Shona

Romani: New Testament

Daniel

12

1Nenguva iyo Mikaeri achasimuka, iye muchinda mukuru anochengeta vana vavanhu vako; ipapo nguva yenjodzi ichavapo, isina kumbovapo yakadaro kubva pakumuka kwamarudzi avanhu kusvikira nguva iyo; nenguva iyo vanhu vako vacharwirwa, ivo vose vakanyorwa mubhuku.
2Zvino vazhinji vavavete muvhu rapasi vachamuka, vamwe vachamukira upenyu hwusingaperi, vamwe kukunyadziswa nokuzvidzwa kusingaperi.
3Vakachenjera vachapenya sokupenya kokudenga, uye vanodzorera vazhinji kukururama vachapenya senyeredzi nokusingaperi-peri.
4Asi iwe Dhanyeri, vanza mashoko, unamire bhuku rechisimbiso, kusvikira kunguva yokupedzisira; vazhinji vachamhanya pose-pose, nezivo ichawanda.
5Ipapo ini Dhanyeri ndakatarira, ndikaona vamwe vaviri, mumwe pamahombekombe erwizi nechouno mhiri, mumwe pamahombekombe erwizi nechemhiri.
6Kukanzi kumurume akanga akapfeka hanzu dzemicheka, akanga ari pamusoro pemvura yorwizi, Inguva yakadini kusvikira pakuguma kwezvishamiso izvi?
7Ndikanzwa murume akanga akapfeka hanzu dzemicheka, akanga ari pamusoro pemvura yorwizi, achisimudzira kudenga ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe, achipika naiye anorarama nokusingaperi, kuti zvichaita nguva imwe, nedzimwe nguva, nehafu yenguva; kana vapedza kuputsanya simba ravanhu vatsvene, izvi zvose zvichapedziswa.
8Ndikanzwa, asi handina kuzvinzwisisa, ipapo ndikati, Aiwa ishe wangu, kupera kwezvinhu izvi ndokweiko?
9Iye akati, Chienda hako, iwe Dhanyeri, nekuti mashoko awa akavanzwa nokunamirwa nechisimbiso kusvikira panguva yokupedzisira.
10Vazhinji vachazvinatsa nokuzvichenesa nokubviswa tsvina, asi vakaipa vachaita zvakaipa; hakuna pakati pavakaipa achanzwisisa, asi vakachenjera ndivo vachanzwisisa.
11Kubva panguva yokubviswa kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nokumutswa kwechifananidzo chinonyangadza chinoparadza, zvichaita mazuva ane chiuru chimwe namazana maviri namakumi mapfumbamwe.
12Akaropafadzwa anoramba achimirira kusvikira pamazuva ane chiuru chimwe namazana matatu namakumi matatu namashanu.
13Asi iwe chienda hako kusvikira kuguma kwavapo; nekuti iwe achazorora, ndokumukirazve mugove wako pakupera kwamazuva iwayo.