Shona

Paite

Proverbs

7

1Mwanakomana wangu, chengeta mashoko angu, Viga mirairo yangu kwauri.
1Ka tapa, ka thute kemin, na kiangah ka thupiakte khol khawm in;
2Chengeta mirairo yangu, urarame; Nomurau wangu semboni yeziso rako.
2Ka thupiakte kem inla hing in; huan ka dan na mit tang bangin
3Uzvisungire pamweya wako; Uzvinyore pabwendefa romoyo wako.
3Na khutzungte tungah vial inla; na lungtang suangpek tungah gelh in.
4Uti kuuchenjeri, Ndiwe hanzvadzi yangu; Utumidze njere shamwari yako;
4Pilna kiangah, ka sanggamnu na hi, chiin la, huan theihsiamna na tanaunu chiin:
5Kuti zvikuchengete pamukadzi wokumwe, Pamutorwa anobata kumeso namashoko ake.
5Numei lamdang akipan nang a honkep theihna ding un, a thutea maitangphatnu mikhual akipan.
6nekuti ndakatarira pahwindo reimba yangu, Pahutanda bwehwindo rangu;
6Ka in tohlet ah ka tohletkhakna ah ka en paisuaka;
7Ndikatarira pakati pavasina mano, Ndikaona pakati pamajaya. Rimwe jaya rakashaiwa njere;
7Huan mi mawlte lakah ka ena, tuailaite lakah ka theikaka, tangval theihsiamna beipa,
8Richipfuura nenzira yomumusha pedo nekona yeimba yomukadzi
8A omnaning china kongzinga paisuaka, a in lam juana pai jelpa;
9Nenguva yorubvunzavaeni, nenguva yamadeko ezuva, Pakati pousiku kwasviba.
9Khomuiin, ni nitaklamin, jan mial bibek leh khomial ah.
10Zvino tarira, mukadzi akasangana naye, Akanga akafuka sechifeve, anokunyengedzera pamoyo.
10Huan, ngaiin, numei khat, kijuak puansilh silh, lungtang kivain a nakituahpiha.
11Anopupira, achiita sezvaanoda; Tsoka dzake hadzigari mumba make;
11Amah ahi lawlawa, a tum tuntuna; a khe a in ah a om gige kei:
12Imwe nguva ari munzira dzomumusha, imwe nguva pamatare; Anorindira pamakona ose.
12Konhzinga om ton a oma, mun liantea a om ton a oma, ning chiteng a buk jel hi.
13Zvino iye akamubata, akamutsvoda; Akataura naye nechiso chisina kunyara, akati kwaari,
13Huchiin aman a manta, amah a tawpta, huan zummoh maitang tohin a kiangah:
14Ndaifanira kuuya nezvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, Nhasi ndaripa mhiko dzangu.
14Lemna kithoihnate ka kiangah a om; tuiin ka thuchiamte ka peta hi,
15Saka ndabuda kuzokuchingamidza, Nditsvake chiso chako zvikuru, zvino ndakuwana.
15Huaijiakin nang tuak dingin ka hongpai khiaa, na mel thanuamtaka zong dingin, ka honmuta hi,
16Ndakawarira machira anohukomba pamubhedha wangu, Nemicheka ina mavara inobva Egipita.
16Ka tutna nuam pialkhang phah ze hoihtea zep, ka phah khinta, Aigupta khau puan gialte toh.
17Ndakasasa zvinonhuhwira pamubhedha wangu, Mura, negavakava, nekinamoni.
17Ka lupna murra, aloe, leh sinamonin ka namtui sakta.
18Uya tigute nokudana kusvikira mangwanani; Ngatizvifadze nokudana kukuru.
18Hongpai in, jingsang matan I itna dimset I la ding; itnain I kilungmuan tuah ding.
19nekuti murume haapo pamusha; Akafamba rwendo rukuru;
19Ka pasal lah in ah a om ngal keia, khual gamla ah a zin hi:
20Akaenda nehombodo ine mari; Achadzoka pajenaguru.
20Sum ip a kitawia; kha a lik chiangin in ah a hongpai ding, a chi a.
21Nokutaura kwake kunokwezva anomutsausa, Anomugombedzera nokubata kumeso kwemiromo yake.
21A thugen siamnain amah a kipe sakta, a muka maitangphatnatein amah a sawlmang ta hi.
22Anomutevera pakarepo, Senzombe inoenda kwainondobayiwa, Kana sebenzi rakasungwa rinoenda kundorangwa;
22Amah a jui paha, goh dinga bawngtal a pai bangin, hiam mihai bawlhoihna dia sikkhau khihmi bangin;
23Kusvikira museve wabaya chiropa chake; Seshiri inokurumidzira kurugombe, Asingazivi kuti zvinovinga upenyu hwake.
23Thalin a sin a kap pailet tan; tang lama vasa a kintat bangin, huan huai tuh a hinna gun a hih a theikei hi.
24Zvino vanakomana vangu, nditeererei, Inzwai mashoko omuromo wangu.
24Tuin, ka tapate, huaijiakin honngaikhia un, ka kama thute limsak un.
25moyo wako ngaurege kutsaukira kunzira dzake; Usafamba-famba mumakwara ake.
25Na lungtang amah lampi lam ah awn kei henla, lampite lamah pai mang kei hen.
26nekuti akawisira pasi vazhinji vakakuvadzwa; Zvirokwazvo, vakaurawa naye vazhinji kwazvo.
26Amah lah tampi liamsain a pailumlettaa: ahi, a thahsate mi hat tampi ahi uh.A in Seol zotna lampi ahi, sihna dantante juana suk pai.
27Imba yake inzira dzinoenda Sheori, Dzinoburukira kudzimba dzorufu.
27A in Seol zotna lampi ahi, sihna dantante juana suk pai.