1Zvino shure kwaizvozvo, Aritashasita mambo wePerisia achibata ushe, Ezira mwanakomana waSeraya, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waHirikia,
1Huan hiai thilte nungin, Persia kumpipa Artaksarsi vaihawm laiin, Serai tapa Ezra, Azarai tapa, Hilia tapa,
2mwanakomana waSharumi, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waAhitubhi,
2Sallum tapa, Zadok tapa, Ahitub tapa,
3mwanakomana waAmaria, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waMerayoti,
3Amaria tapa, Azaria tapa, Meraioth tapa,
4mwanakomana waZerahia, mwanakomana waUzi, mwanakomana waBhuki,
4Zerahia tapa, Uzzi tapa, Bukki tapa,
5mwanakomana waAbhishua, mwanakomana waPinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, mupristi mukuru
5Ahisua tapa, Phineha tapa, Eleazar tapa, Aron siampulian tapa:
6uyu Ezira akaenda achibva Bhabhironi; iye akanga ari munyori akangwara pamurayiro waMozisi, akanga wapiwa naJehovha Mwari walsiraeri; mambo akamupa zvose zvaakakumbira, nokuda koruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pake.
6Hiai Ezra Babulon akipan a pai tou a; huan amah Mosi dan, TOUPA Israel Pathian a piaksaa kivasa ahi a: a tunga TOUPA a Pathian khuta om dungjui bangin, a ngetna tengteng kumpipan a phalsak hi.
7Navamwe vavana vaIsiraeri, navapristi, navaRevhi, navaimbi, navarindi vemikova, navaNetinimi, vakaenda Jerusaremu negore rechinomwe ramambo Aritashasita.
7Huan kumpipa Artaksarsi kum sagih kumin, Jerusalem ah Israel tate laka a khen, siampute laka a khen, Levi mite, lasamite, kongkhak ngakmite leh Nithinum mite, a hoh tou ua.
8Akasvika Jerusaremu nomwedzi wechishanu pagore rechinomwe ramambo.
8Huchiin kumpipa kum sagih kum kha nganain Jerusalem ah Ezra a hongpaita hi.
9nekuti akatanga kubva Bhabhironi nezuva rokutanga romwedzi wokutanga, akasvika Jerusaremu nezuva rokutanga romwedzi wechishanu, nokuda koruoko rwakanaka rwaMwari wake rwakanga ruri pamusoro pake.
9Babulon akipan a kha khatna ani khat niin a kuan tou pantaa, a kha ngana a ni khat niin a Pathian khut hoih a tunga a om bangjelin, Jerusalem a hongpai hi.
10nekuti Ezira akanga ashingaira nomoyo wake wose kutsvaka murayiro waJehovha, nokuuita, nokudzidzisa pakati paIsiraeri zvaakatema nezvaakatonga.
10Ezrain lah TOUPA dan zong ding leh, hih ding leh, Israel thusehte leh vaihawmte sinsak dingin a lungtang a koih kip ngala.
11Zvino ndiwo mashoko etsamba iyo mambo Aritashasita yaakapa Ezira mupristi nomunyori iye munyori wamashoko emirairo yaJehovha nezvaakatemera Isiraeri,
11Tuin kumpipa Artaksarsiin siampu, laigelhmi, TOUPA thupiakte thute gelhmi leh Israel kianga a thusehte gelhmi Ezra kianga a piak laikhak kopi hiai ahi.
12Aritashasita mambo wamadzimambo, kuna Ezira mupristi, munyori womurayiro waMwari wokudenga, rugare rwakakwana, nenguva yakadai.
12Artaksarsi, kumpipate kumpipan, siampu, van Pathian dan gelhmi, buching leh huchibang jelin, Ezra kiangah.
13Ini ndinotema chirevo, kuti vanhu vose vaIsiraeri, navapristi vavo, navaRevhi, vari paushe hwangu, vanoda nokuda kwazvo kuenda Jerusaremu, ngavaende havo newe.
13Thupiak ka bawl hi, huchia Israela mite laka amaute tengteng, ka gamsunga, a siampute uh leh Levi mite, amau uttuh petmaha Jerusalema pai dinga theihsakte, nang kiangah pai uhen.
14Zvawatumwa namambo namakurukota ake manomwe kundobvunzisisa pamusoro paJudha neJerusaremu, sezvakarehwa nomurayiro waMwari wako uri muruoko rwako.
14Kumpipa leh a thudotmi sagihten, na khuta om na Pathian dan dungjuia, Juda leh Jerusalem tungtang thu dan dinga, nang a honsawl bang un;
15Nokuenda nesirivha nendarama yakapiwa namambo namakurukota ake nokuda kwavo Mwari waIsiraeri, iye agere Jerusaremu,
15A tenna Jerusalema om, Israel Pathian kianga manneiloua kumpipa leh a thudot miten a piaksate uh dangka leh dankaeng po dingin,
16nesirivha nendarama yose yaungawana parutivi rwenyika yose yeBhabhironi, pamwechete nezvipo zvavanhu zvavachapa nokuda kwavo, nezvavapristi, zvavachapa imba yaMwari wavo iri paJerusaremu nomoyo yavo;
16Babulon bial tengtenga dangka leh dangkaeng na muh tengteng, mite leh siamputen amau utthua thillat, Jerusalema om a Pathian uh in adia uttaka a lat uh tengteng toh;
17zvino unofanira kukurumidza kutenga nemari iyo nzombe, namakondobwe, namakwayana, pamwechete nezvipiriso zvazvo zvoupfu, nezvinodururwa, ugozviisa paaritari paimba yaMwari wenyu iri Jerusaremu.
17Huaijiakin thanopna toh hiai sumin bawngtalte, belamtalte, belamnoute, na lei dinga, a anpiak thillatte uleh a dawnding thillatte uh toh, huchiin Jerusalema om na Pathian uh in maitam tungah huaite na lan ding hi.
18Kana iri sirivha nendarama yakasara, itai nazvo sezvamunofunga, iwe nehama dzako, sezvinodikamwa naMwari wenyu.
18Huan dangka leh dangkaeng omlai hih dingdan nang leh na unauten hoih na sak dandan uh, na Pathian uh deihlam bangin huai tuh hih un.
19Nemidziyo yaunopiwa kundobata nayo paimba yaMwari wako, uiise pamberi paMwari weJerusaremu.
19Huan na Pathian ina nasepna dinga tuiumbelsuan kon piak uh, Jerusalem Pathian maah piain.
20Nezvimwe zvinhu zvipi nezvipi zvinodikamwa paimba yaMwari wako, zvaunofanira kuripa, uzviripe uchitora paimba yefuma yamambo.
20Huan na Pathian in dinga kiphamoh dangdangte, piakna ding na neih dingte, kumpipa sum in akipanin pe khiain.
21Ini, iyeni mambo Aritashasita, ndinoraira vachengeti vose vefuma mhiri korwizi, ndichiti, Zvose Ezira mupristi, munyori womurayiro waMwari wokudenga, zvaanokumbira kwamuri, ngazviitwe nokukurumidza,
21Huan kei, kumpipa kei Artaksarsi mahmahin luipi khena om sumkemmite tengteng kiangah thupiak ka bawl hi, huchia Ezra siampu, van Pathian dan laigelhmiin nou a honnget, thanuam taka hihjel a hih theihna dingin.
22kusvikira pamatarenda* esirivha ane zana, nezviyero zvine zana zvezviyo, namabhati ewaini ane zana, namabhati amafuta ane zana, nomunyu usingaverengwi.
22Dangka talent za khat, huit-buh tehna za khat, uain bath za khat, sathau bath za khat leh a zah gen louin chi nangawn.
23Zvose zvinorairwa naMwari wokudenga, ngazviitirwe zvakanaka imba yaMwari wokudenga; nekuti ushe hwamambo nohwavanakomana vake huchatsamwirweiko?
23Bangpeuhmah van Pathianin thu a piak, van Pathian in adingin hihin om jel hen; ajiak bel bangdingin kumpipa leh a tapate gam siatna dingin thangpaihna a om dia?
24Tinokuzivisaiwo, kuti kana vari vapristi vose, navaRevhi, navaimbi, navarindi vemikova, navaNetinimi, navaranda veimba iyi yaMwari, havangaripiswi mutero, kana zvipo, kana muripo wenzira.
24Huailouin leng ka honchi taktak uh hi, siampute leh Levi mite, lasamite, kongkhakngakmite, Nithinim mite hiam hiai Pathian in sikhate laka akua-akua tungtang ah, van leiman te, sumsinna leiman te hiam lamlian leiman te amau liau paih dan ahi kei ding hi.
25Zvino iwe Ezira, nenjere dzaMwari wako, dzawakapiwa iwe, chigadza vatambi vemhosva, navatongi, vangatongera vanhu vose vari mhiri korwizi mhaka dzavo, vave vanhu vanoziva mirairo yaMwari wako, ugodzidzisa mumwe nomumwe asingaizivi.
25Huan nang, Ezra, na khuta om na Pathian pilna juiin, thukhenmi leh vaihawmmi, tuipi khena omte mite tengteng vaihawm dingin sepin; na Pathian dante tengteng bang; huan huaite theiloute nou sinsak un.
26Ani naani, asingadi kuita murayiro waMwari wako, nomurayiro wamambo, ngaakurumidze kupiwa mhaka, kana yorufu, kana yokudzingwa kana yokutorerwa nhumbi dzake, kana yokusungwa mutirongo.
26Huan kuapeuh na Pathian dan leh, kumpipa dan jui lou, sihna chiang hizongleh, thanuam takin a tungah vaihawmna bawlin om hen, ahihkeileh, khakmangna hiam, van khakna hiam, suangkulhlutna tanin, chiin.
27Jehovha Mwari wamadzibaba edu ngaakudzwe, iye akaisa chinhu chakadai mumoyo wamambo, kuti anatse imba yaJehovha iri Jerusaremu;
27Jerusalema om TOUPA in kilawm sak dinga, kumpipa lungtanga hichi banga thil koih, I pipute Pathian, TOUPA nuamsain om hen;Kumpipa leh, a thudotmite leh, kumpipa lal thiolhihteite tengteng maa ka tunga chitna honpepa. Huan ka tunga TOUPA ka Pathian khut dungjuiin hihhatin ka omta, huchiin ka kianga hoh dingin Israel akipan mi kizen tungtuan ka kaikhawmta hi.
28iye akandinzwisa tsitsi pamberi pamambo, napamberi pamakurukota ake, napamberi pamachinda ose ane simba amambo. Ini ndikasimbiswa nekuti ruoko rwaJehovha Mwari wangu rwakanga ruri pamusoro pangu, ndikakoka varume vakuru pakati paIsiraeri, kuti vaende neni.
28Kumpipa leh, a thudotmite leh, kumpipa lal thiolhihteite tengteng maa ka tunga chitna honpepa. Huan ka tunga TOUPA ka Pathian khut dungjuiin hihhatin ka omta, huchiin ka kianga hoh dingin Israel akipan mi kizen tungtuan ka kaikhawmta hi.