Shona

Persian

1 Samuel

28

1Zvino namazuva iwayo vaFirisitia vakaunganidza hondo dzavo kuzorwa navaIsiraeri. Akishi akati kuna Dhavhidhi, Ziva kwazvo kuti unofanira kuenda neni nehondo, iwe navanhu vako.
1 در آن هنگام فلسطینی‌ها سپاه خود را جمع کردند تا با اسرائیل بجنگند. اخیش به داوود گفت: «البتّه می‌دانی که تو و مردانت باید در این جنگ با ما باشید.»
2Dhavhidhi akati kuna Akishi, Naizvozvo muchaziva muranda wenyu zvaanogona kuita. Akishi akati kuna Dhavhidhi, Naizvozvo ndichakuita muchengeti womusoro wangu nokusingaperi.
2 داوود گفت: «بسیار خوب، من خادم شما هستم و شما خواهید دید که من چه خواهم کرد.» اخیش گفت: «بسیار خوب، من هم تو را محافظ همیشگی خود می‌سازم.»
3Samueri zvino wakange afa; vaIsiraeri vakanga vamuchema, vamuviga paRama, imo muguta rake; Sauro akanga abvisa panyika masvikiro navauki.
3 در این زمان سموئیل مرده بود و تمام قوم اسرائیل برای او ماتم گرفته و او را در شهر خودش‌، در رامه به خاک سپرده بودند. شائول پادشاه، همهٔ فالبین‌ها و احضارکنندگان ارواح را از کشور اسرائیل بیرون کرده بود.
4Zvino vaFirisitia vakaungana, vakavaka misasa yavo paShunemi; Sauro akaunganidza vaIsiraeri vose, ivo vakavaka misasa yavo paGiribhoa.
4 فلسطینی‌ها آمدند و در شونیم اردو زدند و شائول هم با سپاه خود در جلبوع سنگر گرفت.
5Zvino Sauro wakati achiona hondo dzavaFirisitia, akatya, moyo wake ukadedera kwazvo.
5 وقتی شائول سپاه عظیم فلسطینی‌ها را دید، ترسید.
6Sauro akabvunza Jehovha, asi Jehovha haana kumupindura, kunyange pakurota, kana nendimi, kana navaporofita.
6 او از خداوند سؤال کرد که چه کند. امّا خداوند جوابش را نداد، نه در خواب به او جواب داد و نه به وسیلهٔ قرعه و نه توسط انبیا.
7Ipapo Sauro akati kuvaranda vake, Nditsvakirei mukadzi unosvikirwa, ndiende kwaari ndindomubvunza iye. Varanda vake vakati kwaari, Tarirai, kuno mukadzi unosvikirwa paEndori.
7 آنگاه شائول به خادمان خود گفت: «بروید زنی را که با ارواح سر و کار داشته باشد پیدا کنید، تا پیش او رفته بپرسم که چه باید بکنم.» آنها گفتند: «زنی در عین دور هست.»
8Sauro akazvishandura, akafuka dzimwe nguvo, akaenda, iye navamwe varume vaviri, vakasvika kumukadzi usiku; akati, Ndiukirewo nomweya unokusvikira, undikwidzire wandichakuudza.
8 شائول شکل خود را تغییر داده، لباس عادی پوشید و در هنگام شب با دو نفر از افراد خود به خانهٔ آن زن رفت. از او خواهش کرده گفت: «روح شخصی را که به تو می‌گویم احضار کن و از او بپرس که من باید چه کار کنم؟»
9Mukadzi akati kwaari, Tarira, unoziva zvakaitwa naSauro, kuti wakaparadza masvikiro navauki panyika, unoteyireiko upenyu hwangu, ndiurawe?
9 زن به او گفت: «تو خوب می‌دانی که شائول تمام فالگیران و جادوگران را از اسرائیل بیرون کرده. چرا تو می‌خواهی مرا به دام بیندازی و به کشتن بدهی؟»
10Sauro akapika kwaari naJehovha, akati, NaJehovha mupenyu, iwe haungavi nemhosva pachinhu ichi.
10 شائول گفت: «به نام خداوند قسم می‌خورم که از این بابت هیچ ضرری به تو نخواهد رسید.»
11Zvino mukadzi akati, Ndokukwidzira aniko? Akati, Ndikwidzire Samueri.
11 زن پرسید: «چه کسی را می‌خواهی که برایت بیاورم؟» او جواب داد: «سموئیل را.»
12Mukadzi wakati achiona Samueri, akadanidzira nenzwi guru. Mukadzi akataura naSauro, akati, Mandinyengerereiko? nekuti ndimi Sauro?
12 وقتی آن زن سموئیل را دید با آواز بلند فریاد زد و به شائول گفت: «برای چه مرا فریب دادی؟ تو شائول هستی.»
13Mambo akati kwaari, Usatya hako, asi unowoneiko? Mukadzi akati kuna Sauro, Ndinoona mudzimu unokwira achibuda panyika.
13 پادشاه به او گفت: «نترس. چه می‌بینی؟» زن گفت: «یک روح را می‌بینم که از زمین بیرون می‌آید.»
14Akati kwaari, Wakadiniko? Akati, Kunomutana unokwira, akafuka nguvo. Sauro akaziva kuti ndiye Samueri, akakotamira pasi nechiso chake, akanamata kwaari.
14 شائول پرسید: «چه شکلی دارد؟» زن جواب داد: «پیرمردی را می‌بینم که ردایی بر تن دارد.» آنگاه شائول دانست که او سموئیل است. پس رو به زمین خم شد و تعظیم کرد.
15Samueri akati kuna Sauro, Wanditambudzireiko uchindikwidza? Sauro akapindura akati, Ndinotambudzika kwazvo; nekuti vaFirisitia vanorwa neni, naMwari wabva kwandiri, haachatongondipinduri, kunyange., navaporofita, kana nokurota; naizvozvo ndakudanai imi, kuti mundizivise zvandinofanira kuita.
15 سموئیل به شائول گفت: «چرا آسایش مرا برهم زدی و مرا به اینجا آوردی؟» شائول گفت: «مشکل بزرگی دارم، زیرا فلسطینی‌ها به جنگ من آمده‌اند. خداوند مرا ترک کرده است و دیگر به سؤالهای من جواب نمی‌دهد. نه توسط انبیا و نه در خواب. بنابراین تو را خواستم تا به من بگویی که چه کار کنم.»
16Samueri akati, Unondibvunzireiko ini, Jehovha zvaakabva kwauri, akava muvengi wako?
16 سموئیل گفت: «وقتی خداوند تو را ترک کرده و دشمن تو شده است، چرا از من سؤال می‌کنی؟
17Jehovha wakazviitira izvo zvaakataura neni; Jehovha akabvarura ushe pamaoko ako, akahupa mumwe wokwako, iye Dhavhidhi.
17 خداوند همان‌طور که قبلاً به من گفته بود، عمل کرد. او پادشاهی را از تو گرفته و به همسایه‌ات، داوود داده است.
18Nekuti hauna kuteerera inzwi raJehovha, hauna kuitira vaAmareki nokutsamwa kwake kukuru; naizvozvo Jehovha wakakuitira chinhu ichi nhasi.
18 چون تو اوامر خداوند را اطاعت نکردی و عمالیقی‌ها و آنچه را که داشتند از بین نبردی، پس خداوند این بلا را بر سر تو آورد.
19Zvino Jehovha uchaisa vaIsiraeri pamwechete newe mumaoko avaFirisitia; mangwana iwe navanakomana vako muchava neni; Jehovha uchaisa hondo yavaIsiraeri mumaoko avaFirisitia.
19 علاوه بر این تو و لشکر اسرائیل به دست فلسطینی‌ها سپرده می‌شوید و تو و پسرانت فردا نزد من خواهید آمد و لشکر اسرائیل بکلّی مغلوب می‌شود.»
20Ipapo Sauro akawira pasi pakarepo, akatsivama, akatya kwazvo pamusoro pamashoko aSamueri; kwakanga kusina simba maari, nekuti wakange asina kudya zvokudya zuva iro rose, kunyange nousiku hwose.
20 شائول با شنیدن سخنان سموئیل ناگهان به روی زمین افتاد، زیرا بشدّت ترسید. چون تمام شب و روز چیزی نخورده بود، بسیار ضعیف شده بود.
21Zvino mukadzi akauya kuna Sauro, akaona kuti unotambudzika kwazvo, akati kwaari, Tarirai, murandakadzi wenyu wakateerera inzwi renyu, ndikasarangarira upenyu hwangu, asi ndakateerera mashoko enyu amakandiudza.
21 وقتی آن زن وضع پریشان شائول را دید به او گفت: «من جان خود را با انجام دادن دستورات شما به خطر انداختم.
22Naizvozvo zvino, chiteereraiwo inzwi romurandakadzi wenyu, ndiise chimedu chechingwa pamberi penyu, mudye, muve nesimba kana moenda henyu.
22 اکنون خواهش می‌کنم که شما هم خواهش مرا بپذیرید و چیزی بُخورید تا کمی قوّت بگیرید و بتوانید بازگردی.»
23Asi iye wakaramba, akati, Handidi hangu kudya. Asi varanda vake vakamukurudzira pamwechete nomukadzi, akazoteerera manzwi avo. Naizvozvo akasimuka pasi, akagara panhovo.
23 امّا شائول از خوردن خودداری کرده گفت: «من چیزی نمی‌خورم.» همراهانش نیز به او اصرار نمودند. پس شائول از زمین برخاست و روی تخت نشست.
24Zvino mukadzi wakange ane mhuru yakakodzwa mumba; akakurumidza akaibaya, akatora upfu, akahukanya, akabika nahwo chingwa chisina kuviriswa;
24 آن زن فوراً گوسالهٔ چاقی را که در خانه داشت، سر برید. آرد را خمیر کرده نان فطیر پخت. سپس غذا را پیش شائول و خادمانش گذاشت. آنها خوردند و برخاسته، شبانه به راه افتادند.
25akazviisa pamberi paSauro napamberi pavaranda vake; vakadya. Ipapo vakasimuka, vakaenda usiku ihwohwo.
25 سپس غذا را پیش شائول و خادمانش گذاشت. آنها خوردند و برخاسته، شبانه به راه افتادند.