwaari,
17Mvura yabiwa inozipa, Chingwa chinodyiwa pakavanda chinonaka.
18Asi haazivi kuti vanopindamo vanofa; Kuti vakakokerwa naye vari mukati-kati meSheori.