Shona

Norwegian

Proverbs

3

1Mwanakomana wangu, usakangamwa kudzidzisa kwangu; Asi moyo wako ngauchengete mirairo yangu;
2nekuti zvichakuwedzera mazuva mazhinji, Namakore ohupenyu, norugare.
3Rudo nezvokwadi ngazvirege kukusiya; Uzvisungire pamutsipa wako; Uzvinyore pabwendefa romoyo wako;
4Nokudaro uchawana nyasha nenjere dzakanaka Pamberi paMwari navanhu.
5Vimba naJehovha nomoyo wako wose, Urege kusendama panjere dzako.
6Umutende panzira dzako dzose, Agoruramisa makwara ako ose.
7Usazviti ndakachenjera; Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa;
8Zvichava mushonga womuviri wako, Nezvimwiwa zvamafupa ako.
9Kudza Jehovha nezvaunazvo, Uye nezvitsva zvazvose zvawakawana;
10Ipapo matura ako achazadzwa nezvakawanda, Makate ako achapfachuka newaini itsva.
11Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha; Usaneta nokuraira kwake.
12nekuti Jehovha anoraira mudikamwa wake; Sezvinoita baba mwanakomana wavo wavanofarira.
13Munhu, awana uchenjeri, anomufaro, Naiye munhu, anowana njere.
14nekuti kuhuwana ihwo kunopfuura kuwana sirivha; Nokufuma nahwo kunopfuura kufuma nendarama.
15Hunokosha kupfuura korari; Hakune fuma yako ingaenzaniswa nahwo.
16Mazuva mazhinji ohupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; Muruoko rwahwo rworuboshwe mune fuma nokukudzwa.
17Nzira dzahwo inzira dzezvinofadza; Makwara ahwo ose ndoorugare.
18Ndiwo muti woupenyu kuna vanohunamatira; Mumwe nomumwe anohubata anomufaro.
19Jehovha akateya pasi nouchenjeri; Wakasimbisa kudenga-denga nenjere.
20Mvura iri makadzika yakadzutuka nezivo yake; Denga rose rakadonha dova.
21Mwanakomana wangu, ngazvirege kubva pameso ako; Chengeta uchenjeri chaihwo nekungwara.
22Ipapo zvichava upenyu hwomweya Noukomba pamutsipa wako.
23Ipapo uchafamba nenzira yako wakasimba; Rutsoka rwako harungagumburwi.
24Kana uchivata pasi haungatyi; Uye kana wavata pasi hope dzako dzichava dzakanaka.
25Usatya hako chivhunduso chinokuwira kamwe-kamwe, Kunyange kuparadzwa kwavakaipa, kana kuchisvika;
26nekuti Jehovha achava chivimbo chako; Achachengeta rutsoka rwako, kuti rurege kubatwa.
27Munhu, akafanirwa, usaramba kumuitira zvakanaka Kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita.
28Usati kunowokwako, Enda, ugodzokazve, Mangwana ndichakupa; Kana uchinge unazvopo.
29Usafunga kuitira wokwako zvakaipa, Zvaanogara hake newe achikutenda.
30Usarwa nomunhu pasina mhosva, Kana asina kukuitira zvakaipa.
31Usagodora munhu anomanikidza; Usatevera kunyange nomumwe wemitovo yake.
32nekuti mutsauki inyangadzi kuna Jehovha; Asi ano hukama navakarurama.
33Kutukwa naJehovha kuri mumba mowakaipa; Asi unoropafadza ugaro hwevakarurama.
34Kana vari vadadi, anovadadira, Asi vanozvininipisa anovaitira nyasha.
35Vakachenjera vachagara nhaka yokukudzwa; Asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa. Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa;