1Zvino vaFirisitia vakaunganidza hondo dzavo dzose paAfeki, asi vaIsiraeri vakavaka misasa yavo patsime raiva paJezereeri.
1
سپاه فلسطینیها در افیق جمع شدند و لشکر اسرائیل نیز در کنار دشت یزرعیل اردو زد.
2Madzishe avaFirisitia akapfuura akaita mazana-nemazana zviuru-nezviuru, naDhavhidhi navanhu vake vakapfuurawo vachitevera Akishi.
2
وقتی فرماندهان لشکر فلسطینیها گروههای صد نفره و هزار نفره را به حرکت در آوردند، داوود و همراهان هم به دنبال اخیش پادشاه میرفتند.
3Ipapo machinda avaFirisitia akati, Ko vaHebheru ava vanoiteiko pano? Akishi akati kumachinda avaFirisitia, Ko uyu haazi Dhavhidhi, muranda waSauro, mambo waIsiraeri, ugere neni mazuva ano kana makore ano here? Handina kuwana mhosva kwaari, chinguva chaakatizira kwandiri kusvikira nhasi.
3
فرماندههای فلسطینیها پرسیدند: «این عبرانیان اینجا چه میکنند؟» اخیش در جواب گفت: «او داوود خادم شائول، پادشاه اسرائیل است. او مدّت زیادی است که با من به سر میبرد. در این مدّت او هیچ اشتباهی از او ندیدهام.»
4Asi machinda avaFirisitia akamutsamwira, machinda avaFirisitia vakati kwaari, Dzosa munhu uyu, adzokere uko kwake kwawakamuisa iwe, asi ngaarege kuburuka kundorwa nesu, kuti arege kutipandukira akava muvengi wedu pakurwa. nekuti munhu uyu ungandoyananisa ishe wake neiko? Hatiti nemisoro yavanhu ava here?
4
امّا فرماندهان فلسطینی خشمگین شدند و گفتند: «او را به شهری که به او دادهای بفرست. او نباید با ما به جنگ برود، مبادا علیه ما بجنگد. زیرا کشته شدن ما به دست او فرصت خوبی به او میدهد که اعتماد آقای خود را به دست آورده با او آشتی کند.
5Ko uyu haazi Dhavhidhi uya wavakaimbira vachibvumirana pakutamba kwavo, vachiti,
5
آیا این شخص همان داوود نیست که زنهای اسرائیلی در رقصهای خود برایش میخواندند: شائول هزاران نفر را کشته و داوود دهها هزار نفر را؟»
6Ipapo Akishi akadana Dhavhidhi, akati kwaari, NaJehovha mupenyu, iwe wakange uri munhu wakarurama, nokubuda kwako nokupinda kwako pahondo kwakanga kuchindifadza ini, nekuti handina kuwana zvakaipa kwauri kubva pazuva rawakasvika kwandiri kusvikira zuva ranhasi; asi madzishe haakufariri.
6
پس اخیش داوود را به حضور خود خواند و گفت: «من به خداوند زنده قسم میخورم که تو شخص درستکاری هستی و از روزی که پیش من آمدی، هیچ بدی از تو ندیدهام. من میخواهم تو با ما به جنگ بروی، امّا فرماندهان سپاه نمیخواهند.
7Naizvozvo zvino chidzoka hako, uende norugare, kuti urege kuzoita chisingafadzi madzishe avaFirisitia.
7
پس به سلامتی بازگرد و کاری نکن که آنها را ناراضی کنی.»
8Dhavhidhi akati kuna Akishi, Ndadiniko? Makawaneiko kumuranda wenyu chinguva chandakagara nemwi kusvikira nhasi, kuti ndirege kundorwa navavengi vashe wangu mambo?
8
داوود به اخیش گفت: «من چه کردهام؟ در این مدّتی که در خدمت تو بودهام آیا هیچ خطایی در من دیدهای که مرا از جنگ کردن با دشمنان آقایم باز دارد؟»
9Akishi akapindura, akati kuna Dhavhidhi, Ndinoziva kuti unondifadza ini, somutumwa waMwari; asi machinda avaFirisitia akati, Ngaarege kukwira nesu kundorwa.
9
اخیش جواب داد: «من میدانم. تو در نظر من مثل فرشتهٔ خدا نیکو هستی، ولی فرماندهان دیگر میترسند و نمیخواهند که با آنها به جنگ بروی.
10Naizvozvo zvino chimuka hako achiri mangwanani pamwechete navaranda vashe wako vakauya newe; zvino kana mamuka mangwanani, mogona kuona, muende henyu.
10
پس از تو خواهش میکنم تو و همهٔ کسانیکه از نزد شائول پادشاه اسرائیل نزد من آمدید، فردا صبح زود همین که هوا روشن شد، اینجا را ترک کنید.»
پس داوود و همراهان او صبح زود برخاستند و به فلسطین برگشتند. سپاهیان فلسطین نیز به راه خود به طرف یزرعیل ادامه دادند.
11Naizvozvo Dhavhidhi akamuka mangwanani, iye navanhu vake, vakaenda mangwanani, vakadzokera kunyika yavaFirisitia. VaFirisitia vakakwira vakaenda Jezereeri.
11
پس داوود و همراهان او صبح زود برخاستند و به فلسطین برگشتند. سپاهیان فلسطین نیز به راه خود به طرف یزرعیل ادامه دادند.