Shona

Paite

Ezekiel

23

1Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
1Huan TOUPA thu ka kiangah a hongtunga, ka kiangah,
2Mwanakomana womunhu, kwakanga kuna vakadzi vaviri, vanasikana vamai vamwe;
2Mihing tapa, numei nih, nu khat ta a om ua,
3ivo vakapata muEgipita, vakapata vachiri vaduku; mazamu avo akabatwa ipapo, minyato yohumhandara hwavo yakabatwa-batwapo.
3Aigupta gamah a huk mang ua, a tuailai neu ua huk ahi ua, huaiah a nawi a khoih ua, a tuailai nawi uh a mek sak ek uh.
4Mazita avo akanga ari Ohora, mukuru, naOhoribha munin'ina wake; ivo vakazova vangu, vakabereka vanakomana navanasikana. Zvino kana ari mazita avo, Samaria ndiOhora, Jerusaremu ndiOhoribha.
4Khat, a upa pen min Aholah ahi a, a sanggamnu bel Aholibah ahi; keia ahonghita ua, tapate tanute a suang ua. Huan, a min uh, Aholah Samaria ahi ua; Aholibah bel Jerusalem ahi.
5Ohora wakapata, ari wangu, akadana navadikamwi vake, ivo vaAsiria vaigara pedo naye,
5Huan Aholah keia a hih nungin a huk mang nawn a, a deihtak, a inveng, Assuria a nounou a;
6vaifuka micheka mitema, vaiva vabati namadzishe, ose ari majaya anodikamwa, vatasvi vaifamba namabhiza.
6Ukpipate, vaihawmmite, tangval iplahhuai mahmah ngen, sakol tung tuang mi, puan sandupa kijem te.
7Iye akapata navo, ivo varume vakatsaurwa vose pakati pevana vaAsiria, zvino waizvisvibisa nezvifananidzo zvavose vaidikamwa naye.
7Hiai Assuria tangval hoihte tengteng lakah a kiphal gai ua, huan a nouhnouhte milim tengtengin a kihihnin nawn behlap a,
8Uye haana kuzorega kupata kwake kwaakabva nako Egipita; nekuti varume vakavata naye achiri muduku, vakabatabata minyato yohumhandara hwake, vakadurura hupombwe hwavo pamusoro pake.
8A tuailai neua kipan a nawite a khoihsak sek uh leh a luppih sek jiak un Aigupta akipanin a huk a tawp tuankeia, amau leng a hukna uh a tunguah a hihpiching uhi.
9Naizvozvo ndakamuisa mumaoko avadikamwi vake, mumaoko avaAsiria, vaakadana navo.
9A deihtakte, Assuria, a nouhnouhte khut ngeiah ka mansak ahi.
10Ivo vakafukura kunyadza kwake, vakatora vanakomana navanasikana vake, vakamuuraya iye nomunondo, zita rake rikazosekwa pakati pavakadzi; nekuti vakamutonga.
10Hiaiten a vuaktanna a lem dawk sak ua, a tanu leh a tapate a laksak ua, amah leng namsauin a that ua, numeite lakah a kikhemlauna pen uh a honghita, a tunga gel bang a mualsuahta.
11Zvino munin'ina wake Ohoribha wakazviona hake, kunyange zvakadaro iye wakange akanyanya pakudana kwake navadikamwi, uye kupata kwake kwakapfuura kupata komukuru wake.
11Huan a sanggamnu Aholibahin hiai a mua, himahleh a u sangin a deihtak nouhnouhna ah a uang jawin, a hukna sangin a uang semsem lai hi.
12Iye akadana navaAsiria, vaiva vabati namadzishe, vaigara pedo naye, vakafuka zvakaisvonaka kwazvo, vari vatasvi vanofamba namabhiza, ose ari majaya anodikamwa.
12Assuria mi, a inveng gam ukpipa leh vaihawmpa tangval etlahhuai tak ngen, sakol tung tuang mi, kilawm taka kivante a nounou hi.
13Zvino ndakaona kuti wasvibiswa; ivo vose vakafamba nenzira imwe.
13Hihnitin a om chih ka mua, a nih un lam kibang a tawn lel uhi.
14Akawedzera kupata kwake; nekuti wakaona zvifananidzo zvavarume vakavezwa pamadziro, zviri zvifananidzo zvaKaradhea, zvakavezwa nomuti mutsvuku,
14Huan a huknate a uang sak sema, pasal lim banga tuang, Kaldai mite lim, sanau taka zep,
15vakasunga zviuno zvavo nebhanhire, vane ngowani dzemicheka pamisoro yavo, vose vakaita samachinda kana vachionekwa, vakafanana navaBhabhironi paKaradhea, iyo nyika yokuberekwa kwavo.
15a kawnga kawng gaka gak, dial kilawm tak khim, a vek ua lal mel pu tak, Kaldai gam, a pianna gam ua Babulon mite bang takte a muh jiakin.
16Zvino wakati achivaona, akavada kwazvo, akatuma nhume kwavari paKaradhea.
16Huan amau a muh takin a nounou a, a kiang uah Kaldai phain mi a sawla.
17VaBhabhironi vakauya kwaari ari panhovo dzorudo, vakamusvibisa nohupombwe hwavo, iye akasvibiswa pamwechete navo, mweya wake ukazorambana navo.
17Huan Babulon mite a a kiangah, kingaihna lupnaah a hongpai ua, a hukna un a hihnin ua, a kihihkihhuai khinta ua, amau amah a nel mahmah uh.
18Zvino wakati afukura kupata kwake, nokufukura kunyadza kwake, mweya wangu ukarambana naye, mweya wangu sezvawakarambana nomukuru wake.
18Huchiin a hukna a hihlanga, a vuaktanna lem saka, a sanggamnun a honnel bangin aman leng a honnel ta hi.
19Kunyange zvakadaro akaramba achiwedzera kupata kwake, achirangarira mazuva ohuduku hwake, aakapata nawo panyika yeEgipita.
19Himahleh a tuailaia Aigupta gama a huk lai a theihgige jiakin a huk tuan semsem a.
20Akadana zvikuru navadikamwi vake, vane nyama yakaita senyama yembongoro, zvinodhachwa navo zvakaita sezvinodhachwa namabhiza.
20Huan a angkawm mite, a sa sabengtung sa bang mai, a thil pawt, sakolte thil pawt bang mai,
21Zvino ukayeudzwa zvakashata zvohuduku hwako, panguva yawakabatwa-batwa minyato yako navaEgipita nokuda kwamazamu ohumhandara hwako.
21Huchibangin na tuailai nawite a hon khoihsak ek lai na thei khe nawnta ahi.
22Naizvozvo iwe Ohoribha, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha tarira, ndichakumutsira vadikamwi vako, vakazorambwa nomweya wako, ndichavauyisa kwauri kuzorwa newe kumativi ose;
22Huaijiakin, aw Aholibah, hichibangin TOUPA PATHIANIN a chi ahi; Ngai in, nang honit, na lungsimin a nelsate ka tamsak dinga, kil chiha kipan ka pi khawm ding.
23vanoti, vaBhabhironi, navaKaradhea vose, Pekodhi naShoa naKoa, navaAsiria pamwechete navo, iwo majaya anodikamwa, vose vari vabati namadzishe, machinda navarume vane mbiri, vose vakatasva mabhiza.
23Babulon mite leh Kaldai mi tengteng, Pekod te, Shoa te, Koa te leh a kiang ua Assuria mi tengteng toh; tangval etlahhuai taktakte, ukpite, vaihawmmite, a vek un mi liante leh minthangte, a vek un sakol tung tuangin a hongpai ding uh.
24Vachauya kuzorwa newe nenhumbi dzokurwa, nengoro, nezvinofamba namakumbo engoro, neboka ravanhu vazhinji; vachazvirongedza kuzorwa newe nenhovo huru nenhovo duku nengowani kumativi ose; ini ndichavapa simba rokutonga, vakutonge nokutonga kwavo.
24Huan galvante, kidouna kangtalaite, kangtalaite leh mipi omkhawmin a hongsual ding ua; lum lian leh lum neu, dal lukhute toh na kimin a honum ding ua; huan a kiang uah vaihawmna ka kem sak dinga, a thu gel bang zel un na tungah a hihtangtung ding uhi.
25Ndichamutsa godo rangu kuzorwa newe, ivo vakuitire hasha; vachabvisa mhino dzako nenzeve dzako, vakasara kwauri vachaurawa nomunondo, vachatora vanakomana vako navanasikana vako; vakasara kwauri vachapera nomoto.
25Huan na tungah ka lunghihlouhna ka tung sak dinga, heh mahmahin nang a hon sual dingua, na nakte leh na bilte a tan ding ua, a dam sunte namsauin a si ding uh, na tanu leh na tapate a honlak sak ding ua, a damsunte meiin a kang lum ding uh.
26Vachakubvisirawo nguvo dzako, nokukutorera hukomba hwako hwakanaka.
26Na puansilhte a honhawksak lai ding ua, na kizepna kilawm taktakte a la mang ding uh.
27Saizvozvo ndichakugumisira zvakashata zvako nokupata kwako kwawakabva nako kunyika yeEgipita, kuti urege kuzozvitarirazve nameso ako, kana kuzorangarira Egipita.
27Na hukna leh Aigupta gam akipana na kizuakna a honhih tawpsak ding ua, huchiin amau lam ah na mit na leng sak nawn kei dia, Aigupta gam na theigige nawnta kei ding.
28nekuti zvanzi naIshe Jehovha, ndichakuisa mumaoko avaunovenga, mumaoko aivo vakarambwa nomweya wako;
28TOUPA PATHIANIN lah hichiin a chi ngala: Ngai in, na huat mahmah, nang hon nim takte khut mahmah ah ka honman sak ding.
29ivo vachakuitira ruvengo, vachakutorera zvose zvawakabatira, vakakurega usina chawakafuka wakashama; kunyadza kokupata kwako kuchafukurwa, zvakaipa zvako pamwechete nokupata kwako.
29Huat petmahin a honho ding ua, na sepgim gah tengteng a honlak sak ding ua, vuaktangin kihawmkhaiin a hontai san ding uh; na kizuakna vuaktanna, na hukna leh na kizuakna ngei hihlatin a om ding hi.
30Uchaitirwa zvinhu izvi nemhaka yokuti wakapata namarudzi avanhu, uye nemhaka yokuti wakasvibiswa nezvifananidzo zvavo.
30Hiai thilte na tungah a hongtung ding, nam dangte delhin na huk mang dinga, a milimte ua na kihihnit jiakin.
31Iwe wakafamba nenzira yomukuru wako; saka ndichaisa mukombe wake muruoko rwako.
31Na sanggamnu lampi na tawn teia, huaijiakin amah nou na khutah ka honpe ding.
32Zvanzi naIshe Jehovha, Uchamwira pamukombe womukuru wako, wakadzika mukuru; uchasekwa nokudadirwa, nekuti iwe une zvizhinji zvirimo.
32TOUPA PATHIANIN hichiin a chi ahi: Na sanggamnu nou thuk leh lian na dawn dinga, nuihsan leh simmohin na om ding:
33Uchazara nokubatwa nokuchema; mukombe womukuru wako Samaria mukombe wokushamiswa nokuparadzwa.
33Khamna leh lungkhamnain na dim dinga, lamdang sakna leh siatna nou, na sanggamnu Samari nou toh na dawn gai keuhkeuh dinga;
34Uchaumwa nokuupedza chose, uchatsenga zvaenga zvawo, nokudzura mazamu ako; nekuti ndini ndakataura izvozvo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
34Na dawn dinga, a nou leng na tawp siang vek ding; na sam na phawi kei dia, na nawite na ham kek ding; ken lah ka chita ngala chih, TOUPA PATHIAN thupawt ahi.
35Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Zvawakandikangamwa, ukandirasira shure kwako, naizvozvo chiva nemhosva yezvakashata zvako, neyokupata kwako.
35Huaijiakin TOUPA PATHIANIN hichiin a chi ahi: Na honmangngilha na honna dal jiakin na hukna leh na kizuakna moh na po mai dinga hi.
36Jehovha akatiwo kwandiri, Mwanakomana womunhu, chitonga Ohora naOhoribha, uvazivise zvinonyangadza zvavo.
36Huailou leng TOUPAN ka kiangah a gen nawna, Mihing tapa, Aholah leh Aholibah na lang sin ahia? A kihhuaina uh a kiang uah phuangin.
37nekuti wakafeva, ropa riri pamaoko avo; wakafeva nezvifananidzo zvavo; vakapinzawo vanakomana vavo vavakandiberekera mumoto, kuti zvidyiwe nazvo.
37Ang a kawmta ngal ua, sisan a khut uah a banga, a milim kiangah ang a kawmta uhi; a tapate uh kei adia a suan uh a kiang ua kang mang dingin mei ah a pai ua.
38Vakandiitirawo chinhu ichi, vakasvibisawo nzvimbo yangu tsvene nezuva iro, vakamhura masabata angu.
38Huailouin leng, ka kiangah hiai a chi uh ahi; amau mahin ka mun siangthou ahih nin ua, ka khawlnite uleng a bohsia uhi.
39nekuti vakati vabayira zvifananidzo zvavo vana vavo, vakapinda nezuva iro munzvimbo yangu tsvene kuti vaimhure; tarirai, ndizvo zvavakaita mukati meimba yangu.
39A milimte uh adia a tate uh a thah nung un, amau mahin ka mun siangthou hihnin dingin a lut sek ngal ua; huan ngai in, hichibangin ka insung mahmah ah a hih sek uhi.
40Makatumawo nhume kundodana varume vanobva kure nhume yakatumwako kwavari ivo vakauya, iwe ukazvishamba nokuda kwavo, ukazodza meso ako nomuti, nokuzvishongedza nezvishongo,
40Huan huailou leng, gamla pia mi hong dingin na thukhak ua, mi na sawl ua, ngai in, a hong ua, amau elin na kisil sianga, na mit na nuha, kizephoihna dangte na silha, lupna thupi takah na tua.
41ukagara panhovo dzakaisvonaka, dzakanga dzakagadzirirwa tafura pamberi padzo, pawakagadzika zvinonhuhwira zvangu namafuta angu.
41A maah dohkan na bawla, ka gimlim leh ka sathaute huaiah na lui sek ahi.
42Inzwi ravazhinji vakanga vachifara rakanga rinaye; zvino pamwechete navarume vakabva kuvazhinji, vakauya nevakariri vedoro, vaibva kurenje, vakaisa zvishongo pamaoko avo, nekorona dzakanaka pamisoro yavo.
42Huan huaiah mipi nuamtawl husa zak ahia, mi namai kia lou leng gamdai akipanin zu khamte a honpi ua, anih un taute a bun ua, lukhu kilawmte a khu uh.
43Zvino ndakati kuna iye akanga apera nokufeva kwake, Zvino vachaita hupombwe naye, naiye navo.
43Huan ken, Angkawmnu tek nunga kithuahpih nuam sin un aman a ngap peuhmah diam maw? Ka chi a.
44Ipapo vakapinda kwaari, sezvavanopinda kuchifeve; saizvozvo vakapinda kuna Ohora naOhoribha, ivo vakadzi vakashata.
44Huan kizuak kianga a hoh bang un a kiangah a lutta thou ua; huchiin numei huk Aholah leh Aholibah kiangah a lutta uhi.
45Naizvozvo varume vakarurama vachavatonga sezvinotongwa zvifeve, sezvinotongwa vakadzi vakateura ropa, nekuti zvifeve, ropa riri pamaoko avo.
45Himahleh mi diktatten angkawmnute leh sisan suah hat numeite vai a hawm bang un a hawm sak ding ua, angkawmnute a hih ua, a khut ua sisan a ban jiakin.
46nekuti zvanzi naIshe Jehovha, Ndichauyisa boka ravarwi kuzorwa navo, ndichavaregera kuti vadzungaidzwe kose-kose vapambwe.
46TOUPA PATHIANIN hichiin a chi ngala: Na tunguah mipi ka kaikhawm dinga, ka honlok sak dinga, ka honbawl sak ek ding.
47Boka iro richavataka namabwe, nokuvabaya neminondo yavo; vachauraya vanakomana vavo navanasikana vavo, nokupisa dzimba dzavo nomoto.
47Huan, mihonten suangin a deng ding ua, a namsau un a sat lum ding ua, a tanute uh, a tapate uh a that ding ua, a inte uh a halsak ding uh.
48Saizvozvo ndichagumisa zvakashata panyika, kuti vakadzi vose vadzidziswe kuti varege kutevera zvakashata zvenyu.
48Hichibangin hukna gam akipan ka hihmang dinga, numei tengtengin na hukna uh chin louh hial dinga hi chih na theihna ding un.Huan na tunguah na hukna uh a honthuk ding ua, na milim khelhnate uh na thuak ding uh, kei TOUPA PATHIAN ka hi chih na thei ding uh, a chi a.
49Vachakutsivirai zvakashata zvenyu, imwi muchava nezvivi zvezvifananidzo zvenyu, zvino muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.
49Huan na tunguah na hukna uh a honthuk ding ua, na milim khelhnate uh na thuak ding uh, kei TOUPA PATHIAN ka hi chih na thei ding uh, a chi a.