1Rangarirawo Musiki wako pamazuva ovujaya bwako, mazuva akaipa asati asvika, namakore asati avapo; panguva yauchazoti handifariri izvozvo;
1
آفرینندهٔ خود را در روزهای جوانیّت بهیادآور، پیش از آن که روزها و سالهای سخت برسند و بگویی: «من دیگر از زندگی لذّتی نمیبرم.»
2zuva nechiedza, nomwedzi, nenyeredzi zvisati zvasvibiswa, makore achidzoka kana mvura yapfuura;
2
آفرینندهٔ خود را به یادآور، قبل از آن که آفتاب و ماه و ستارگان، دیگر بر زندگی تو ندرخشند و ابرهای تیره، آسمان زندگیت را تاریک کنند،
3zuva iro, kana vatariri veimba vachidedera, varume vane simba vachikotama, vakuyi vachirega basa ravo, nekuti vava vashoma; navanotarira napamahwindo vasvibirwa;
3
دستهایت که از تو محافظت میکنند بلرزند و پاهایت سست گردند، دندانهایت بیفتند و دیگر نتوانی غذا بخوری، چشمانت کم نور و گوشهایت سنگین شوند
4mikova ichizarirwa inobudira kunzira dzokumusha, nenzwi rokukuya richidedera; kana achimuka nenzwi reshiri, navaimbi vose vasinganzwiki zvakanaka.
4
و نتوانند سر و صدای کوچه و آواز آسیاب و نوای موسیقی را بشنوند، امّا صدای پرندگان از خواب بیدارت کند،
5Zvirokwazvo vachatya zvakakwirira, nezvinotyisa zvichanzi zviri panzira; muamanda uchatumbuka maruva, nemhashu ichazvikwekweredza, uye kuda kose kuchapera; nekuti munhu anoenda kumusha wake usingaperi, vachemi vachafamba-famba panzira dzomumusha;
5
از بلندی بترسی، و با هراس راه بروی، موهای سرت سفید شوند، نیرویت از بین برود و اشتهایت را از دست بدهی.
ما رهسپار ابدیّت خواهیم شد و در کوچهها نوحهگری خواهد بود،
6rwonzi rwesirivha rusati rwasunungurwa, mbiya yendarama isati yaputswa, chirongo chisati chaputswa patsime, nechichereso chinomonerwa chisati chavhunikira pachitubu,
6
پیش از آنکه رشتهٔ نقرهای عمر گسسته شود و جام طلا بشکند و کوزه در کنار چشمه خُرد گردد و چرخ بر سر چاه شکسته شود.
7guruva risati radzokera kuvhu, sezvarakanga rakaita; uye mweya usati wadzokera kuna Mwari akaupa.
7
بدن ما که از خاک ساخته شده است، به خاک برمیگردد و روح نزد خدا میرود که آن را به ما بخشیده بود.
8Zvanzi noMuparidzi, Hazvina maturo chose, zvose hazvina maturo!
8
حکیم میگوید: «بیهودگی است! بیهودگی است! همهچیز بیهوده است!»
9Zvino, Muparidzi zvaakanga ari munhu akachenjera, akapfuura achidzidzisa vanhu zivo; akarangarira, nokunzvera, nokurongedza zvirevo zvizhinji.
9
حکیم چون شخص دانایی بود، آنچه را که میدانست به مردم تعلیم داد و پس از تحقیق و تفکّر امثال زیادی را نوشت.
10Muparidzi wakatsvaka kuti awane mashoko anofadza, uye zvakanyorwa nomoyo wakarurama, ari mashoko ezvokwadi.
10
حکیم کوشش زیادی کرد تا حقایق را با زبان ساده و عبارات شیرین بیان کند.
11Mashoko avakachenjera akafanana nezvibayiso; sembambo dzakaroverwa kwazvo, ndizvo zvakaita mashoko akaunganidzwa, akapiwa noMufudzi mumwechete.
11
کلام شخص دانا مانند سُک گاورانان است و همچون میخهایی است که محکم به زمین کوبیده شده باشند.
12Uyezve, mwanakomana wangu, unyeverwe; kuita bhuku zhinji hakuperi, uye kudzidza kuzhinji kunonetsa muviri.
12
امّا فرزندم، علاوه بر اینها، برحذر باش؛ نوشتن کتابها پایانی ندارد و مطالعهٔ زیاد انسان را خسته میسازد.
13Zvino magumo eshoko rose ranzwikwa ndirori: Itya Mwari, uchengete mirairo yake; nekuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.
13
خلاصه کلام اینکه، انسان باید از خدا بترسد و اوامر او را بجا آورد، زیرا که این تمام وظیفهٔ اوست؛
چون خدا هر کار خوب یا بد انسان را، حتّی اگر در خفا هم انجام شده باشد، داوری خواهد کرد.
14nekuti Mwari achatonga basa rimwe nerimwe, pamwechete nezvose zvakavanzika, kunyange zvakanaka, kunyange zvakaipa.
14
چون خدا هر کار خوب یا بد انسان را، حتّی اگر در خفا هم انجام شده باشد، داوری خواهد کرد.