Shona

Romani: New Testament

Hosea

1

1Shoko raJehovha rakasvika kuna Hosiya mwanakaomana waBheeri, namazuva aUziya naJotami naAhazi naHezekia, madzimambo aJudha, uye namazuva aJerobhoami mwanakomana waJoashi, mambo waIsiraeri.
2Pakutanga kokutaura kwaJehovha naHosiya, Jehovha akati kuna Hosiya, Enda undozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve; nekuti nyika inofeva zvikuru, zvavakasiyana naJehovha.
3Naizvozvo akaenda akatora Gomeri mukunda waDibhiraimi, iye akanaka pamuviri akamuberekera mwanakomana.
4Jehovha akati kwaari, Mutumidze zita rinonzi Jezireeri, nekuti kwasara chinguva chiduku, ipapo ndichatsiva ropa reJezireeri paimba yaJehu, nokugumisa ushe bweimba yaIsiraeri.
5Zvino nezuva iro ndichavhuna uta hwaIsiraeri mumupata weJezireeri.
6Akanakazve pamuviri, ndokubereka mwanasikana. Jehovha akati kwaari, Mutumidze iye zita rinonzi Roruhama; nekuti handichazonzwiri imba yaIsiraeri nyasha nditongovakangamwira.
7Asi ndichanzwira imba yaJudha nyasha, ndichavaponesa naJehovha Mwari wavo, handingavaponesi nouta, kana nomunondo, kana nokurwa, kana namabhiza, kana navatasvi vamabhiza.
8Zvino akati arumura Roruhama, akanakazve pamuviri, akabereka mwanakomana.
9Jehovha akati, Mutumidze zita rinonzi Roami; nekuti imwi hamuzi vanhu vangu, neni handingavi Mwari wenyu.
10Kunyange zvakadaro kuwanda kwavana vaIsiraeri kuchaita sejecha regungwa, risingabviri kuyerwa kana kuverengwa; zvichaitika kuti paya pakanga panzi kwavari, Hamuzi vanhu vangu, ndipapo pazvichanzi kwavari, Muri vanakomana vaMwari mupenyu.
11Vana vaJudha navana vaIsiraeri vachaunganidzwa pamwechete, vachazvigadzira mukuru mumwe, ndokubva panyika nekuti zuva reJezireeri richava guru.