Shona

Persian

1 Samuel

27

1Zvino Dhavhidhi akati mumoyo make, Mumwe musi ndichaparadzwa hangu noruoko rwaSauro; zviri nani kwazvo kwandiri kuti nditizire kunyika yavaFirisitia; Sauro uchazoora moyo pamusoro pangu, akarega kunditsvaka panyika yose yaIsiraeri; saizvozvo ndichapukunyuka paruoko rwake.
1 داوود در دل خود گفت: «من بالاخره یک روز به دست شائول کشته می‌شوم. پس بهتر است که به کشور فلسطینیان فرار کنم تا شائول از تعقیب من در اسرائیل دست بردارد و من از دستش آرام شوم.»
2Dhavhidhi akasimuka, akayambuka, iye navarume vana mazana matanhatu vaakanga anavo, akaenda kuna Akishi, mwanakomana waMaoki, mambo weGati.
2 پس داوود با ششصد نفر از همراهان خود پیش اخیش پسر معوك، پادشاه جت رفت.
3Dhavhidhi akagara naAkishi paGati, iye navanhu vake, munhu mumwe nomumwe ane mhuri yake, iye Dhavhidhi ana vakadzi vake vaviri, Ahinowamu muJezereeri, naAbhigairi muKarimeri, waiva mukadzi waNabhari.
3 همراهانش هر کدام با فامیل خود و داوود هم با دو زن خود، یعنی اخینوعم یزرعیلی و ابیجایل کرملی، زن نابال در آنجا ساکن شدند.
4Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi watizira Gati, akasazomutsvakazve.
4 خبر فرار داوود به جت، به گوش شائول رسید. پس از تعقیب داوود دست کشید.
5Zvino Dhavhidhi akati kuna Akishi, Zvino kana ndakanzwirwa tsitsi nemi, ngandipiwe hangu pokugara pane rimwe guta renyika ino, ndigarepo, nekuti muranda uchagarireiko pamuzinda pamwechete nemi?
5 داوود به اخیش گفت: «اگر به من لطف کنی می‌خواهم به جای پایتخت در یکی از شهرهای اطراف زندگی کنم.»
6Naizvozvo Akishi akamupa Zikiragi nomusi iwoyo; naizvozvo Zikiragi nderamadzimambo aJudha kusvikira nhasi.
6 اخیش موافقت کرد و شهر صقلغ را که تا به امروز هم به پادشاهان یهودا متعلّق است، به او داد.
7Zvino mazuva akagara Dhavhidhi panyika yavaFirisitia akasvika gore rose nemwedzi mina.
7 به این ترتیب داوود برای مدّت یک سال و چهار ماه در بین فلسطینیان زندگی کرد.
8Dhavhidhi navanhu vake vakakwira vakandopambara vaGeshuri navaGirizi, navaAmareki; nekuti marudzi iwayo ndiwo akanga agere panyika iyo kare, kana munhu achienda Shuri kusvikira panyika yeEgipita.
8 داوود و همراهانش به جشوریان، جزریان و عمالقه که از روزگاران قدیم در امتداد شور و مصر زندگی می‌نمودند، حمله می‌کردند.
9Dhavhidhi akakunda nyika iyo, haana kurega murume kana mukadzi ari mupenyu, akatapa makwai, nemombe, nembongoro, namakamera, nenguvo; akadzoka, akasvika kuna Akishi.
9 و به هر جایی که حمله می‌کردند، تمام زنان و مردان آنجا را می‌کشتند و گوسفند، گاو، الاغ، شتر و حتّی لباس آنها را هم گرفته پیش اخیش برمی‌گشتند.
10Akishi akati, Mandopambara kupiko nhasi? Dhavhidhi akati, Kurutivi rwezasi rwavaJudha, nokurutivi rwezasi rwavaJerameeri, nokurutivi rwezasi rwavaKeni.
10 اخیش می‌پرسید: «امروز به کجا حمله کردید؟» داوود جواب می‌داد: «به جنوب یهودا» یا «به مردم یرحمئیل» یا «به قینیان.»
11Dhavhidhi haana kurega murume kana mukadzi ari mupenyu, kuti auye navo paGati, achiti, Ngavarege kutiudzisira, vachiti, Dhavhidhi wakaita zvokuti nezvokuti, ndiyo tsika yake nguva yose achigere munyika yavaFirisitia.
11 داوود در حمله‌های خود زن یا مردی را زنده نمی‌گذاشت، مبادا به جت بیایند و گزارش کارهای او را بدهند. داوود در تمام مدّتی که در کشور فلسطینیان زندگی می‌کرد، کارش همین بود. اخیش حرف داوود را باور می‌نمود و فکر می‌کرد که قوم اسرائیل بکلّی از او متنفّر هستند و حالا برای همیشه پیش او می‌ماند و او را خدمت می‌کند.
12Akishi akatenda Dhavhidhi achiti, Wazvivengesa kwazvo navanhu vake Isiraeri; naizvozvo uchava muranda wangu nokusingaperi.
12 اخیش حرف داوود را باور می‌نمود و فکر می‌کرد که قوم اسرائیل بکلّی از او متنفّر هستند و حالا برای همیشه پیش او می‌ماند و او را خدمت می‌کند.