Shona

Paite

2 Kings

15

1Negore ramakumi maviri namanomwe raJerobhoamu mambo waIsiraeri, Azaria mwanakomana waAmazia mambo waJudha wakatanga kubata ushe.
1Israel kumpipa Jeroboam kum sawmnih leh kum sagih a lal kumin Juda kumpipa Amazia a lal pana.
2wakange anamakore ane gumi namatanhatu pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe paJerusaremu makore ana makumi mashanu namaviri; zita ramai vake rakanga riri Jekoria weJerusaremu.
2A lal pattungin kum sawm leh kum guka upa ahi, Jerusalem ah kum sawmnga leh kum nih a lala; a nu min Jekolia, Jerusalem mi ahi.
3Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakaita baba vake Amazia pazvose.
3Huan, a pa Amazia thilhih bangbang hih teiin Toupa mitmuhin thil hoihtak a hih sek hi.
4Kunyange zvakadaro, matunhu akakwirira haana kubviswa, vanhu vakaramba vachibayira nokupisa zvinonhuhwira pamatunhu akakwirira.
4Ahihhangin mun sangte jaw hihman ahi tuankei; mun sangte ah mite a kithoih lailai un, gimlim a hal gige uhi.
5Jehovha akarova mambo, akava namaperembudzi kusvikira zuva rokufa kwake, akagara ari oga muimba. Jotamu mwanakomana wamambo akava mutariri weimba, akatongawo mhosva dzavanhu venyika.
5Huan, Toupan kumpipa a gawta, huchiin a sih niphain a hongphaka, in tuamah a omta hi. Huan, kumpipa tapa Jotham a gam ua mite vaihawm sakin in sunglam heutuin a om hi.
6Zvino mamwe mabasa aAzaria, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
6Huchiin Azaria tanchin dang a thilhih tengteng Juda kumpipate lal lai thu gelhna bu ah a tuang ahi kei maw?
7Azaria akavata namadzibaba ake, vakamuviga kuna madzibaba ake muguta raDhavhidhi; Jotamu mwanakomana wake akamutevera paushe.
7Huan, Azaria bel a pi leh pute kiangah a ihmua; huan, a pi leh pute lakah David khopi ah a vui uhi; huan, a tapa Jotham bel a sikin a lal ta hi.
8Negore ramakumi matatu namasere raAzaria mambo waJudha, Zekariya mwanakomana waJerobhoamu wakava mambo waIsiraeri paSamaria mwedzi mitanhatu.
8Juda kumpipa Azaria kum sawmthum leh kum giat a lal kumin Jeroboam tapa Zekaria bel Israelte tungah Samari khuaah kha guk a lal.
9Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaita madzibaba ake; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
9Huan, a pute hih bangmah Toupa mitmuhin thil hoihloupi a hih naka; Israelte thil hihkhialsaka a hih Nebat tapa Jeroboam khelhnate a paisan kei hi.
10Sharumi mwanakomana waJabheshi akamumukira, akamubaya pamberi pavanhu, akamuuraya, iye akamutevera paushe.
10Huan, Jabes tapa tapa Salumin amah a guk sawma, mipite maah a suala, a thata, a sikin a lalta.
11Zvino mamwe mabasa aZekariya, tarirai akanyorwa mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri.
11Huchiin Zekaria tanchin dangte bel ngai dih, Israel kumpipate lal lai thu gelhna bu ah a tuang ahi.
12Ndiro shoko raJehovha raakataura kuna Jehu, achiti, Vanakomana vako vachagara pachigaro choushe hwaIsiraeri kusvikira parudzi rwechina. Zvikaitwa saizvozvo.
12Huai bel Toupan Jehu kianga, Na tapate suan lina tanin Israelte laltutphahah a tu ding uh, chih thu a gen ahi. Huchiin huaibang geih a honghi na mah hi.
13Sharumi mwanakomana waJabheshi wakatanga kubata ushe negore ramakumi matatu namapfumbamwe raUziya mambo waJudha; akabata ushe paSamaria mwedzi mumwe.
13Juda kumpipa Uzzia kum sawmthum leh kum kua a lal kumin Jabes tapa Salum a lal pana; Samari khuaah kha khat sung a lal.
14Zvino Menahemi mwanakomana waGadhi akabva Tiriza, akasvika Samaria, akabaya Sharumi mwanakomana waJabheshi paSamaria, akamuuraya, akamutevera paushe.
14Huan, Gadi tapa Menahem bel Tirza khua akipanin a hoh tou a, Samari khuaah a hoha, Jabes tapa Salum Samari khuaah a suala, a thata, a sikin a lalta hi.
15Zvino mamwe mabasa aSharumi, nokumukira kwake, tarirai zvakanyorwa mubhuku yaMakoronike amadzibaba aIsiraeri.
15Huchiin Salum tanchin dangte, a sawmgukna thute jaw ngai dih, Israel kumpipate lal lai thu gelhna bu ah a tuang hi.
16Zvino Menahemi akaparadza Tifisa, navose vakanga vari mukati maro, nenyika yaro, kubva paTiriza; akariparadza, nekuti vakaramba kumuzarurira; akatumbura vakadzi vose vakanga vane mimba, vaiva mukati maro.
16Huchiin Menahemin Tirza akipanin Tipsa khua leh a sunga om tengteng leh a gamte a suala; a kihon louh jiakun a sual ahi; huaia nau pai lai numei tengteng a pik kek.
17Negore ramakumi matatu namapfumbamwe raAzaria mambo waJudha, Menahemi mwanakomana waGadhi, wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri, akaubata makore ane gumi paSamaria.
17Juda kumpipa Azaria kum sawmthum leh kum kua a lal kumin Gadi tapa Menahem bel Israelte tungah a lal pana, Samari khuaah kum sawm a lala.
18Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; mazuva ake ose haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
18Huan, Toupa mitmuhin thil hoihloupipi a hihseka; Israelte thil hihkhialsaka a hih Nebat tapa Jeroboam khelhna te a damsung in a paisan kei hi.
19Zvino Puri mambo weAsiria akauya kuzorwa nenyika; Menahemi akapa Puri matarenda ane chiuru chimwe chesirivha, kuti amubatsire kusimbisa ushe hwake.
19Assuria kumpipa Pulin a gam a hongsuala; gam a neih kip pih theihna dingin Menahemin Pul dangka talent sang a pia.
20Menahemi akateresa Isiraeri, mumwe nomumwe wakange ane simba, akafuma, akabudisa mashekeri ana makumi mashanu esirivha, kuti zvipiwe mambo weAsiria; naizvozvo mambo weAsiria akadzokera hake, akasagara panyika.
20Huan, Menahemin Assuria kumpipa piak dingin Israel mi neizou tengteng lakah dangka sekel sawmnga chiat a khona. Huchiin Assuria kumpipa a painawna, huai gamah a om nilouh kei.
21Zvino mamwe mabasa aMenahemi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
21Huchiin Menahem tanchindangte, a thilhih tengteng Israel kumpipate lal lai thu gelhna bu ah a tuang ahi kei maw?
22Menahemi akavata namadzibaba ake, Pekahia mwanakomana wake akamutevera paushe.
22Huan, Menahem bel a pi leh pute kiangah ihmua; huan, a tapa Pekahia a sikin a lal hi.
23Negore ramakumi mashanu raAzaria mambo weJudha, Pekahia mwanakomana waMenehemi wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akaubata makore maviri.
23Juda kumpipa Azaria kum sawm nga a lal kumin Menahem tapa Pekahia bel Israelte tungah Samari khuaah a lal pana, kum nih a lala.
24Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
24Huan, Toupa mitmuhin thil hoihlou pipi a hihseka; Israelte thil hihkhialsaka a hih Nebat tapa Jeroboam khelhnate a paisan kei.
25Zvino Peka mwanakomana waRemaria, mukuru wake wehondo akamumukira, akamuuraya paSamaria, munhare yeimba yamambo, iye naArigobhi naArie navanhu vana makumi mashanu vaGiriyadhi vaakanga anavo; akamuuraya, akamutevera paushe.
25Huan, A sepaih heutu Remalia tapa Pekain amah a guk sawma, Samari khuaa kumpipa ina kulh ah Argob toh, Arie toh a thata; a kiangah Gilead mi sawmnga a om tei ua; huchiin Pekahia bel a thata, a sikin a lalta hi.
26Zvino mamwe mabasa aPekahia, nezvose zvaakaita, tarirai zvakanyorwa mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri.
26Huchiin Pekahia tanchin dangte, a thilhih tengtengte ngai dih, Israel kumpipate lal lai thu gelhna bu ah a tuang hi.
27Negore ramakumi mashanu namaviri raAzaria mambo waJudha, Peka, mwanakomana waRemaria, akatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akaubata makore makumi maviri.
27Juda kumpipa Azaria kum sawm nga leh kum nih a lal kumin remalia tapa Peka Israelte tungah Samari khuaah a lal pana, kum sawmnih a lal hi.
28Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
28Huan, Toupa mitmuhin thil hoihlou pipi a hih seka; Israelte thil hihkhialsaka a hih Nebat tapa Jeroboam khelhnate a paisan kei.
29Namazuva aPeka mambo waIsiraeri, Tigiratipireseri mambo weAsiria akasvika, akakunda Ijoni, neAbheribhetimaaka, neJanowa, neKadheshi, neHazori, neGiriyadhi, neGarirea, iyo nyika yose yeNafutari; akavatapa, akaenda navo Asiria.
29Israel kumpipa Peka lal lain Assuria kumpipa Tiglath-pileserin Ijon khua te, Abel-beth-maakak khuate, Nanoa khuate, Kades khuate, hazor khuate, Gilead leh galili gamte, Naphtali gam tengteng a laa: huan, Assuria gamah salin a pi hi.
30Zvino Hoshea mwanakomana waEra akaita ndanga pamusoro paPeka mwanakomana waRemaria, akamubaya, akamuuraya, ndokumutevera paushe, negore ramakumi maviri raJotamu mwanakomana waUziya.
30Huan, Ela tapa Hosein Remulia tapa Peka bel a guk sawma, a suala, a thata, Uzzia tapa Jotham kum sawmnih a lal kumin a sikin a lal ta hi.
31Zvino mamwe mabasa aPeka, nezvose zvaakaita, tarirai zvakanyorwa mubhuku yaMakoronike amadzimambo elsiraeri.
31Huchiin Peka tanchin dangte, a thilhih tengteng ngai dih, Israel kumpipate lal lai thu gelhna bu ah a tuang ahi.
32Negore rechipiri raPeka mwanakomana waRemaria mambo waIsiraeri, Jotamu mwanakomana waUziya mambo waJudha, wakatanga kubata ushe.
32Israel kumpipa Remalia tapa Peka kum nih a lal kumin Juda kumpipa Uzzia tapa Jotham bel a lal pana.
33wakange asvika makore ana makumi maviri namashanu pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore ane gumi namatanhatu; zita ramai vake rakanga riri Jerusha mukunda waZadhoki.
33A lal pattungin kum sawmnih leh kum ngaa upa ahi; Jerusalem ah kum sawm leh kum guk a lala; a nu min Jerus, Zadok tanu ahi.
34Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, akaita zvose zvakaitwa nababa vake Uziya.
34Huan, a pa Uzzia thilhih bangbang hih teiin Toupa mitmuhin thil hoih tak a hih seka.
35Kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa; vanhu vakaramba vachibayira nokupisa zvinonhuhwira pamatunhu akakwirira. Ndiye wakavaka suwo rokumusoro reimba yaJehovha.
35Ahihhangin mun sangte jaw hihman ahi tuankei; mun sang ah te mite a kithoih un, gimlim a hal lailai nak uh. Toupa inkongpi sak nung jaw a bawl hoih hi.
36Zvino mamwe mabasa aJotamu, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
36Huchiin Jotham tanchin dangte, a thilhih tengteng Judate kumpipate lal lai thu gelhna bu ah a tuang ahi kei maw?
37Namazuva iwayo Jehovha akatanga kutuma Rezini mambo weSiria naPeka mwanakomana waRemaria kuzorwa naJudha.
37Huai laiin Suria kumpipa Rezin leh, Remulia tapa Peka bel Judate sual dingin Toupan a sawl pan hi.Huan, Jotham bel a pi leh pute kiangah a ihmu a, a pi pute lakah a pu David khopi ah a vui ua; huan, a tapa Ahaz a sikin a lalta hi.
38Jotamu akavata namadzibaba ake, akavigwa kuna madzibaba ake muguta rababa vake Dhavhidhi; Ahazi mwanakomana wake akamutevera paushe.
38Huan, Jotham bel a pi leh pute kiangah a ihmu a, a pi pute lakah a pu David khopi ah a vui ua; huan, a tapa Ahaz a sikin a lalta hi.