1Itiyi kuna vanin'ina venyu, Ama; nokuhanzvadzi dzenyu, Ruhama.
2Kakavarai namai venyu, kakavarai; nekuti haazi mukadzi wangu, neni handizi murume wake; ngaabvise kufeva kwake pachiso chake, nokupata kwake pakati pamazamu ake;
3kuti ndirege kumukumurira nguvo dzake dzose, ndimuite sezvaakanga akaita nezuva rokuzvarwa kwake, ndimuite serenje, ndimushandure ave nyika yakaoma, ndimuuraye nenyota.
4Zvirokwazvo handinganzwiri vana vake nyasha, zvavari vana voufeve;
5nekuti mai vavo vakafeva; vakavabereka vakaita zvinonyadzisa, nekuti vakati, Ndichatevera vadikani vangu, vanondipa zvokudya zvangu nemvura yangu, namakushe angu neshinda yangu, namafuta angu nezvokumwa zvangu.
6Naizvozvo tarira, ndichasosera nzira yako nemhinzwa, ndichamuvakira rusvingo, kuti arege kuwana nzira dzake.
7Achatevera vadikani vake, asi haangavabati; achavatsvaka, asi haangavawani; ipapo achati, Ndichadzokera kumurume wangu wokutanga, nekuti nenguva iyo ndaifara kupfuura zvino.
8nekuti akanga asingazivi kuti ndini ndaimupa zviyo, newaini namafuta, nokumuwanzira sirivha nendarama, zvavaibatira Bhaari nazvo.
9Saka ndichamutorera zviyo zvangu nenguva yazvo, newaini yangu itsva nenhambo yazvo, ndichabvisa makushe angu neshinda yangu zvaifanira kufukidza kushama kwake.
10Zvino ndichafukura kunyadzisa kwake pamberi pavadikani vake, hakuna angamurwira paruoko rwangu.
11Ndichagumisawo mufaro wake wose, nemitambo yake, nenguva dzake dzokugara komwedzi, namasabata ake, nevungano dzake dzose dzakatarwa.
12Ndichaparadza mizambiringa yake nemionde yake, yaaiti, Ndiwo mubayiro wangu wandakapiwa navadikani vangu; ndichazviita dondo, mhuka dzokusango dzichazvidya.
13Ndichamuranga nokuda kwamazuva avaBhaari, vaaipisira zvinonhuhwira, azvichishonga nezvindori zvake zvenzeve nezvishongo zvake, akatevera vadikani vake, akandikangwamwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
14Saka tarirai, ndichamunyengera nokumuisa kurenje, ndichitaura zvinofadza mwoyo wake.
15Ndichamupa minda yake yemizambiringa zvichibva ipapo, nomupata waAkori uve mukova wetariro kwaari; achapindura aripo, sapamazuva ousikana hwake, uye sapazuva raakabuda panyika
16Zvino nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha, achandiidza Ishi, haungazondiidzi Bhaari.
17nekuti ndichabvisa mazita avaBhaari mumuromo make, havangazozikamwi namazita avo.
18Nezuva iro ndichavaitira sungano nemhuka dzokusango, neshiri dzokudenga, nezvinokambaira zvapasi; ndichavhuna uta nomundo nehondo panyika, ndivavatise pasi vakachengetwa.
19Ndichakunyenga uve wangu nokusingaperi; zvirokwazvo ndichakunyenga uve wangu nokururama, nokururamisira, nounyoro, nenyasha.
20Ndichakunyenga uve wangu nokutendeka; ipapo uchaziva Jehovha.
21Zvino nezuva iro ndichapindura, ndizvo zvinotaura Jehovha ndichapindura denga rose, iro richapindura nyika;
22nyika ichapindura zviyo, newaini, namafuta; izvo zvichapindura Jezireeri.
23Ndichazvisimira iye panyika; ndichamunzwira nyasha, iye akanga asina kunzwirwa nyasha; ndichati kuna ivo vakanga vasi vanhu vangu, Imi muri vanhu vangu, ivo vachati, Imi muri Mwari wedu.