Shona

Paite

Proverbs

6

1Mwanakomana wangu, kana uchinge wakazviitira wokwako rubatso, Wazvisunga nokuda komutorwa noruoko rwako,
1Ka tapa, na inveng adia moh khu dia na din leh, mikhual adinga na khut na kichiam leh,
2Wazviteya namashoko omuromo wako, Wabatwa namashoko omuromo wako,
2Na kama thute a awk na hiha, na kama thute a mat na hih leh,
3Zvino ita kudai, mwanakomana wangu, uzvirwire, Zvawabatwa noruoko rwowokwako, Enda, undozvininipisa, ukumbire zvikuru kunowokwako.
3Tuin hiai hihin, ka tapa, nang leh nang kihonkhiain, na inveng khut sungah na hongom chih theiin; kuanin, nang leh nang kiniamkhiak inla, na inveng vangen ngutngut in.
4Usatendera meso ako hope, Kana mafungiro ameso ako kutsumwaira;
4Na mitte ihmu sak kenla, na mitvunte leng lusu sak sam ken.
5Uzvirwire semhara paruoko rwomuvhimi, Seshiri paruoko rwomuteyi.
5Gamvakpa khuta sakhipi bangin kihonkhia in, thangkampa khuta vasa bangin.
6Enda kumujuru, iwe simbe; Cherekedza nzira dzawo ugova wakachenjera!
6Miksi kiangah hoh in, nang thadah; a lampite ngaihtuah inla, pil in:
7Kunyange iwo usina mutongi, Kana mutariri kana mubati,
7Hausa, heutu, hiam vaihawmmi, neilouin,
8Unogadzira zvokudya zvawo muzhizha, Nokuunganidza zvokudya zvawo mukukohwa.
8Nipi chiangin a an a sutuaha, pawltak chiangin a an a kaikhawm hi.
9Iwe simbe, uchavata pasi kusvikira rinhiko? Uchamuka rinhiko pahope dzako?
9Bang tan ihmu ding na hia, aw thadah? Na ihmutna akipan chikchianga thou ding na hia?
10Kumbovata zvishomanene, kumbotsumwaira zvishomanene, Kumbofungatira maoko zvishomanene, ndizorore;
10Neukha ihmut lai, neukha lusuk, ihmu dinga neukha khutte khep:
11Saizvozvo urombo hwako huchasvika segororo, Nokushaiwa kwako somunhu wakashonga nhumbi dzokurwa.
11Huchiin na gentheihna guta bangin a hongpai dia, huan na taksapna mi kigalvan bangin.
12Munhu asina maturo, munhu anoita zvakaipa, Ndiye anofamba nomuromo une nhema;
12Mi phatuam lou, mi gilou; kam kiuangsak toh a vaka;
13Anobwaira nameso ake, anotendekera netsoka dzake, Anodudzira nemimwe yake;
13A mittein chiamtehna a bawla, a khetein thu a gena, a khutzung tein chiamtehna a bawl;
14Ane zvisakarurama pamoyo pake, Anosifungira vamwe zvakaipa, Anokusha kupesana.
14A lungtang sungah hoihlouhna a oma, gilou a gel gige; kilemlouhna a tuh naknak.
15Saka njodzi yake ichamuwira kamwe-kamwe; Achavhuniwa pakarepo, kusina chingamubatsira.
15Huaijiakin a tuahsiatna thakhatin a hongtung dia; thakhata kek gawp in a om dia, a hihdamna beiin.
16Zvinhu zvitanhatu zviriko zvinovengwa naJehovha; Zvirokwazvo, tingati kune zvinomwe, zvinomunyangadza, zvinoti:
16Toupan a muhdah thil guk a oma; ahi, amah adia kihhuai sagih a om hi:
17Meso ounozvikudza, rurimi runoreva nhema, Maoko anodurura ropa risina mhaka;
17Mit kiuangsakte, lei juauthei, mi hoih sisan suah khutte;
18moyo unofunga mano akaipa, Tsoka dzinokurumidza kuvangira zvakashata;
18Ngaihtuahna gilou ngaihtuah lungtang, siatna hih dinga kin tai khete;
19Chapupu chinonyengera chinoreva nhema, Uye anokusha kupesana pakati pehama.
19Juau thugen palai taklou, leh unaute laka kilemlouhna tuh.
20Mwanakomana wangu, chengeta murayiro wababa vako; Usarasha kudzidzisa kwamai vako.
20Ka tapa, na pa thupiak juiin, huan na nu dan mangngilh ken:
21Uzvisungire nguva dzose pamoyo wako; Uzvishonge pamutsipa wako.
21Na lungtang tungah vial gige inla, na ngawng kimah khihin.
22Kana uchifamba, zvichakutungamirira; Kana uchivata pasi, zvichakurinda; Kana womuka, zvichataurirana newe.
22Na vak chiangin, nang a honpi ding: na ihmut chiangin, nang a honveng ding hi; huan na khanloh chiangin, nang a honhoupih ding.
23nekuti murayiro ndiwo mwenje; murau ndicho chiedza; Kuraira kokurairirwa inzira youpenyu;
23Thupiak lah khawnvak ahi ngala: huan dan vakna ahi; huchiin hilhna taihilhna hinna lampi ahi:
24Kuti uchengetwe pamukadzi wakaipa, Pakubata kumeso korurimi rwomutorwa.
24Numei gilou akipan nang honkem ding, mikhual lei maitangphatna akipanin.
25Usachiva kunaka kwake mumoyo mako; Arege kukubata namafungiro ameso ake.
25Na lungtangin a kilawmna lunggulh ken; a mitvuntein nang honman kei hen.
26nekuti nokuda kwechifeve munhu angasvikira pakudya chimeduchetechechingwa; Mukadzi womumwe munhu anovhima upenyu hunokosha.
26Numaei kijuaknu jiakin pasal tanghou thema matin a om hi: huchiin angkawmnun hinna manpha a zong sek hi.
27Ko munhu ungaisa moto muchipfuva chake, nguvo dzake dzikasatsva here?
27Min a ang sungah mei a la thei diam, a puante a kang kei diam?
28Kana munhu angatsika mazimbe anopisa, Tsoka dzake dzikasapiswa here?
28Ahihkeileh mi suangkuangthei sa tungah a vak thei diam, a khete a kang kei diam?
29Ndizvo zvakaita munhu anopinda kumukadzi wowokwake; Ani naani anomubata iye mukadzi haangaregwi kurohwa.
29Huchibangin kuapeuh a inveng ji huan; kuapeuh amah khoih gawtlouh a om kei ding.
30Vanhu havangazvidzi mubi kana achiba Kuti agute kana achinge ane nzara.
30Miten guta a musit kei ua, a gil kiallaia a kha lungtaisak dinga a guk leh:
31Asi kana akabatwa anofanira kudzosera zvava zvinomwe; Anofanira kuripa nefuma yose yeimba yake.
31Himahleh muha a om leh, azah sagihin a din ding; a ina vantengteng a pe ding hi.
32Anoita upombwe nomukadzi, anoshaiwa njere; Anoda kuparadza upenyu hwake ndiye anoita izvozvo.
32Kuapeuh angkawm theisiamna bei ahi: amah kha hihse dinga a hih ahi.
33Uchangozviwanira mavanga nokusakudzwa; Kunyadziswa kwake hakungatongopusikwi.
33Liamnate leh zumhuaite a mu ding; huan a zahpihhuaina nulmang ahi kei ding.
34nekuti godo rinomutsa hasha dzomurume; Haanganzwiri tsitsi pazuva rokutsiva.
34Mullitna lah mi thangpaihna ahi ngala; huchiin phulak ni chiangin a hawi kei ding hi.Tatna a limsak kei dinga; thilpiak tampi pe lechin leng, lungdamin a om kei ding hi.
35Haangavi nehanya nomuripo; Haangatendi, kunyange ukamuvigira zvipo zvizhinji.
35Tatna a limsak kei dinga; thilpiak tampi pe lechin leng, lungdamin a om kei ding hi.